< Numeri 23 >

1 Bharamu akati, “Ndivakirei aritari nomwe pano, mugondigadzirira hando nomwe namakondobwe manomwe.”
And Balaam said to Balak, Build me here seven altars, and prepare me here seven oxen and seven rams.
2 Bharaki akaita sezvakataurwa naBharamu, uye vose vari vaviri vakabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe.
And Balak did as Balaam had spoken; and Balak and Balaam offered on every altar a bullock and a ram.
3 Ipapo Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano parutivi pechipiriso chako, ini ndimbotsaukira parutivi apa. Zvichida Jehovha angauya kuzosangana neni. Zvose zvaanondiratidza, ndichazokuudza.” Ipapo akabva akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu.
And Balaam said to Balak, Stand by your burnt offering, and I will go: peradventure the LORD will come to meet me: and whatever he shows me I will tell you. And he went to an high place.
4 Mwari akasangana naye, Bharamu akati, “Ndagadzira aritari nomwe uye paaritari imwe neimwe ndabayira hando negondobwe.”
And God met Balaam: and he said to him, I have prepared seven altars, and I have offered on every altar a bullock and a ram.
5 Jehovha akaisa shoko mumuromo waBharamu akati, “Dzokera kuna Bharaki utaure kwaari shoko iri.”
And the LORD put a word in Balaam’s mouth, and said, Return to Balak, and thus you shall speak.
6 Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda ose eMoabhu.
And he returned to him, and, see, he stood by his burnt sacrifice, he, and all the princes of Moab.
7 Ipapo Bharamu akataura chirevo chake akati: “Bharaki akanditora kubva kuAramu, iye mambo weMoabhu kubva kumakomo okumabvazuva. Akati, ‘Uya unditukirewo Jakobho; uya, utsoropodze Israeri.’
And he took up his parable, and said, Balak the king of Moab has brought me from Aram, out of the mountains of the east, saying, Come, curse me Jacob, and come, defy Israel.
8 Ndingatuka seiko avo vasina kutukwa naMwari? Ndingatsoropodza seiko avo vasina kutsoropodzwa naJehovha?
How shall I curse, whom God has not cursed? or how shall I defy, whom the LORD has not defied?
9 Ndiri pamusoro pamatombo, ndinovaona, ndiri pakakwirira, ndinovaona. Ndinoona vanhu vanogara vari voga uye havazviverengi pakati pendudzi.
For from the top of the rocks I see him, and from the hills I behold him: see, the people shall dwell alone, and shall not be reckoned among the nations.
10 Ndianiko angaverenga guruva raJakobho kana kuverenga chikamu chechina chaIsraeri? Regai ndife rufu rwowakarurama, uye kuguma kwangu ngakuve sokwavo!”
Who can count the dust of Jacob, and the number of the fourth part of Israel? Let me die the death of the righteous, and let my last end be like his!
11 Bharaki akati kuna Bharamu, “Waiteiko kwandiri? Ndakakutora kuti uzotuka vavengi vangu, asi hauna chinhu chawaita asi kutovaropafadza!”
And Balak said to Balaam, What have you done to me? I took you to curse my enemies, and, behold, you have blessed them altogether.
12 Iye akapindura akati, “Ko, handifaniri kuti nditaure zvaiswa mumuromo mangu naJehovha here?”
And he answered and said, Must I not take heed to speak that which the LORD has put in my mouth?
13 Ipapo Bharaki akati kwaari, “Uya uende neni kune imwe nzvimbo yaunogona kuvaona; uchangoona chikamu chavo asi kwete vose. Uye uri ipapo ugonditukira vanhu ava.”
And Balak said to him, Come, I pray you, with me to another place, from where you may see them: you shall see but the utmost part of them, and shall not see them all: and curse me them from there.
14 Saka akamutora akaenda naye kumunda waZofimi pamusoro pePisiga, uye akavaka aritari nomwe ipapo akabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe.
And he brought him into the field of Zophim, to the top of Pisgah, and built seven altars, and offered a bullock and a ram on every altar.
15 Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano iwe parutivi rwechipiriso chako ini ndichindosangana naye uko.”
And he said to Balak, Stand here by your burnt offering, while I meet the LORD yonder.
16 Jehovha akasangana naBharamu akaisa shoko mumuromo make akati, “Dzokera kuna Bharaki undotaura mashoko aya.”
And the LORD met Balaam, and put a word in his mouth, and said, Go again to Balak, and say thus.
17 Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda eMoabhu. Bharaki akamubvunza akati, “Jehovha ati kudiniko?”
And when he came to him, behold, he stood by his burnt offering, and the princes of Moab with him. And Balak said to him, What has the LORD spoken?
18 Ipapo akataura chirevo chake akati: “Simuka, Bharaki, uye uteerere; ndinzwe, iwe mwanakomana waZipori.
And he took up his parable, and said, Rise up, Balak, and hear; listen to me, you son of Zippor:
19 Mwari haasi munhu, kuti angareva nhema, uye mwanakomana womunhu kuti ashandure pfungwa dzake. Ko, anotaura akasazviita here? Anovimbisa akasazadzisa here?
God is not a man, that he should lie; neither the son of man, that he should repent: has he said, and shall he not do it? or has he spoken, and shall he not make it good?
20 Ndakagamuchira murayiro wokuti ndiropafadze; iye aropafadza, uye ini handigoni kuzvishandura.
Behold, I have received commandment to bless: and he has blessed; and I cannot reverse it.
21 “Haana kuona chakaipa kuna Jakobho, hapana chakashata chakaonekwa muIsraeri. Jehovha Mwari wavo anavo; kudanidzira kwaMambo kuri pakati pavo.
He has not beheld iniquity in Jacob, neither has he seen perverseness in Israel: the LORD his God is with him, and the shout of a king is among them.
22 Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati.
God brought them out of Egypt; he has as it were the strength of an unicorn.
23 Hapana unʼanga hungarwa naJakobho, hapana kuvuka kunorwa naIsraeri. Zvino zvichanzi pamusoro paJakobho, napamusoro paIsraeri, ‘Tarirai zvaitwa naMwari!’
Surely there is no enchantment against Jacob, neither is there any divination against Israel: according to this time it shall be said of Jacob and of Israel, What has God worked!
24 Vanhu vanosimuka seshumba hadzi; vanozvisimudza seshumba isingazorori kusvikira yadya chayauraya uye igonwa ropa rezvayabata.”
Behold, the people shall rise up as a great lion, and lift up himself as a young lion: he shall not lie down until he eat of the prey, and drink the blood of the slain.
25 Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Usatombovatuka kana kuvaropafadza napaduku!”
And Balak said to Balaam, Neither curse them at all, nor bless them at all.
26 Asi Bharamu akapindura akati, “Handina kukuudza here kuti ndinofanira kuita zvose zvinotaurwa naJehovha?”
But Balaam answered and said to Balak, Told not I you, saying, All that the LORD speaks, that I must do?
27 Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Uya, ndiende newe kune imwe nzvimbo. Zvimwe Mwari achafara nazvo kuti unditukire vanhu ava ikoko.”
And Balak said to Balaam, Come, I pray you, I will bring you to another place; peradventure it will please God that you may curse me them from there.
28 Saka Bharaki akatora Bharamu akakwira naye pamusoro pePeori pakatarisana nerenje.
And Balak brought Balaam to the top of Peor, that looks toward Jeshimon.
29 Bharamu akati, “Ndivakire aritari nomwe pano, ugogadzira hando nomwe namakondobwe manomwe.”
And Balaam said to Balak, Build me here seven altars, and prepare me here seven bullocks and seven rams.
30 Bharaki akaita sezvakanga zvataurwa naBharamu, akabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe.
And Balak did as Balaam had said, and offered a bullock and a ram on every altar.

< Numeri 23 >