< Numeri 22 >

1 Ipapo vaIsraeri vakafamba vachienda kumapani eMoabhu vakadzika misasa yavo vakatevedza Jorodhani nechemhiri kweJeriko.
The children of Israel traveled, and camped in the plains of Moab beyond the Jordan at Jericho.
2 Zvino Bharaki mwanakomana waZipori akaona zvose zvakanga zvaitwa navaIsraeri kuvaAmori,
Balak the son of Zippor saw all that Israel had done to the Amorites.
3 Moabhu akatya nokuti pakanga pane vanhu vazhinji. Zvirokwazvo, Moabhu yakazara nokudedera nokuda kwavaIsraeri.
Moab was very afraid of the people, because they were many: and Moab was distressed because of the children of Israel.
4 VaMoabhu vakati kuvakuru veMidhiani, “Vanhu vazhinji ava vachananzva zvinhu zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva sora romusango.” Saka Bharaki mwanakomana waZipori, uyo akanga ari Mambo weMoabhu panguva iyoyo,
Moab said to the elders of Midian, "Now this multitude will lick up all that is around us, as the ox licks up the grass of the field." Balak the son of Zippor was king of Moab at that time.
5 akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori, uyo akanga ari paPetori, pedyo noRwizi, munyika yaakaberekerwa. Bharaki akati: “Vanhu vakabva kuIjipiti, vakazadza nyika yose, uye vagara pedyo neni.
He sent messengers to Balaam the son of Beor, at Pethor on the river, to the land of the people of Ammon, to call him, saying, "Look, there is a people who came out from Egypt. Look, they cover the surface of the earth, and they are staying opposite me.
6 Zvino, uya utuke vanhu ava, nokuti simba ravo iguru kwazvo kwandiri. Zvichida ipapo ndingagona kuvakunda ndikavadzinga vabude munyika ino. Nokuti ndinoziva kuti avo vaunoropafadza vanoropafadzwa, uye vaunotuka vanotukwa.”
And now please come, curse this people for me, for they are too mighty for me. Perhaps I shall prevail, that we may strike them, and that I may drive them out of the land; for I know that he whom you bless is blessed, and he whom you curse is cursed."
7 Vakuru veMoabhu neveMidhiani vakabva, vakatora mari yokuripa kuvuka. Vakati vasvika kuna Bharamu vakamuudza zvakanga zvarehwa naBharaki.
The elders of Moab and the elders of Midian departed with the fees for divination in their hand; and they came to Balaam, and spoke to him the words of Balak.
8 Bharamu akati kwavari, “Chivatai pano, ndichauya nemhinduro yandichapiwa naJehovha.” Saka machinda eMoabhu akagara naye.
And he said to them, "Lodge here this night, and I will bring you word again, as the LORD shall speak to me." The princes of Moab stayed with Balaam.
9 Mwari akauya kuna Bharamu akamubvunza akati, “Vanhu vaunavo ndivanaaniko?”
And God came to Balaam, and said, "Who are these men with you?"
10 Bharamu akati kuna Mwari, “Bharaki mwanakomana waZipori, mambo weMoabhu, akanditumira nhume idzi achiti, ‘Vanhu vakabuda kubva kuIjipiti vakazadza nyika yose.
And Balaam said to God, "Balak the son of Zippor, king of Moab, has sent to me, saying,
11 Zvino uya unditukire vanhu ava. Zvichida izvozvi ndingagona kurwa navo ndikavadzingira kure.’”
'Look, this people has come out of Egypt and they cover the surface of the earth. Come now, curse them for me; perhaps I shall be able to fight against them, and shall drive them out.'"
12 Asi Mwari akati kuna Bharamu, “Usaenda navo. Haufaniri kutuka vanhu avo, nokuti vakaropafadzwa.”
And God said to Balaam, "You are not to go with them, and you are not to curse the people, for they are blessed."
13 Fume mangwana, Bharamu akamuka akati kumachinda aBharaki, “Dzokerai kunyika yokwenyu, nokuti Jehovha aramba kuti ndiende nemi.”
And Balaam rose up in the morning, and said to the princes of Balak, "Go to your lord; for God refuses to permit me to go with you."
14 Saka machinda eMoabhu akadzokera kuna Bharaki akati, “Bharamu akaramba kuuya nesu.”
The princes of Moab rose up, and they went to Balak, and said, "Balaam refuses to come with us."
15 Ipapo Bharaki akatumazve mamwe machinda, akawanda chose uye aikudzwa kupinda vokutanga.
Then Balak again sent princes, more in number and more honorable than these.
16 Vakasvika kuna Bharamu vakati: “Zvanzi naBharaki mwanakomana waZipori: Usatendera chimwe chinhu kukukonesa kuuya kwandiri,
They came to Balaam, and said to him, "Thus says Balak the son of Zippor, 'Please let nothing hinder you from coming to me:
17 nokuti ndichakupa mubayiro wakanaka kwazvo uye ndichaita zvose zvaunoreva. Uya unditukire vanhu ava.”
for I will greatly honor you, and whatever you say to me I will do for you. Please come therefore, and curse this people for me.'"
18 Asi Bharamu akavapindura akati, “Kunyange dai Bharaki akandipa muzinda wake uzere nesirivha negoridhe, handingagoni kuita chimwe chinhu chikuru kana chiduku kuti tiite zvinodarika murayiro waJehovha Mwari wangu.
Balaam answered the servants of Balak, "If Balak would give me his house full of silver and gold, I can't go beyond the command of the LORD my God, to do less or more.
19 Zvino chivatai pano manheru ano sezvakaita vamwe, ini ndichanzwa kana Jehovha ane zvimwe zvaangandiudza.”
Now therefore, you also stay here tonight, that I may know what else the LORD will say to me."
20 Usiku ihwohwo Mwari akauya kuna Bharamu akati kwaari, “Sezvo vanhu ava vauya kuzokudana, enda hako navo, asi uite chete zvandinokuudza.”
God came to Balaam at night, and said to him, "If the men have come to call you, rise up, go with them; but only the word which I speak to you, that you shall do."
21 Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda namachinda eMoabhu.
Balaam rose up in the morning, and saddled his donkey, and went with the princes of Moab.
22 Asi Mwari akamutsamwira zvikuru paakaenda, uye mutumwa waJehovha akamira munzira kuti amukonese. Bharamu akanga akatasva mbongoro yake, uye varanda vake vaviri vaiva naye.
God's anger was kindled because he went; and the angel of the LORD placed himself in the way for an adversary against him. Now he was riding on his donkey, and his two servants were with him.
23 Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wakavhomorwa muruoko rwake, yakabuda munzira ikapinda mumunda. Bharamu akairova kuti idzokere munzira.
The donkey saw the angel of God standing in the way, with his sword drawn in his hand; and the donkey turned aside out of the way, and went into the field: and Balaam struck the donkey, to turn her into the way.
24 Ipapo mutumwa waJehovha akamira pakamanikana pakati peminda miviri yemizambiringa, paiva namasvingo kumativi ose.
Then the angel of God stood in a narrow path between the vineyards, a wall being on this side, and a wall on that side.
25 Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakazvimanikidzira kurusvingo ikatsimbirira rutsoka rwaBharamu parwuri. Saka akapamhazve kuirova.
The donkey saw the angel of God, and she thrust herself to the wall, and crushed Balaam's foot against the wall: and he struck her again.
26 Ipapo mutumwa waJehovha akapfuurira mberi akandomira panzvimbo yakamanikana pakanga pasina mukana wokutendeukira kurudyi kana kuruboshwe.
The angel of God went further, and stood in a narrow place, where there was no way to turn either to the right hand or to the left.
27 Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakavata pasi paBharamu, iye akatsamwa zvikuru akairova netsvimbo yake.
The donkey saw the angel of God, and she lay down under Balaam: and Balaam's anger was kindled, and he struck the donkey with his staff.
28 Ipapo Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, “Ndaiteiko kwamuri zvaita kuti mundirove katatu kose aka?”
And God opened the mouth of the donkey, and she said to Balaam, "What have I done to you, that you have struck me these three times?"
29 Bharamu akapindura mbongoro akati, “Wandiita benzi iwe! Dai ndanga ndiine munondo muruoko rwangu ndingadai ndakuuraya izvozvi.”
Balaam said to the donkey, "Because you have mocked me, I wish there were a sword in my hand, for now I would have killed you."
30 Mbongoro yakati kuna Bharamu, “Ko, handisi mbongoro yenyu, yamunogara muchitasva kusvikira zuva rino here? Ko, ndinogara ndichikuitirai zvakadai here?” Iye akati, “Kwete.”
The donkey said to Balaam, "Am I not your donkey, on which you have ridden all your life long to this day? Was I ever in the habit of doing so to you?" He said, "No."
31 Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, iye akaona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wake wakavhomorwa. Saka akakotama akawira pasi nechiso chake.
Then God opened the eyes of Balaam, and he saw the angel of God standing in the way, with his sword drawn in his hand; and he bowed his head, and fell on his face.
32 Mutumwa waJehovha akamubvunza achiti, “Warovereiko mbongoro yako rutatu rwose urwu? Ini ndauya pano kuzokudzivisa nokuti nzira yako haina kururama kwandiri.
The angel of God said to him, "Why have you struck your donkey these three times? Look, I have come forth as an adversary, because your way is perverse before me:
33 Mbongoro yandiona ikatsauka ichibva pandiri katatu aka kose. Dai isina kutsauka, zvirokwazvo ndingadai ndakuuraya izvozvi, asi iyo ndairaramisa.”
and the donkey saw me, and turned aside before me these three times. Unless she had turned aside from me, surely now I would have killed you, and saved her alive."
34 Bharamu akati kumutumwa waJehovha, “Ndatadza. Handina kuziva kuti manga mumire munzira kuti mundidzivise. Zvino kana musingafari, ndodzokera hangu.”
Balaam said to the angel of the LORD, "I have sinned; for I did not know that you stood in the way against me. Now therefore, if it displeases you, I will go back again."
35 Mutumwa waJehovha akati kuna Bharamu, “Chienda hako navarume ava, asi utaure zvandinokuudza zvoga.” Saka Bharamu akaenda namachinda aBharaki.
The angel of God said to Balaam, "Go with the men; but only the word that I shall speak to you, that you shall speak." So Balaam went with the princes of Balak.
36 Bharaki akati anzwa kuti Bharamu akanga achiuya, akabuda kuti andosangana naye paguta ravaMoabhu pamuganhu weAnoni, kumagumo kwenyika yake.
When Balak heard that Balaam had come, he went out to meet him to the City of Moab, which is on the border of the Arnon, which is in the utmost part of the border.
37 Bharaki akati kuna Bharamu, “Handina kukudana nokukurumidza here? Seiko usina kuuya kwandiri? Ini handigoni kukupa mubayiro here?”
Balak said to Balaam, "Did I not earnestly send to you to call you? Why did you not come to me? Am I not able indeed to promote you to honor?"
38 Bharamu akapindura akati, “Zvakanaka, zvino ndauya kwauri. Asi ndingataura zvose zvose here? Ndinofanira kungotaura chete zvinenge zvaiswa mumuromo mangu naMwari.”
Balaam said to Balak, "Look, I have come to you: have I now any power at all to speak anything? The word that God puts in my mouth, that shall I speak."
39 Ipapo Bharamu akaenda naBharaki kuKiriati Huzoti.
Balaam went with Balak, and they came to Kiriath Huzoth.
40 Bharaki akabayira mombe namakwai, akapa zvimwe kuna Bharamu namachinda akanga anaye.
Balak sacrificed cattle and sheep, and sent to Balaam, and to the princes who were with him.
41 Fume mangwana, Bharaki akatora Bharamu akakwidza naye kuBhamoti Bhaari, uye ikoko akaona chikamu chavanhu.
It happened in the morning, that Balak took Balaam, and brought him up into the high places of Baal; and he saw from there the utmost part of the people.

< Numeri 22 >