< Numeri 2 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni:
Alò SENYÈ a te pale avèk Moïse e te di:
2 “VaIsraeri vanofanira kuvaka musasa vakapoteredza Tende Rokusangana nechokure, mumwe nomumwe pasi pomureza wokwake nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba ake.”
Fis Israël yo va fè kan, chak bò kote pwòp drapo pa yo, avèk drapo lakay papa zansèt pa yo. Yo va fè kan antoure tant asanble a, a yon distans.
3 Kumabvazuva, kwakanangana nokunobuda nezuva, mapoka okwaJudha anofanira kuvaka misasa yawo pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vaJudha ndiNashani mwanakomana waAminadhabhi.
Alò, sila ki fè kan nan kote lès la vè solèy leve yo va sila nan drapo kan an Juda yo, selon lame pa yo. Chèf dirijan a fis Juda yo vaNachschon, fis a Amminadab la,
4 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.
avèk lame pa li. Men mesye ki te konte yo, swasann-katòz-mil-sis-san.
5 Rudzi rwaIsakari ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vaIsakari ndiNetaneri mwanakomana waZuari.
Sila ki fè kan bò kote li yo va nan tribi Issacar. Chèf dirijan an va Nethaneel, fis a Tsuar a,
6 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.
avèk lame pa li. Mesye ki te konte yo te senkant-kat-mil-kat-san.
7 Rudzi rwaZebhuruni ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vaZebhuruni ndiEriabhi mwanakomana waHeroni.
Sila a va swiv pa Zabulon, avèk chèf dirijan fis Zabulon yo: Eliab, fis a Hélon an,
8 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.
avèk lame pa li, men mesye ki te konte yo, senkant-sèt-mil-kat-san.
9 Varume vose vanodiwa kumusasa waJudha maererano namapoka avo, vanokwana zviuru zana namakumi masere nezvitanhatu, namazana mana. Ava ndivo vachatanga kusimuka.
Total a mesye ki te konte nan kan Juda a te: san-katreven-si-mil-kat-san selon lame pa yo. Yo va sòti avan.
10 Kurutivi rwezasi kuchava namapoka emisasa yaRubheni ichange iri pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaRubheni ndiErizuri mwanakomana waShedheuri.
Nan kote sid la va gen drapo a kan Ruben an selon lame pa yo. Chèf a fis Ruben yo te: Élitsur fis a Schedéur a,
11 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu.
avèk lame pa li. Men mesye ki konte yo, karant-si-mil-senk-san.
12 Rudzi rwaSimeoni ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni ndiSharumiri mwanakomana waZurishadhai.
Sila ki fè kan bò kote li yo va nan tribi Siméon. Chèf a fis Siméon yo te: Schelumiel, fis a Tsurischaddaï la,
13 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.
avèk lame pa li. Mesye ki te konte yo te senkant-nèf-mil-twa-san.
14 Rudzi rwaGadhi ndirwo ruchatevera. Eriasafi mwanakomana waDheueri ndiye mutungamiri wavanhu vokwaGadhi.
Swiv pa tribi Gad la, avèk chèf a fis Gad yo: Éliasapah, fis a Déuel la,
15 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.
avèk lame pa li. Men mesye ki te konte yo; karann-senk-mil-sis-san-senkant.
16 Varume vose vakadanwa kumusasa waRubheni maererano namapoka avo, vaisvika zviuru zana namakumi mashanu nerimwe chete, namazana mana namakumi mashanu. Ndivo vachava vechipiri pakusimuka.
Total a mesye konte nan kan Ruben an te: san-senkanteyen-mil-kat-san-senkant. Se yo k ap sòti nan dezyèm nan.
17 Ipapo Tende Rokusangana nomusasa wavaRevhi zvichasimuka pakati pemisasa. Vachasimuka zvimwe chetezvo zvavanoita pakumisa misasa, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pasi pomureza wake.
Konsa, tant asanble a va sòti avèk kan levit yo nan mitan kan yo. Menm jan ke yo fè kan an, konsa yo va sòti, chak moun nan plas li bò kote drapo pa li.
18 Nechokumavirira kuchava namapoka emisasa yaEfuremu ari pasi pemireza yawo. Mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu ndiErishama mwanakomana waAmihudhi.
Nan kote lwès la, va gen drapo kan Ephraïm lan selon lame pa yo e chèf a fis Ephraïm yo va Élischama fis a Ammihud la.
19 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.
Nan lame pa li, men sa ki konte yo; karann-mil-senk-san.
20 Rudzi rwaManase ndirwo ruchavatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaManase ndiGamarieri mwanakomana waPedhazuri.
Akote li va gen tribi Manassé a, e chèf a fis Manassé yo te: Gamaliel, fis a Pedahstsur a,
21 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.
avèk lame pa li. Men mesye sila ki te konte yo, trant-de-mil-de-san.
22 Rudzi rwaBhenjamini ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini ndiAbhidhani mwanakomana waGidheoni.
Apre se tribi a Benjamin an, e chèf a tribi Benjamin an te: Abidan, fis a Gideoni a,
23 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.
avèk lame pa li. Men mesye sila ki te konte yo; trann-senk-mil-kat-san.
24 Varume vose vakadanwa kumusasa waEfuremu, maererano namapoka avo, vanosvika zviuru zana nezvisere, nezana rimwe chete. Vachava vechitatu pakusimuka.
Total a mesye konte nan kan Ephraïm yo te: san-ui-mil-san pa lame pa yo. Yo va sòti nan twazyèm nan.
25 Nechokumusoro kuchava namapoka emisasa yaDhani, pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaDhani ndiAhiezeri mwanakomana waAmishadhai.
Nan kote nò va gen drapo pou kan Dan an, selon lame pa yo, e chèf a fis Dan yo te: Ahiézer, fis a Ammischaddaï a,
26 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.
avèk lame pa li. Men mesye ki te konte yo; swasann-de-mil-sèt-san.
27 Rudzi rwaAsheri ruchadzika misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaAsheri ndiPagieri mwanakomana waOkerani.
Sila ki fè kan bò kote li yo va nan tribi Aser, e chèf a fis a Aser yo te: Paguiel, fis a Ocran an,
28 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nechimwe chete namazana mashanu.
avèk lame pa li. Men mesye sila ki te konte yo; karanteyen-mil-senk-san.
29 Rudzi rwaNafutari ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaNafutari ndiAhira mwanakomana waEnani.
Apre se te tribi a Nephtali a, e chèf a fis a Nephtali yo te: Ahira, fis a Énan an,
30 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.
avèk lame pa li. Men mesye sila ki te konte yo; senkant-twa-mil-kat-san.
31 Varume vose vakadanwa kumusasa waDhani vanosvika zviuru zana namakumi mashanu nezvinomwe, namazana matanhatu. Ndivo vachava vokupedzisira pakusimuka, vari pasi pemireza yavo.
Total a mesye nan kan Dan yo te san-senkant-sèt-mil-sis-san. Yo va sòti dènye avèk drapo pa yo.
32 Ava ndivo vaIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo. Vose vakanga vari mumisasa, namapoka avo vanosvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu.
Sa yo se mesye ki te konte a fis Israël yo selon lakay papa zansèt pa yo; total a mesye a tout kan yo ki te konte pa lame yo te sis-san-twa-mil-senk-san-senkant
33 Kunyange zvakadaro, vaRevhi havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri, sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naJehovha.
Malgre sa, Levit yo pa t konte pami fis Israël yo, jan ke SENYÈ a te kòmande Moïse la.
34 Saizvozvo vaIsraeri vakaita zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha; ndiyo nzira yavakamisa nayo misasa yavo pasi pemireza yavo, uye ndiyo nzira yavakasimuka nayo, mumwe nomumwe neimba yake nemhuri yake.
Konsa fis a Israël te fè. Selon tout sa ke SENYÈ a te kòmande Moïse yo, yo te fè kan bò kote drapo pa yo, e konsa yo te sòti, yo chak avèk pwòp fanmi pa yo selon lakay zansèt papa yo.

< Numeri 2 >