< Numeri 10 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
Yahweh spoke to Moses. He said,
2 “Ita hwamanda mbiri dzesirivha yakapambadzirwa, ugodzishandisa kudana ungano pamwe chete uye kuti mapoka afambe.
“Make two silver trumpets. Hammer the silver to make them. You must use the trumpets to call the community together and to call the community to move their camps.
3 Dzikaridzwa dzose dziri mbiri, ungano yose inofanira kuungana pamberi pako pamukova weTende Rokusangana.
The priests must blow the trumpets to call all the community together in front of you at the entrance to the tent of meeting.
4 Kana imwe chete ikaridzwa, vatungamiri, vakuru vedzimba dzaIsraeri, vanofanira kuungana pamberi pako.
If the priests blow only one trumpet, then the leaders, the heads of the clans of Israel, must gather to you.
5 Hwamanda yeyambiro painoridzwa marudzi akavaka kumabvazuva anofanira kutanga kufamba.
When you blow a loud signal, the camps on the east side must begin their journey.
6 Paunoridza hwamanda yechipiri, misasa yezasi inofanira kufamba. Kurira kwehwamanda kuchava chiratidzo chokuti mufambe.
When you blow a loud signal the second time, the camps on the south side must begin their journey. They must blow a loud signal for their journeys.
7 Kuti ungano iungane, muridze hwamanda, asi kwete namaridziro mamwe chetewo.
When the community gathers together, blow the trumpets, but not loudly.
8 “Vanakomana vaAroni, vaprista ndivo vanofanira kuridza hwamanda. Uyu unofanira kuva mitemo usingaperi kwamuri nokuzvizvarwa zvinotevera.
The sons of Aaron, the priests, must blow the trumpets. This will always be a regulation for you throughout your people's generations.
9 Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, muridze hwamanda. Ipapo mucharangarirwa naJehovha Mwari wenyu uye muchanunurwa kubva kuvavengi venyu.
When you go to war in your land against an adversary who oppresses you, then you must sound an alarm with the trumpets. I, Yahweh your God, will call you to mind and save you from your enemies.
10 Uyezve, panguva dzenyu dzokufara, pamitambo yenyu yakatarwa uye nemitambo yoKugara kwoMwedzi, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, uye zvichava chirangaridzo kwamuri pamberi paMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”
Also, at the times of celebration, both your regular festivals and at the beginnings of the months, you must blow the trumpets over your burnt offerings and over the sacrifices for your fellowship offerings. These will act as a reminder of you to me, your God. I am Yahweh your God.”
11 Pazuva ramakumi maviri romwedzi wechipiri, wegore rechipiri, gore rakasimuka kubva pamusoro petabhenakeri yeChipupuriro.
In the second year, in the second month, on the twentieth day of the month, the cloud was lifted from the tabernacle of the covenant decrees.
12 Ipapo vaIsraeri vakasimuka kubva murenje reSinai, vakafamba vachienda kunzvimbo nenzvimbo kusvikira gore randomira murenje reParani.
The people of Israel then went on their journey from the wilderness of Sinai. The cloud stopped in the wilderness of Paran.
13 Nguva ino, kwokutanga, vakafamba sezvavakanga varayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.
They made their first journey, following Yahweh's command given through Moses.
14 Mapoka omusasa waJudha ndiwo akatanga kuenda, pasi pomureza wavo. Nashoni mwanakomana waAminadhabhi akanga achivatungamirira.
The camp under the banner of Judah's descendants went out first, moving out their individual armies. Nahshon son of Amminadab led Judah's army.
15 Netaneri mwanakomana waZuari akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaIsakari.
Nethanel son of Zuar led the army of the tribe of Issachar's descendants.
16 Uye Eriabhi mwanakomana waHeroni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni.
Eliab son of Helon led the army of the tribe of Zebulun's descendants.
17 Ipapo tabhenakeri yakabviswa, uye vaGerishoni navaMerari, vakanga vachiitakura, vakatanga kufamba.
The descendants of Gershon and of Merari, who cared for the tabernacle, took down the tabernacle and then set out on their journey.
18 Mapoka omusasa waRubheni akatevera, vari pasi pomureza wavo. Erizuri mwanakomana waShedheuri ndiye akanga achivatungamirira.
Next, the armies under the banner of Reuben's camp set out on their journey. Elizur son of Shedeur led Reuben's army.
19 Sherumieri mwanakomana waZurishadhai akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaSimeoni,
Shelumiel son of Zurishaddai led the army of the tribe of Simeon's descendants.
20 uye Eriasafi mwanakomana waDheueri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaGadhi.
Eliasaph son of Deuel led the army of the tribe of Gad's descendants.
21 Ipapo vaKohati vakasimuka, vakatakura zvinhu zvitsvene. Tabhenakeri yaifanira kumiswa vasati vasvika.
The Kohathites set out. They carried the sanctuary's holy equipment. Others would set up the tabernacle before the Kohathites arrived at the next camp.
22 Mapoka omusasa waEfuremu akatevera; vari pasi pomureza wavo. Erishama mwanakomana waAmihudhi akanga achivatungamirira.
The armies under the banner of Ephraim's descendants set out next. Elishama son of Ammihud led Ephraim's army.
23 Gamarieri mwanakomana waPedhazuri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaManase.
Gamaliel son of Pedahzur led the army of the tribe of Manasseh's descendants.
24 Uye Abhidhani mwanakomana waGidheoni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaBhenjamini.
Abidan son of Gideoni led the army of the tribe of Benjamin's descendants.
25 Pakupedzisira, samapoka aichengetedza kumashure kwamapoka ose, mapoka omusasa waDhani akasimuka, ari pasi pomureza wavo. Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai ndiye akanga achivatungamirira.
The armies that camped under the banner of Dan's descendants set out last. Ahiezer son of Ammishaddai led Dan's army.
26 Pagieri mwanakomana waOkirani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaAsheri;
Pagiel son of Okran led the army of the tribe of Asher's descendants.
27 uye Ahira mwanakomana waEnani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaNafutari.
Ahira son of Enan led the army of the tribe of Naphtali's descendants.
28 Aya ndiwo akanga ari mafambiro amapoka avaIsraeri pakusimuka kwavo.
This is the way that the armies of the people of Israel set out on their journey.
29 Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhi mwanakomana waReueri muMidhiani, tezvara waMozisi, “Tava kuenda kunzvimbo yatakanzi naJehovha, ‘Ndichakupai imi.’ Handei tose tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha avimbisa zvinhu zvakanaka kuna Israeri.”
Moses spoke to Hobab son of Reuel the Midianite. Reuel was the father of Moses' wife. Moses spoke to Hobab and said, “We are traveling to a place that Yahweh described. Yahweh said, 'I will give it to you.' Come with us and we will do you good. Yahweh has promised to do good for Israel.”
30 Iye akapindura akati, “Kwete, handingaendi; ndiri kudzokera kunyika yangu nokuvanhu vokwangu.”
But Hobab said to Moses, “I will not go with you. I will go to my own land and my own people.”
31 Asi Mozisi akati kwaari, “Ndapota hangu regai kutisiya. Munoziva patinofanira kuvaka musasa wedu murenje, uye imi mungava meso edu.
Then Moses replied, “Please do not leave us. You know how to camp in the wilderness. You must watch out for us.
32 Kana mukaenda nesu, tichagovana nemi chinhu chipi nechipi chatichapiwa naJehovha.”
If you go with us, we will do for you the same good that Yahweh does to us.”
33 Saka vakasimuka kubva pagomo raJehovha vakafamba kwamazuva matatu. Areka yaJehovha yesungano yakavatungamirira pamazuva matatu iwayo kuti vatsvakirwe nzvimbo yokuzororera.
They journeyed from the mountain of Yahweh for three days. The ark of the covenant of Yahweh went before them for three days to find a place for them to rest.
34 Gore raJehovha rakanga riri pamusoro pavo masikati pavakasimuka kubva pamusasa.
Yahweh's cloud was over them by daylight as they journeyed.
35 Paingosimuka areka, Mozisi aiti, “Haiwa Jehovha, simukai! Vavengi venyu ngavaparadzirwe, vavengi venyu ngavatize pamberi penyu.”
Whenever the ark set out, Moses would say, “Rise up, Yahweh. Scatter your enemies. Make those who hate you run from you.”
36 Payaigadzikwa pasi, iye aiti, “Haiwa Jehovha, dzokai kuzviuru nezviuru zvavaIsraeri.”
Whenever the ark stopped, Moses would say, “Return, Yahweh, to Israel's many tens of thousands.”

< Numeri 10 >