< Numeri 17 >
1 Jehovha akati kuna Mozisi,
RAB Musa'ya şöyle dedi:
2 “Taura kuvaIsraeri utore tsvimbo gumi nembiri kubva kwavari, imwe chete kubva kuno mumwe nomumwe wavatungamiri vamarudzi amadzitateguru avo. Unyore zita romurume mumwe nomumwe patsvimbo yake.
“İsrail halkına her oymak önderi için bir tane olmak üzere on iki değnek getirmesini söyle. Her önderin adını kendi değneğinin üzerine yaz.
3 Patsvimbo yaRevhi unyore zita raAroni, nokuti panofanira kuva netsvimbo imwe chete yomukuru mumwe nomumwe worudzi rwamadzitateguru avo.
Levi oymağının değneği üzerine Harun'un adını yazacaksın. Her oymak önderi için bir değnek olacak.
4 Udziise muTende Rokusangana pamberi peChipupuriro, pandinosangana nemi.
Değnekleri Buluşma Çadırı'nda sizinle buluştuğum Levha Sandığı'nın önüne koy.
5 Tsvimbo yomunhu wandichasarudza ichabukira mashizha, uye ndichagumisa kupopota uku kwavaIsraeri kuri kuramba kuripo pamusoro pako.”
Seçeceğim kişinin değneği filiz verecek. İsrail halkının sizden sürekli yakınmasına son vereceğim.”
6 Saka Mozisi akataura navaIsraeri, uye vatungamiri vavo vakamupa tsvimbo gumi nembiri, imwe chete iri yomutungamiri mumwe nomumwe wamarudzi amadzitateguru avo, uye tsvimbo yaAroni yakanga iri pakati padzo.
Musa İsrail halkıyla konuştu. Halkın önderleri, her oymak önderi için bir tane olmak üzere on iki değnek getirdiler. Harun'un değneği de aralarındaydı.
7 Mozisi akaisa tsvimbo idzi pamberi paJehovha muTende reChipupuriro.
Musa değnekleri Levha Sandığı'nın bulunduğu çadırda RAB'bin önüne koydu.
8 Fume mangwana Mozisi akapinda muTende reChipupuriro uye akaona kuti tsvimbo yaAroni, iyo yaiva yakamirira imba yaRevhi, yakanga isina kungobukira bedzi asi yakanga yatungira, yava namaruva uye yabereka maarimondi.
Ertesi gün Musa Levha Sandığı'nın bulunduğu çadıra girdi. Baktı, Levi oymağını temsil eden Harun'un değneği filiz vermiş, tomurcuklanıp çiçek açmış, badem yetiştirmiş.
9 Ipapo Mozisi akatora tsvimbo dzose kubva pamberi paJehovha akaenda nadzo kuvaIsraeri vose. Vakadzitarisa, ipapo murume mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake.
Musa bütün değnekleri RAB'bin önünden çıkarıp İsrail halkına gösterdi. Halk değneklere baktı, her biri kendi değneğini aldı.
10 Jehovha akati kuna Mozisi, “Dzorera tsvimbo yaAroni pamberi peTende reChipupuriro, kuti ichengetwe sechiratidzo kuvanhu vanondimukira. Izvozvi zvichagumisa kundipopotera kwavo, kuti varege kufa.”
RAB Musa'ya, “Başkaldıranlara bir uyarı olsun diye Harun'un değneğini saklanmak üzere Levha Sandığı'nın önüne koy” dedi, “Onların benden yakınmalarına son vereceksin; öyle ki, ölmesinler.”
11 Mozisi akaita sezvaakarayirwa naJehovha, izvozvo ndizvo zvaakaita.
Musa RAB'bin buyruğu uyarınca davrandı.
12 VaIsraeri vakati kuna Mozisi, “Isu tichafa hedu! Takarasika, takarasika isu tose!
İsrailliler Musa'ya, “Yok olacağız! Öleceğiz! Hepimiz yok olacağız!” dediler,
13 Ani naani achaswedera patabhenakeri yaJehovha achafa. Ko, isu tose tichafa here?”
“RAB'bin Konutu'na her yaklaşan ölüyor. Hepimiz mi yok olacağız?”