< Numeri 15 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
INkosi yasikhuluma kuMozisi isithi:
2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare,
Tshono ebantwaneni bakoIsrayeli uthi kubo: Lapho lifika elizweni lokuhlala kwenu, engilinika lona,
3 uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuhwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kana zvipiriso zvemitambo,
lisenza umnikelo owenzelwe iNkosi ngomlilo, umnikelo wokutshiswa kumbe umhlatshelo, owokugcwalisa isithembiso, loba emnikelweni wesihle, loba emikhosini yenu emisiweyo, ukwenza uqhatshi olumnandi eNkosini, okuvela enkomeni kumbe ezimvini,
4 ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini yamafuta.
lowo-ke onikelayo umnikelo wakhe eNkosini uzasondeza umnikelo wokudla, ube ngokwetshumi lempuphu ecolekileyo ixubene lengxenye yesine yehini yamafutha;
5 Pagwayana rimwe nerimwe rechipiriso chinopiswa kana rechibayiro, munofanira kugadzira chikamu chimwe chete muzvina chehini yewaini chive chipiriso chokunwa.
lewayini libe ngumnikelo wokunathwayo, ingxenye yesine yehini, uzakulungisa lomnikelo wokutshiswa loba umhlatshelo, owewundlu elilodwa.
6 “‘Munofanira kugadzira negondobwe chipiriso chezviyo chezvikamu zviviri mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yamafuta,
Kumbe owenqama lizalungisa umnikelo wokudla, ube zingxenye ezimbili etshumini zempuphu ecolekileyo ixubene lamafutha, ingxenye yesithathu yehini;
7 uye nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. Muchipe sechinonhuhwira chinofadza kuna Jehovha.
lewayini libe ngumnikelo wokunathwayo, ingxenye yesithathu yehini, uzalinikela libe liphunga elimnandi eNkosini.
8 “‘Pamunogadzirira Jehovha nzombe duku sechipiriso chinopiswa kana sechibayiro, chemhiko yakasarudzika kana chipiriso chokuwadzana,
Njalo nxa lilungisa ithole eliduna lenkomo libe ngumnikelo wokutshiswa kumbe umhlatshelo, owokugcwalisa isithembiso, kumbe iminikelo yokuthula eNkosini,
9 munofanira kuuya nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu kubva mugumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nehafu yehini yamafuta pamwe chete nehando.
uzanikelela-ke ithole lenkomo umnikelo wokudla, ube zingxenye ezintathu etshumini lempuphu ecolekileyo ixubene lamafutha, ingxenye yehini.
10 Uyezve muuye nehafu yehini yewaini sechipiriso chokunwa. Chichava chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira chinofadza Jehovha.
Linikele iwayini libe ngumnikelo wokunathwayo, ingxenye yehini, kube ngumnikelo owenziwe ngomlilo olephunga elimnandi eNkosini.
11 Hando imwe neimwe kana gondobwe, gwayana rimwe nerimwe kana mbudzana, zvinofanira kugadzirwa nenzira iyoyi.
Kuzakwenziwa njalo ngaleyonkunzi, loba ngaleyonqama, loba ngewundlu, kumbe ngezinyane.
12 Munofanira kuita izvi pane chimwe nechimwe chazvo, sokuwanda kwezvamunenge magadzira.
Njengenani elizalilungisa, lizakwenza njalo kuleyo laleyo, ngokwenani lazo.
13 “‘Munhu wose anoberekwa munyika yenyu, anofanira kuita zvinhu izvi nenzira iyi paanenge achiuya nechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
Wonke owokuzalwa elizweni uzazenza njalo lezizinto, ekunikeleni umnikelo owenziwe ngomlilo woqhatshi olumnandi eNkosini.
14 Kuzvizvarwa zvinotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi.
Uba-ke owemzini ohlala njengowezizwe lani, kumbe loba ngubani ophakathi kwenu ezizukulwaneni zenu, njalo enikela umnikelo owenziwe ngomlilo woqhatshi olumnandi eNkosini, njengoba lisenza uzakwenza njalo.
15 Ungano inofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa agere pakati penyu; uyu murayiro usingaperi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Muchafanana pamberi paJehovha imi nomutorwa.
Kuzakuba lesimiso sinye kini abebandla lakowemzini ohlala njengowezizwe, isimiso esilaphakade ezizukulwaneni zenu; njengani uzakuba njalo owemzini phambi kweNkosi.
16 Mirayiro mimwe cheteyo ichashanda kwamuri mose, imi nomutorwa agere pakati penyu.’”
Kuzakuba lomthetho munye lesimiso sinye kini lakowemzini ohlala lani njengowezizwe.
17 Jehovha akati kuna Mozisi,
INkosi yasikhuluma kuMozisi isithi:
18 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mopinda munyika yandinokuendesai
Tshono ebantwaneni bakoIsrayeli uthi kubo: Ekungeneni kwenu elizweni engilisa kulo,
19 uye mukadya zvokudya zvenyika iyo, munofanira kupa chikamu kuna Jehovha sechipiriso.
kuzakuthi nxa lisidla okokudla kwelizwe, linikele umnikelo wokuphakanyiswa eNkosini.
20 Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro.
Ngokokuqala kwenhlama yenu lizanikela iqebelengwana, kube ngumnikelo wokuphakanyiswa; njengomnikelo wokuphakanyiswa webala lokubhulela, ngokunjalo lizawuphakamisa.
21 Kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga.
Ngokokuqala kwenhlama yenu lizanika eNkosini umnikelo wokuphakanyiswa ezizukulwaneni zenu.
22 “‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha,
Uba-ke liduha, lingenzanga yonke imilayo le iNkosi eyikhulume kuMozisi,
23 zvipi zvazvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, kubva nezuva razvakapiwa naJehovha uye zvichienda mberi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera,
konke iNkosi elilaye khona ngesandla sikaMozisi kusukela ngosuku iNkosi eyalaya ngalo kusiya phambili ezizukulwaneni zenu,
24 uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, nenhongo yembudzi kuti ive chipiriso chechivi.
kuzakuthi-ke uba kwenziwe ngokungazi, kungekho emehlweni enhlangano, inhlangano yonke izanikela ijongosi elilodwa ithole lenkomo, libe ngumnikelo wokutshiswa, kube luqhatshi olumnandi eNkosini, lomnikelo walo wokudla, lomnikelo walo wokunathwayo njengomthetho, lezinyane lembuzi elilodwa, libe ngumnikelo wesono.
25 Muprista anofanira kuyananisira ungano yose yavaIsraeri, uye vachakanganwirwa, nokuti zvakanga zvisina kuitwa nobwoni, uye, nokuda kwokukanganisa kwavo, vakavigira Jehovha chipiriso chinopiswa uye nechipiriso chechivi.
Umpristi uzakwenzela-ke inhlangano yonke yabantwana bakoIsrayeli inhlawulo yokuthula, bakuthethelelwe, ngoba kuyikungazi, futhi bona bazaletha umnikelo wabo, umnikelo owenzelwe iNkosi ngomlilo, lomnikelo wabo wesono phambi kweNkosi, ngenxa yesiphambeko sokungazi kwabo.
26 Ungano yose yavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo vachakanganwirwa, nokuti vanhu vose vakatadza vasingazivi.
Lenhlangano yonke yabantwana bakoIsrayeli izakuthethelelwa, lowemzini ohlala njengowezizwe phakathi kwabo, ngoba kubo bonke abantu kwakusekungazini.
27 “‘Asi kana munhu mumwe chete akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nembudzana hadzi yegore rimwe chete kuti chive chipiriso chechivi.
Uba-ke umuntu oyedwa esona ngokungazi, uzasondeza isibhuzikazi esilomnyaka owodwa, sibe ngumnikelo wesono.
28 Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa.
Lompristi uzawenzela lowomphefumulo owone ngokungazi inhlawulo yokuthula, lapho one ngokungazi phambi kweNkosi, ukumenzela inhlawulo yokuthula; uzakuthethelelwa-ke.
29 Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa.
Lizakuba lomlayo munye kwalowo owona ngokungazi, owokuzalwa elizweni phakathi kwabantwana bakoIsrayeli, lowemzini ohlala njengowezizwe phakathi kwabo.
30 “‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
Kodwa umuntu okwenza ngabomo, engowokuzalwa elizweni loba engowemzini, ethuka iNkosi; njalo lowomuntu uzaqunywa asuke phakathi kwabantu bakibo.
31 Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’”
Ngoba edelele ilizwi leNkosi, wephula umlayo wayo, lowomuntu uzaqunywa lokuqunywa; ububi bakhe buzakuba phezu kwakhe.
32 VaIsraeri vachiri murenje, mumwe murume akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata.
Kwathi abantwana bakoIsrayeli besenkangala, bafica umuntu etheza inkuni ngosuku lwesabatha.
33 Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose,
Labo abamficayo etheza inkuni bamletha kuMozisi lakuAroni lakunhlangano yonke.
34 uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvaifanira kuitwa kwaari.
Bamfaka esitokisini, ngoba kwakungakatshiwo ukuthi kuzakwenziwani kuye.
35 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Murume uyo anofanira kufa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwomusasa.”
INkosi yasisithi kuMozisi: Lowomuntu kabulawe lokubulawa; inhlangano yonke izamkhanda ngamatshe ngaphandle kwenkamba.
36 Saka ungano yakamubudisa kunze kwomusasa vakamutaka namabwe kusvikira afa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
Lenhlangano yonke yamkhuphela ngaphandle kwenkamba, yamkhanda ngamatshe waze wafa, njengokulaya kweNkosi kuMozisi.
37 Jehovha akati kuna Mozisi,
INkosi yasikhuluma kuMozisi isithi:
38 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira kuzvizvarwa zvichatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe.
Khuluma ebantwaneni bakoIsrayeli, ubatshele ukuthi bazenzele izintshaka emagumbini ezembatho zabo, ezizukulwaneni zabo, lokuthi bafake entshakeni yomphetho intambo eluhlaza okwesibhakabhaka.
39 Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu.
Njalo kuzakuba kini yintshaka ukuze likukhangele, likhumbule yonke imilayo yeNkosi, liyenze, lingadingi lilandele inhliziyo yenu lilandele amehlo enu, eliphinga ngokukulandela.
40 Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu.
Ukuze likhumbule lenze yonke imilayo yami, libe ngcwele kuNkulunkulu wenu.
41 Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”
NgiyiNkosi uNkulunkulu wenu eyalikhupha elizweni leGibhithe ukuba nguNkulunkulu wenu; ngiyiNkosi uNkulunkulu wenu.

< Numeri 15 >