< Numeri 13 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
L’Eterno parlò a Mosè, dicendo:
2 “Tuma vamwe varume kuti vandosora nyika yeKenani, yandiri kupa kuvaIsraeri. Tuma mutungamiri mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe rwamadzitateguru avo.”
“Manda degli uomini ad esplorare il paese di Canaan che io do ai figliuoli d’Israele. Mandate un uomo per ogni tribù de’ loro padri; siano tutti dei loro principi”.
3 Saka, sokurayira kwaJehovha, Mozisi akavatuma vachibva nokurenje reParani. Vose vakanga vari vatungamiri vavaIsraeri.
E Mosè li mandò dal deserto di Paran, secondo l’ordine dell’Eterno; quegli uomini erano tutti capi de’ figliuoli d’Israele.
4 Haano mazita avo: kubva kurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri;
E questi erano i loro nomi: Per la tribù di Ruben: Shammua, figliuolo di Zaccur; per la tribù di Simeone:
5 kubva kurudzi rwaSimeoni, Shafati mwanakomana waHori;
Shafat, figliuolo di Hori;
6 kubva kurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune;
per la tribù di Giuda: Caleb, figliuolo di Gefunne;
7 kubva kurudzi rwaIsakari, Igari mwanakomana waJosefa;
per la tribù d’Issacar: Igal, figliuolo di Giuseppe;
8 kubva kurudzi rwaEfuremu, Hoshea mwanakomana waNuni;
per la tribù di Efraim: Hoscea, figliuolo di Nun;
9 kubva kurudzi rwaBhenjamini, Pareti mwanakomana waRafu;
per la tribù di Beniamino: Palti, figliuolo di Rafu;
10 kubva kurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri mwanakomana waSodhi;
per la tribù di Zabulon: Gaddiel, figliuolo di Sodi;
11 kubva kurudzi rwaManase (rudzi rwaJosefa), Gadhi mwanakomana waSusi;
per la tribù di Giuseppe, cioè, per la tribù di Manasse: Gaddi figliuolo di Susi;
12 kubva kurudzi rwaDhani, Amieri mwanakomana waGemari;
per la tribù di Dan: Ammiel, figliuolo di Ghemalli;
13 kubva kurudzi rwaAsheri, Seturi mwanakomana waMikaeri;
per la tribù di Ascer: Sethur, figliuolo di Micael;
14 kubva kurudzi rwaNafutari, Nabhi mwanakomana waVhofisi;
per la tribù di Neftali: Nahbi, figliuolo di Vofsi;
15 kubva kurudzi rwaGadhi, Generi mwanakomana waMaki.
per la tribù di Gad: Gheual, figliuolo di Machi.
16 Aya ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundosora nyika. (Mozisi akatumidza Hoshea mwanakomana waNuni zita rokuti Joshua).
Tali i nomi degli uomini che Mosè mandò a esplorare il paese. E Mosè dette ad Hoscea, figliuolo di Nun, il nome di Giosuè.
17 Mozisi akati avatuma kundosora nyika yeKenani, akati kwavari, “Kwidzai mupinde nechokuNegevhi uye nomunyika yamakomo.
Mosè dunque li mandò ad esplorare il paese di Canaan, e disse loro: “Andate su di qua per il Mezzogiorno; poi salirete sui monti,
18 Mundoona kuti nyika yakadini uye kuti vanhu vanogarako vakasimba here kana kuti havana, vashoma here kana kuti vazhinji.
e vedrete che paese sia, che popolo l’abiti, se forte o debole, se poco o molto numeroso;
19 Nyika yavanogara yakadini? Yakanaka here kana kuti yakaipa? Maguta avagere maari akadiniko? Haana masvingo here kana kuti akakomberedzwa?
come sia il paese che abita, se buono o cattivo, e come siano le città dove abita, se siano degli accampamenti o dei luoghi fortificati;
20 Ko, ivhu racho rakadini? Rakaorera here kana kuti kwete? Mune miti here kana kuti hamuna? Muedze kwazvo kuti muuye nezvimwe zvezvibereko zvenyika iyo.” (Yakanga iri nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa).
e come sia il terreno, se grasso o magro, se vi siano alberi o no. Abbiate coraggio, e portate de’ frutti del paese”. Era il tempo che cominciava a maturar l’uva.
21 Naizvozvo vakakwidza vakandosora nyika kubva kurenje reZini kusvikira kuRehobhi, kwakanangana neRebho Hamati.
Quelli dunque salirono ed esplorarono il paese dal deserto di Tsin fino a Rehob, sulla via di Hamath.
22 Vakakwidza vachipinda nechokuNegevhi vakasvika kuHebhuroni paigara Ahimeni, Sheshai naTarimai, zvizvarwa zvaAnaki. (Hebhuroni rakanga ravakwa makore manomwe Zoani risati ravakwa muIjipiti).
Salirono per il mezzogiorno e andarono fino a Hebron, dov’erano Ahiman, Sceshai e Talmai, figliuoli di Anak. Or Hebron era stata edificata sette anni prima di Tsoan in Egitto.
23 Vakati vasvika paMupata weEshikori, vakatema davi rimwe raiva nesumbu ramazambiringa. Vaviri vavo vakaritakura nedanda pakati pavo pamwe chete namatamba uye namaonde.
E giunsero fino alla valle d’Eshcol, dove tagliarono un tralcio con un grappolo d’uva, che portarono in due con una stanga, e presero anche delle melagrane e dei fichi.
24 Nzvimbo iyo yakanzi Mupata weEshikori nokuda kwesumbu ramazambiringa rakatemwa ipapo navaIsraeri.
Quel luogo fu chiamato valle d’Eshcol a motivo del grappolo d’uva che i figliuoli d’Israele vi tagliarono.
25 Mazuva makumi mana akati apera, vakadzoka kubva kundosora nyika.
E alla fine di quaranta giorni tornarono dall’esplorazione del paese,
26 Vakadzokera kuna Mozisi naAroni nokuungano yose yavaIsraeri paKadheshi murenje reParani. Ipapo vakazivisa kwavari nokuungano yose uye vakavaratidza zvibereko zvenyika.
e andarono a trovar Mosè ed Aaronne e tutta la raunanza de’ figliuoli d’Israele nel deserto di Paran, a Kades; riferirono ogni cosa a loro e a tutta la raunanza, e mostraron loro i frutti del paese.
27 Vakapa nhoroondo iyi kuna Mozisi: “Takaenda kunyika yamakatituma, uye inoerera mukaka nouchi! Hezvi zvibereko zvayo.
E fecero il loro racconto, dicendo: “Noi arrivammo nel paese dove tu ci mandasti, ed è davvero un paese dove scorre il latte e il miele, ed ecco de’ suoi frutti.
28 Asi vanhu vanogarako vane simba kwazvo, uye maguta akakomberedzwa uye makuru kwazvo. Takaona kunyange zvizvarwa zvaAnaki ikoko.
Soltanto, il popolo che abita il paese è potente, le città sono fortificate e grandissime, e v’abbiamo anche veduto de’ figliuoli di Anak.
29 VaAmareki vanogara nechokuNegevhi; vaHiti, vaJebhusi navaAmori vanogara munyika yamakomo; uye vaKenani vanogara pedyo negungwa uye nomunzvimbo inotevedza Jorodhani.”
Gli Amalekiti abitano la parte meridionale del paese; gli Hittei, i Gebusei e gli Amorei, la regione montuosa; e i Cananei abitano presso il mare e lungo il Giordano”.
30 Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, “Tinofanira kukwidza tindotora nyika nokuti zvirokwazvo tinogona kuitora.”
E Caleb calmò il popolo che mormorava contro Mosè, e disse: “Saliamo pure e conquistiamo il paese; poiché possiamo benissimo soggiogarlo.
31 Asi varume vakanga vaenda naye vakati, “Hatigoni kurwisa vanhu ava; vakasimba kutipfuura isu.”
Ma gli uomini che v’erano andati con lui, dissero: “Noi non siam capaci di salire contro questo popolo; perché è più forte di noi”.
32 Saka vakaparadzira mashoko akaipa pakati pavaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vandosora. Vakati, “Nyika yatakandosora inodya vaya vanogaramo. Vanhu vose vatakaona ikoko vakakura kwazvo.
E screditarono presso i figliuoli d’Israele il paese che aveano esplorato, dicendo: “Il paese che abbiamo attraversato per esplorarlo, è un paese che divora i suoi abitanti; e tutta la gente che vi abbiam veduta, è gente d’alta statura;
33 Takaona vaNefirimi (izvo zvizvarwa zvavaAnaki vanobva kuvaNefirimi) ikoko. Isu tainge mhashu pakuona kwedu, uye tainge takadarowo pakuona kwavo.”
e v’abbiam visto i giganti, figliuoli di Anak, della razza de’ giganti, appetto ai quali ci pareva d’esser locuste; e tali parevamo a loro”.

< Numeri 13 >