< Numeri 16 >

1 Kora mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, navamwe vaRubheni, Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhi, naOni mwanakomana waPoreti, vakazvikudza
Now Korah, the son of Izhar, the son of Kohath, the son of Levi, took Dathan and Abiram, the sons of Eliab, and On, the son of Peleth, son of Reuben,
2 uye vakamukira Mozisi. Vakanga vane varume mazana maviri namakumi mashanu avaIsraeri, vatungamiri vaizivikanwa kwazvo muungano vakanga vagadzwa kuti vave nhengo dzamakurukota.
and they rose up before Moses, with certain of the children of Israel, two hundred fifty leaders of the congregation, called to the assembly, men of renown;
3 Vakauya vari chikwata kuti vazopikisa Mozisi naAroni vakati kwavari, “Mazonyanya zvino! Ungano yose itsvene, mumwe nomumwe wavo zvake, uye Jehovha ari pakati pavo. Zvino munozviisireiko pamusoro peungano yaJehovha?”
and they assembled themselves together against Moses and against Aaron, and said to them, "You take too much on yourself, since all the congregation are holy, everyone of them, and YHWH is among them: why then lift yourselves up above the assembly of YHWH?"
4 Mozisi akati anzwa izvozvo, akawira pasi nechiso.
When Moses heard it, he fell on his face:
5 Ipapo akati kuna Kora navateveri vake vose, “Mangwanani Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndavapi uye kuti mutsvene ndiani, uye achaita kuti munhu uyo aswedere kwaari. Munhu waachasarudza ndiye waachaswededza kwaari.
and he spoke to Korah and to all his company, saying, "In the morning YHWH will show who are his, and who is holy, and will bring him near to him. The one whom he has chosen he will bring near to him.
6 Iwe Kora, navateveri vako vose munofanira kuita izvi: Torai hadyana dzezvinonhuhwira
Do this: take censers, Korah, and all his company;
7 uye mangwana muise moto nezvinonhuhwira madziri mugoenda nadzo pamberi paJehovha. Munhu achasarudzwa naJehovha ndiye achava mutsvene. Imi vaRevhi mazonyanya zvino!”
and put fire in them, and put incense on them before YHWH tomorrow: and it shall be that the man whom YHWH chooses, he shall be holy. You have gone too far, you sons of Levi."
8 Mozisi akatizve kuna Kora, “Chinzwai zvino, imi vaRevhi!
Moses said to Korah, "Hear now, you sons of Levi.
9 Ko, hazvina kukwana kwamuri here kuti Mwari wavaIsraeri akakutsaurai pakati peungano yavaIsraeri vose akakuswededzai pedyo naye kuti muite basa patabhenakeri yaJehovha uye kuti mumire pamberi peungano mugovashandira?
Is it a small thing to you, that the God of Israel has separated you from the congregation of Israel, to bring you near to himself, to do the service of the tabernacle of YHWH, and to stand before the congregation to minister to them;
10 Akakuswededzai imi nehama dzenyu ivo vaRevhi, asi zvino mava kuedza kubvuta upristawo.
and that he has brought you near, and all your brothers the sons of Levi with you? and do you seek the priesthood also?
11 Uku kurwa naJehovha zvamadai kusungana pamwe chete iyemi navose vanokuteverai. Aroni ndianiko wamunopopotera?”
Therefore you and all your company are gathered together against God. And Aaron, what is he that you murmur against him?"
12 Ipapo Mozisi akadana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhi. Asi ivo vakati, “Hatiuyiko!
Moses sent to call Dathan and Abiram, the sons of Eliab; and they said, "We won't come up:
13 Hazvina kukwana here kuti makatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi kuti muzotiurayira murenje? Uye iye zvino munoda kubata ushe pamusoro pedu here?
is it a small thing that you have brought us up out of a land flowing with milk and honey, to kill us in the wilderness, but you must also make yourself a prince over us?
14 Pamusoro pezvo, hamuna kutisvitsa kunyika inoyerera mukaka nouchi kana kutipa nhaka yeminda neminda yemizambiringa. Muchada kutumbura meso avanhu ava here? Haiwa, isu hatiuyiko!”
Moreover you haven't brought us into a land flowing with milk and honey, nor given us inheritance of fields and vineyards: will you put out the eyes of these men? We won't come up."
15 Ipapo Mozisi akatsamwa zvikuru akati kuna Jehovha, “Musagamuchira chipiriso chavo. Handina kutovatorera kana mbongoro, uye handina kutadzira kana mumwe wavo.”
Moses was very angry, and said to YHWH, "Do not respect their offering: I have not taken one donkey from them, neither have I hurt one of them."
16 Mozisi akati kuna Kora, “Iwe navose vanokutevera munofanira kumira pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo naAroni.
Moses said to Korah, "You and all your company go before YHWH, you, and they, and Aaron, tomorrow:
17 Murume mumwe nomumwe ngaatore hadyana yake aise zvinonhuhwira mairi, hadyana mazana maviri namakumi mashanu pamwe chete mugodziisa pamberi paJehovha. Iwe naAroni munofanira kuuyawo nehadyana dzenyu.”
and each man take his censer, and put incense on them, and each man bring before YHWH his censer, two hundred fifty censers; you also, and Aaron, each his censer."
18 Saka murume mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto nezvinonhuhwira mairi, uye vakamira naMozisi naAroni pamukova wokupinda muTende Rokusangana.
They each took his censer, and put fire in them, and laid incense thereon, and stood at the door of the Tent of Meeting with Moses and Aaron.
19 Kora akati aunganidza vateveri vake vose vaipikisana navo pamukova wokupinda muTende Rokusangana, kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa neungano yose.
Korah assembled all the congregation against them to the door of the Tent of Meeting: and the glory of YHWH appeared to all the congregation.
20 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
YHWH spoke to Moses and to Aaron, saying,
21 “Zvitsaurei imi paungano iyi kuitira kuti ndivaparadze izvozvi.”
"Separate yourselves from among this congregation, that I may consume them in a moment."
22 Asi Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo vakadanidzira zvikuru vachiti, “Haiwa Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, mungatsamwira ungano yose here munhu mumwe chete angotadza?”
They fell on their faces, and said, "God, the God of the spirits of all flesh, shall one man sin, and will you be angry with all the congregation?"
23 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
YHWH spoke to Moses, saying,
24 “Uti kuungano, ‘Sudurukai mubve pamatende aKora, Dhatani naAbhiramu.’”
"Speak to the congregation, saying, 'Get away from around the tent of Korah, Dathan, and Abiram.'"
25 Mozisi akasimuka akaenda kuna Dhatani naAbhiramu uye vakuru veIsraeri vakamutevera.
Moses rose up and went to Dathan and Abiram; and the elders of Israel followed him.
26 Akayambira ungano akati, “Sudurukai mubve pamatende avanhu vakaipa ava! Musabata chinhu chipi zvacho chinenge chiri chavo, kuti murege kuparadzwa nokuda kwezvivi zvavo zvose.”
He spoke to the congregation, saying, "Depart, please, from the tents of these wicked men, and touch nothing of theirs, lest you be consumed in all their sins."
27 Saka vakasuduruka vakabva pamatende aKora, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu vakanga vabuda kunze uye vakanga vakamira navakadzi vavo, vana navacheche vari pamukova pamatende avo.
So they went away from the tent of Korah, Dathan, and Abiram, on every side: and Dathan and Abiram came out, and stood at the door of their tents, and their wives, and their sons, and their little ones.
28 Ipapo Mozisi akati, “Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite zvinhu izvi zvose uye kuti dzakanga dzisiri pfungwa dzangu:
Moses said, "Hereby you shall know that YHWH has sent me to do all these works; for they are not from my own mind.
29 Kana varume ava vakafa savamwe vanhu uye vakasangana nezvinongoitika kuvanhu vose, ipapo Jehovha anenge asina kundituma.
If these men die the common death of all men, or if they be visited after the visitation of all men; then YHWH hasn't sent me.
30 Asi kana Jehovha akauyisa chimwe chinhu chitsva, uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nezvose zvavo, uye vakaburukira muguva vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vazvidza Jehovha.” (Sheol h7585)
But if YHWH make a new thing, and the ground open its mouth, and swallow them up, with all that appertain to them, and they go down alive into Sheol; then you shall understand that these men have despised YHWH." (Sheol h7585)
31 Akati achangopedza kutaura zvose izvi, pasi pavo pakatsemuka
It happened, as he made an end of speaking all these words, that the ground split apart that was under them;
32 uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nenhumbi dzavo navanhu vose vaKora nezvinhu zvavo zvose.
and the earth opened its mouth, and swallowed them up, and their households, and all the men who appertained to Korah, and all their goods.
33 Vakaburukira muguva vari vapenyu, nezvinhu zvavo zvose; nyika ikavafukidza, vakaparara vakabva pakati peungano. (Sheol h7585)
So they, and all that appertained to them, went down alive into Sheol: and the earth closed on them, and they perished from among the assembly. (Sheol h7585)
34 Pavakachema, vaIsraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza, vachidanidzira vachiti, “Nyika ichatimedza nesuwo!”
All Israel that were around them fled at their cry; for they said, "Lest the earth swallow us up."
35 Ipapo moto wakabuda uchibva kuna Jehovha ukaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu vakanga vachipisira zvinonhuhwira.
Fire came forth from YHWH, and devoured the two hundred fifty men who offered the incense.
36 Jehovha akati kuna Mozisi,
YHWH spoke to Moses, saying,
37 “Taurira Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, kuti abvise hadyana parufuse agoparadzira mazimbe kure nokuti hadyana itsvene,
"Speak to Eleazar the son of Aaron the priest, that he take up the censers out of the burning, and scatter the fire yonder; for they are holy,
38 idzo hadyana dzavarume vaye vakatadza vakaurayiwa. Pwanyai hadyana mugoita chifukidziro chearitari nadzo, nokuti dzakauyiswa pamberi paJehovha dzikava tsvene. Ngadzive chiratidzo kuvaIsraeri.”
even the censers of these sinners against their own lives; and let them be made beaten plates for a covering of the altar: for they offered them before YHWH; therefore they are holy; and they shall be a sign to the children of Israel."
39 Saka Ereazari muprista akaunganidza hadyana dzendarira dzakauya navaya vakanga vapiswa, akaita kuti dzipwanyiwe kuti dzigova chifukidzo chearitari,
Eleazar the priest took the bronze censers, which those who were burnt had offered; and they beat them out for a covering of the altar,
40 sezvaakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Ichi chaiva chirangaridzo kuvaIsraeri chokuti hakuna munhu anofanira kupisira zvinonhuhwira pamberi paJehovha kunze kwechizvarwa chaAroni kuti aregere kuzofanana naKora navateveri vake.
to be a memorial to the children of Israel, to the end that no stranger, who isn't of the descendants of Aaron, comes near to burn incense before YHWH; that he not be as Korah, and as his company: as YHWH spoke to him by Moses.
41 Fume mangwana, ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. Vakati, “Imi makauraya vanhu vaJehovha.”
But on the next day all the congregation of the children of Israel murmured against Moses and against Aaron, saying, "You have killed YHWH's people."
42 Asi ungano yakati yaungana pamwe chete ichipikisana naMozisi naAroni vakatarira kuTende Rokusangana, pakarepo gore rikaifukidza uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa.
It happened, when the congregation was assembled against Moses and against Aaron, that they looked toward the Tent of Meeting: and look, the cloud covered it, and the glory of YHWH appeared.
43 Ipapo Mozisi naAroni vakaenda mberi kweTende Rokusangana,
Moses and Aaron came to the front of the Tent of Meeting.
44 uye Jehovha akati kuna Mozisi,
YHWH spoke to Moses, saying,
45 “Ibva paungano iyi kuti ndivaparadze iye zvino.” Ipapo vakawira pasi nezviso zvavo.
"Get away from among this congregation, that I may consume them in a moment." They fell on their faces.
46 Zvino Mozisi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako ugoisa zvinonhuhwira mairi pamwe chete nomoto unobva paaritari, uchimbidze kuenda kuungano undovayananisira. Hasha dzabuda dzichibva kuna Jehovha; denda ratotanga.”
Moses said to Aaron, "Take your censer, and put fire from off the altar in it, and lay incense on it, and carry it quickly to the congregation, and make atonement for them; for wrath has gone out from YHWH. The plague has begun."
47 Saka Aroni akaita sezvakarehwa naMozisi, akamhanyira pakati peungano. Denda rakanga ratotanga pakati pavanhu, asi Aroni akapisira zvinonhuhwira akavayananisira.
Aaron did as Moses said, and ran into the midst of the assembly; and look, the plague has begun among the people: and he put on the incense, and made atonement for the people.
48 Akamira pakati pavapenyu navakafa, denda rikamirawo.
He stood between the dead and the living; and the plague was stayed.
49 Asi vanhu zviuru gumi nezvina namazana manomwe vakafa nedenda, vachiwedzera pane vaya vakanga vafa nokuda kwaKora.
Now those who died by the plague were fourteen thousand and seven hundred, besides those who died about the matter of Korah.
50 Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi pamukova wokupinda muTende Rokusangana, nokuti denda rakanga rapera.
Aaron returned to Moses to the door of the Tent of Meeting: and the plague was stayed.

< Numeri 16 >