< Nehemia 9 >

1 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi iwoyo, vaIsraeri vakaungana pamwe chete, vachizvinyima zvokudya vakapfeka masaga uye vaine guruva pamisoro yavo.
Katika siku ya ishirini na nne ya mwezi ule ule, Waisraeli walikusanyika pamoja, wakifunga na kuvaa nguo za gunia na kujitia mavumbi vichwani mwao.
2 Avo vaiva zvizvarwa zvavaIsraeri vakazvitsaura kubva pakati pavatorwa vose. Vakamira panzvimbo dzavo vakareurura zvivi zvavo nezvitadzo zvavo.
Wale wa uzao wa Israeli walijitenga na wageni wote. Wakasimama mahali pao, na kuungama dhambi zao na uovu wa baba zao.
3 Vakamira pavakanga vari ndokuverenga kubva muBhuku roMurayiro waJehovha Mwari wavo kwechikamu chimwe chete muzvina chezuva, ndokupedzazve chimwe chikamu chimwe chete muzvina chezuva, vachireurura uye vachinamata Jehovha Mwari wavo.
Wakasimama pale walipokuwa, wakasoma kutoka kwenye kile Kitabu cha Sheria ya Bwana Mungu wao kwa muda wa robo siku, na wakatumia robo nyingine kwa kuungama dhambi na kumwabudu Bwana Mungu wao.
4 VaRevhi vaiti Jeshua, Bhani, Kadhimieri, Shebhania, Bhuni, Sherebhia, Bhani naKenani, vakamira pakakwirira vakadanidzira nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo.
Walawi wafuatao walikuwa wamesimama kwenye ngazi: Yeshua, Bani, Kadmieli, Shebania, Buni, Sherebia, Bani na Kenani. Hawa walimlilia Bwana Mungu wao kwa sauti kubwa.
5 Ipapo vaRevhi vaiti: Jeshua, Kadhimieri, Bhani, Hashabhineya, Sherebhia, Hodhia, Shebhania naPetahia vakati, “Simukai murumbidze Jehovha Mwari wenyu, anogara nokusingaperi-peri.” “Zita renyu rinobwinya ngariropafadzwe pamusoro pamakomborero nerumbidzo dzose.
Nao Walawi Yeshua, Kadmieli, Bani, Hashabnea, Sherebia, Hodia, Shebania na Pethahia wakasema: “Simameni mkamsifu Bwana Mungu wenu, yeye ambaye ni Mungu tangu milele hata milele. “Libarikiwe jina lake tukufu, litukuzwe juu ya baraka zote na sifa.
6 Imi moga ndimi Jehovha. Makaita moga matenga, kunyange nokudenga denga, uye nenyeredzi zhinji dzose, nyika nezvose zviri pamusoro payo, makungwa nezvose zviri maari. Munopa upenyu kuzvinhu zvose, uye zvose zviri kudenga zvinokunamatai.
Wewe peke yako ndiwe Bwana. Uliziumba mbingu, hata mbingu za mbingu na jeshi lote la mbinguni, dunia na vyote vilivyo ndani yake, na pia bahari na vyote vilivyomo ndani yake. Huvipa vitu vyote uhai, nalo jeshi la mbinguni linakuabudu wewe.
7 “Ndimi Jehovha Mwari, makasarudza Abhurahama mukamubudisa kubva munyika yeUri yavaKaradhea mukamutumidza kuti Abhurahama.
“Wewe ni Bwana Mungu uliyemchagua Abramu na kumtoa kutoka Uru ya Wakaldayo, nawe ukamwita Abrahamu.
8 Makawana mwoyo wake wakatendeka kwamuri, uye makaita sungano naye kuti mupe kuzvizvarwa zvake nyika yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaJebhusi navaGirigashi. Makachengeta vimbiso yenyu nokuti makarurama.
Uliona kuwa moyo wake ni mwaminifu kwako, nawe ukafanya Agano naye kuwapa wazao wake nchi ya Wakanaani, Wahiti, Waamori, Waperizi, Wayebusi na Wagirgashi. Umetimiza ahadi yako kwa sababu wewe ni mwenye haki.
9 “Makaona kutambudzika kwamadzitateguru edu muIjipiti; mukanzwa kuchema kwavo paGungwa dzvuku.
“Uliona mateso ya baba zetu huko Misri, ukasikia kilio chao huko Bahari ya Shamu.
10 Makatuma zviratidzo nezvishamiso kuna Faro, navabati vake uye navanhu vose venyika yake, nokuti maiziva kuti vaIjipita vaizvikudza sei pamabatiro avakavaita. Makaitira zita renyu mukurumbira uripo nanhasi.
Ulituma ishara za miujiza na maajabu dhidi ya Farao, dhidi ya maafisa wake wote na watu wote wa nchi yake, kwa kuwa ulifahamu jinsi Wamisri walivyowafanyia ufidhuli. Ukajifanyia jina linalodumu hadi leo.
11 Makapamura gungwa pamberi pavo, naizvozvo vakayambuka napasi pakaoma, asi makamedza vaivatevera kwakadzika, sedombo mumvura ine simba.
Ukagawa bahari mbele yao, ili waweze kupita katikati yake penye nchi kavu, lakini uliwatupa Wamisri waliowafuatilia katika vilindi, kama jiwe kwenye maji mengi.
12 Makavatungamirira neshongwe yegore masikati mukavatungamirira usiku neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe munzira yavaizofamba nayo.
Mchana uliwaongoza kwa nguzo ya wingu, na usiku kwa nguzo ya moto kuwamulikia njia iliyowapasa kuiendea.
13 “Makaburuka paGomo reSinai, mukataura navo kubva kudenga. Makavapa mitemo nemirayiro yakarurama neyakanaka, uye mitemo nezvakarayirwa zvakanaka.
“Ulishuka katika Mlima Sinai, ukanena nao kutoka mbinguni. Uliwapa masharti na sheria zile ambazo ni za kweli na haki, pia amri na maagizo mazuri.
14 Makavazivisa Sabata renyu dzvene mukavapa zvamakarayira, mitemo nemirayiro kubudikidza nomuranda wenyu Mozisi.
Uliwafahamisha Sabato yako takatifu na ukawapa amri, maagizo na sheria kupitia mtumishi wako Mose.
15 Vari pakati penzara makavapa chingwa chaibva kudenga, uye pavakanzwa nyota makavapa mvura yakabva padombo; makavaudza kuti vapinde kundotora nyika yamakanga mapika noruoko rwakasimudzwa kuti muvape.
Katika njaa yao uliwapa mkate kutoka mbinguni, na katika kiu yao uliwatolea maji kutoka kwenye mwamba. Uliwaambia waingie na kuimiliki nchi ambayo ulikuwa umeapa kuwapa kwa mkono ulioinuliwa.
16 “Asi ivo madzitateguru edu, vakava namanyawi uye nemitsipa mikukutu, vakasateerera zvamakavarayira.
“Lakini wao, baba zetu, wakawa na kiburi na shingo ngumu, nao hawakutii maagizo yako.
17 Vakaramba kuteerera uye vakasarangarira zvishamiso zvamakaita pakati pavo. Vakava nemitsipa mikukutu uye pakumukira kwavo vakagadza mutungamiri kuti vadzokere kuutapwa hwavo. Asi imi muri Mwari anokanganwira, ane nyasha nengoni, anononoka kutsamwa uye azere norudo. Naizvozvo hamuna kuvasiya,
Wakakataa kusikiliza na kushindwa kukumbuka miujiza uliyoifanya miongoni mwao. Wakawa na shingo ngumu, na katika uasi wao wakamchagua kiongozi ili warudi kwenye utumwa wao. Lakini wewe ni Mungu mwenye kusamehe, mwenye neema na mwingi wa huruma, si mwepesi wa hasira, ni mwingi wa upendo. Kwa hiyo hukuwaacha,
18 kunyange zvavo vakazviitira chifananidzo chemhuru vachiti, ‘Uyu ndiye mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti,’ kana pavakamhura zvinonyangadza kwazvo.
hata wakati walijitengenezea sanamu ya ndama ya kusubu na kusema, ‘Huyu ni mungu wenu, aliyewapandisha kutoka nchi ya Misri,’ au walipofanya makufuru makubwa.
19 “Nokuda kwengoni dzenyu huru hamuna kuvasiya mugwenga. Shongwe yegore haina kurega kuvatungamirira masikati panzira yavo, shongwe yomoto haina kurega kuvavhenekera usiku panzira yavaifanira kufamba nayo.
“Kwa sababu ya huruma zako kuu hukuwaacha jangwani. Wakati wa mchana ile nguzo ya wingu haikukoma kuwaongoza katika njia yao, wala nguzo ya moto haikuacha kuwamulikia usiku njia iliyowapasa kuiendea.
20 Makavapa Mweya wenyu wakanaka kuti uvarayire. Hamuna kuvanyima mana yenyu, uye panyota yavo makavapa mvura.
Uliwapa Roho wako mwema ili kuwafundisha. Hukuwanyima mana yako vinywani mwao, nawe ukawapa maji kwa ajili ya kiu yao.
21 Makavararamisa kwamakore makumi mana mugwenga; havana chavakashayiwa, nguo dzavo hadzina kubvaruka uye makumbo avo haana kuzvimba.
Kwa miaka arobaini uliwatunza jangwani. Hawakukosa chochote, na nguo zao hazikuchakaa wala miguu yao haikuvimba.
22 “Makavapa ushe nendudzi, mukavapa nyika yose kusvika kumagumo ayo. Vakatora nyika yaSihoni mambo weHeshibhoni nenyika yaOgi mambo weBhashani.
“Uliwapa falme na mataifa, ukiwagawia hata mipaka ya mbali. Wakaimiliki nchi ya Sihoni mfalme wa Heshboni, na nchi ya Ogu mfalme wa Bashani.
23 Makaita kuti vana vavo vawande senyeredzi dziri mudenga, mukavauyisa kunyika yamakaudza madzibaba avo kuti vapinde vaitore.
Uliwafanya wana wao kuwa wengi kama nyota za angani, nawe ukawaleta katika nchi ambayo uliwaambia baba zao kuingia na kuimiliki.
24 Vanakomana vavo vakapinda vakatora nyika. Makakunda vaKenani pamberi pavo, vaigara munyika iyo; makapa vaKenani kwavari, pamwe chete namadzimambo avo uye navanhu vomunyika, kuti vaite zvavanoda navo.
Wana wao wakaingia na kuimiliki nchi. Uliwatiisha Wakanaani mbele yao, walioishi katika nchi, ukawatia Wakanaani mikononi mwao, pamoja na wafalme wao na watu wa nchi, wawafanyie kama wapendavyo.
25 Vakapamba maguta akakombwa nenyika ine ivhu rakanaka, vakatora dzimba dzakanga dzakazara nemhando dzose dzezvinhu zvakanaka, matsime akacherwa kare, minda yemizambiringa, minda yemiorivhi nemiti yemichero yakawanda. Vakadya vakaguta vakava vakagwinya kwazvo; vakafara muukuru hwokunaka kwenyu.
Wakateka miji yenye ngome na nchi yenye rutuba, wakamiliki nyumba zilizojazwa na vitu vizuri vya kila aina, visima vilivyochimbwa tayari, mashamba ya mizabibu, mashamba ya mizeituni na miti yenye matunda kwa wingi. Wakala, wakashiba nao wakanawiri sana, wakajifurahisha katika wema wako mwingi.
26 “Asi havana kuteerera uye vakakumukirai; vakafuratira murayiro wenyu. Vakauraya vaprofita venyu, vaivarayira kuti vadzokere kwamuri; vakamhura zvainyadza kwazvo.
“Lakini hawakukutii nao wakaasi dhidi yako, wakatupa sheria zako nyuma yao. Wakawaua manabii wako, waliowaonya ili wakurudie, na wakafanya makufuru makubwa.
27 Naizvozvo makavaisa kuvavengi vavo, avo vakavadzvinyirira. Asi pavakanga vava kudzvinyirirwa vakachema kwamuri. Makavanzwa muri kudenga, uye nengoni dzenyu huru makavapa vadzikinuri, vakavarwira kubva mumaoko avavengi vavo.
Hivyo ukawatia mikononi mwa adui zao, ambao waliwatesa. Lakini walipoteswa, wakakulilia wewe. Kutoka mbinguni uliwasikia, nawe kwa huruma zako kuu ukawapa waokozi, waliowaokoa kutoka mikononi mwa adui zao.
28 “Asi pavakangowana zororo, vakaitazve zvakaipa pamberi penyu. Ipapo makavasiya mumaoko avavengi vavo kuti vavatonge. Zvino vakati vachemazve kwamuri, makavanzwa muri kudenga, nengoni dzenyu mukavarwira nguva nenguva.
“Lakini mara walipokuwa na raha, wakafanya maovu tena machoni pako. Kisha ukawaacha mikononi mwa adui zao, nao wakawatawala. Walipokulilia tena, ukasikia kutoka mbinguni, na kwa huruma zako ukawaokoa kila mara.
29 “Makavayambira kuti vadzokere kumurayiro wenyu, asi ivo vakazvikudza vakasateerera kurayira kwenyu. Vakatadza pane zvemirayiro, izvo zvinoraramisa munhu kana akazviteerera. Nokusindimara kwavo vakakufuratirai, vakaomesa mitsipa yavo uye vakaramba kuteerera.
“Ukawaonya warudi katika sheria yako, lakini wakawa na kiburi na hawakutii amri zako. Wakatenda dhambi dhidi ya maagizo yako ambayo kwayo mtu ataishi kama akiyatii. Kwa ukaidi wakakugeuzia kisogo, wakawa na shingo ngumu na wakakataa kusikiliza.
30 Makava nomwoyo murefu navo kwamakore mazhinji. Makavayambira noMweya wenyu kubudikidza navaprofita venyu. Kunyange zvakadaro havana kuita hanya, saka makavapa kuvanhu vavakavakidzana navo.
Kwa miaka mingi ulikuwa mvumilivu kwao. Kwa njia ya Roho wako ukawaonya kupitia manabii wako. Hata hivyo hawakujali, basi ukawatia mikononi mwa mataifa jirani.
31 Asi netsitsi dzenyu huru hamuna kuvaparadza kana kuvarasa, nokuti muri Mwari ane nyasha netsitsi.
Lakini kwa rehema zako kuu hukuwakomesha wala kuwaacha, kwa kuwa wewe ni Mungu mwenye neema na rehema.
32 “Naizvozvo zvino, imi Mwari wedu, mukuru, ane simba, uye Mwari anotyisa, anochengeta sungano yake yorudo, matambudziko aya ose ngaarege kuva madiki pamberi penyu, matambudziko akauya pamusoro pedu, napamusoro pamadzimambo edu navatungamiri, napamusoro pavaprista vedu navaprofita, pamusoro pamadzibaba edu navanhu vose, kubva pamazuva amadzimambo avaAsiria kusvikira nhasi.
“Basi sasa, Ee Mungu wetu, uliye mkuu, mwenye nguvu na Mungu wa kuogofya, mwenye kushika agano lake la upendo, usiache taabu hizi zote zionekane kuwa kitu kidogo mbele za macho yako, taabu hizi zilizotupata, juu ya wafalme wetu na viongozi, juu ya makuhani wetu na manabii, juu ya baba zetu na watu wako wote, tangu siku za wafalme wa Ashuru hadi leo.
33 Pane zvakaitika kwatiri, imi makanga makarurama; makanga makatendeka, asi isu takaita zvakaipa.
Katika hayo yote yaliyotupata, umekuwa mwenye haki, na umetenda kwa uaminifu, wakati sisi tumetenda mabaya.
34 Madzimambo edu, vatungamiri vedu, vaprista vedu namadzibaba edu havana kutevera murayiro wenyu; havana kuita hanya nokurayira kwenyu kana yambiro dzamakavapa.
Wafalme wetu, viongozi wetu, makuhani wetu na baba zetu hawakufuata sheria yako. Hawakuzingatia amri zako wala maonyo uliyowapa.
35 Kunyange pavakanga vachibata ushe hwavo, vachifarira kunaka kwenyu kukuru kwavari munyika yamakavapa, munyika yakakura uye ine ivhu rakanaka, havana kukushumirai kana kusiya nzira dzavo dzakaipa.
Hata walipokuwa wangali katika ufalme wao, wakiufurahia wema wako mkuu katika nchi kubwa na yenye rutuba uliyowapa, hawakukutumikia wala kugeuka kutoka njia zao mbaya.
36 “Asi tarirai, tava nhapwa nhasi, nhapwa munyika yamakapa madzitateguru edu kuti vadye zvibereko zvayo uye nezvimwe zvakanaka zvainobereka.
“Lakini tazama, sisi ni watumwa leo, watumwa katika nchi uliyowapa baba zetu ili wapate kula matunda yake na vitu vingine vizuri inayozalisha.
37 Nokuda kwezvivi zvedu zvibereko zvayo zvizhinji zvava kuenda kumadzimambo amakaisa pamusoro pedu. Vane simba pamusoro pemiviri yedu uye vanoita zvavanoda nemombe dzedu. Tiri pakutambudzika kukuru.
Kwa sababu ya dhambi zetu, mavuno yake mengi huenda kwa wafalme uliowaweka watutawale. Wanatawala juu ya miili yetu na mifugo yetu kama wapendavyo. Tuko katika dhiki kuu.
38 “Nokuda kwezvose izvi, tiri kuita chitenderano chakasimba, tichichinyora, vatungamiri vedu, uye vaRevhi vedu navaprista vedu vachaisa chisimbiso chavo pachiri.”
“Kwa sababu ya haya yote, tunajifunga katika mapatano, na kuyaandika, nao viongozi wetu, Walawi wetu na makuhani wetu wanatia mihuri yao.”

< Nehemia 9 >