< Nehemia 7 >

1 Mushure mokunge rusvingo rwavakwa uye ndaisa makonhi panzvimbo dzawo, varindi vemikova, vaimbi navaRevhi vakagadzwa.
Wakati ukuta ulipomalizika na milango nimekwisha kuisimamisha, na walinzi wa malango na waimbaji na Walawi walikuwa wamechaguliwa,
2 Ndakagadza Hanani hama yangu kuti ave mutariri weJerusarema naHanania kuti ave mukuru wepanhare, nokuti aiva munhu anokudzwa uye aitya Mwari kupinda zvingaitwa noruzhinji rwavanhu.
nikampa ndugu yangu Hanani kuwa na amri juu ya Yerusalemu, pamoja na Hanania ambaye alikuwa msimamizi wa kijiji, kwa kuwa alikuwa mwaminifu na alimuogopa Mungu zaidi kuliko wengi.
3 Ndakati kwavari, “Masuo eJerusarema asazarurwa kusvikira zuva rava kupisa. Panguva iyo vachengeti vamasuo vanenge vachiri pabasa, vaitei kuti vapfige makonhi vaise mazariro. Uyezve mugadze vagari vomuJerusarema savarindi; vamwe panzvimbo dzavo dzokurinda, vamwe pedyo nedzimba dzavo.”
Nami nikawaambia, Msifungue malango ya Yerusalemu mpaka jua litakapokuwa kali. Wakati walinzi wa mlango wanalinda, unaweza kufunga milango na kuikaza. Chagua walinzi kutoka kwa wale wanaoishi Yerusalemu, wengine mahali pa kituo chao cha ulinzi, na wengine mbele ya nyumba zao wenyewe.
4 Zvino guta rakanga rakakura uye rakapamhama asi maingova navanhu vashoma mariri, uye dzimba dzakanga dzisati dzavakwazve.
Sasa jiji lilikuwa pana na kubwa, lakini kulikuwa na watu wachache ndani yake, na hakuna nyumba zilizojengwa tena.
5 Saka Mwari akaisa mumwoyo mangu kuti ndiunganidze vakuru navabati uye navamwe vanhu vose kuti vanyoreswe nemhuri dzavo. Ndakawana zvinyorwa zvemhuri dzaavo vakava vokutanga kudzokera. Izvi ndizvo zvandakawana zvakanyorwamo:
Mungu wangu aliweka moyoni mwangu, kuwakusanya pamoja wakuu, maafisa, na watu kuwaandikisha katika familia zao. Nilipata Kitabu cha kizazi cha wale ambao walirudi kwanza na nikaona kwamba imeandikwa humo.
6 Ava ndivo vanhu vedunhu vakabudiswa pautapwa vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake,
Hawa ndio watu wa jimbo ambao walikwenda kutoka kwenye uhamisho wa wale waliohamishwa ambao Nebukadreza mfalme wa Babeli aliwachukua mateka. Wakarudi Yerusalemu na Yuda, kila mmoja kwenda kwenye mji wake.
7 vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Azaria, naRaamia, Nahamani, Modhekai, Bhirishani, Misipereti, Bhigivhai, Nehumi naBhaana): Mazita avarume veIsraeri:
Walikuja na Zerubabeli, Yoshua, Nehemia, Seraya, Reelaya, Nahamani, Mordekai, Bilshani, Mispari, Bigwai, Rehumu na Baana. Idadi ya wana wa Israeli ilikuwa.
8 Zvizvarwa zvaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;
Wana wa Paroshi, 2, 172.
9 zvaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri;
Wana wa Shefatia, 372.
10 zvaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri;
Wana wa Ara, 652.
11 zvaPahati-Moabhu (kubudikidza nokuna Jeshua naJoabhu), zviuru zviviri, namazana masere ane gumi navasere;
Wana wa Pahath Moabu,
12 zvaEramu, chiuru chimwe, china mazana maviri namakumi mashanu navana;
kwa wana wa Yeshua na Yoabu, 2, 818.
13 zvaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu;
Wana wa Elamu, 1, 254.
14 zvaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu;
Wana wa Zatu, 845. Wana wa Zakai, 760.
15 zvaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere;
Wana wa Binnui, 648.
16 zvaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navasere;
Wana wa Bebai, 628.
17 zvaAzigadhi, zviuru zviviri mazana matatu namakumi maviri navaviri;
Wana wa Azgadi, 2, 322.
18 zvaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe;
Wana wa Adonikamu, 667.
19 zvaBhigivhai, zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe;
Wana wa Bigwai, 2, 067.
20 zvaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu;
Wana wa Adini, 655.
21 zvaAteri (kubudikidza naHezekia), makumi mapfumbamwe navasere;
Wana wa Ateri, wa Hezekia, 98.
22 zvaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere;
Wana wa Hashumu, 328.
23 zvaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana;
Wana wa Besai, 324.
24 zvaHarifi, zana negumi navaviri;
Wana wa Harifu, 112.
25 zvaGibheoni, makumi mapfumbamwe navashanu.
Wana wa Gibeoni, 95.
26 Varume veBheterehema neNetofa, zana namakumi masere navasere;
Watu kutoka Bethlehemu na Netofa, 188.
27 vokuAnatoti, zana namakumi maviri navasere;
Watu wa Anathothi, 128.
28 vokuBheti Azimavheti, makumi mana navaviri;
Watu wa Beth Azmaweth, 42.
29 vokuKiriati Jearimi, Kefira neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu;
Watu wa Kiriath Yearimu, Kefira, na Beerothi, 743.
30 vokuRama neGebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;
Watu wa Rama na Geba, 621.
31 vokuMikimashi, zana namakumi maviri navaviri;
Watu wa Mikmasi, 122.
32 vokuBheteri neAi, zana namakumi maviri navatatu;
Watu wa Betheli na Ai, 123.
33 vokune rimwe Nebho; makumi mashanu navaviri;
Watu wa Nebo, 52.
34 vokune rimwe Eramu, chiuru mazana maviri namakumi mashanu navana;
Watu wa Elamu wa pili, 1, 254.
35 vokuHarimu, mazana matatu ana makumi maviri;
Watu wa Harimu, 320.
36 vokuJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu;
Watu wa Yeriko, 345.
37 vokuRodhi, Hadhidhi neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe chete;
Watu wa Lodi, Hadidi, na Ono, 721.
38 vokuSenaa, zviuru zvitatu mazana mapfumbamwe namakumi matatu.
Watu wa Senaa, 3, 930.
39 Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (kubudikidza nokumhuri yaJeshua), mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;
makuhani Wana wa Yedaya (wa nyumba ya Yeshua), 973.
40 zvaImeri, chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
Wana wa Imeri, 1, 052.
41 zvaPashuri, chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;
Wana wa Pashuri, 1, 247.
42 zvaHarimu, chiuru chimwe chine gumi navanomwe.
Wana wa Harimu, 1, 017.
43 VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua (kubudikidza naKadhimieri nokumhuri yaHodhavhia), vaiva makumi manomwe navana.
Walawi, wana wa Yeshua, wa Kadmieli, wa Binui, wa Hodavia, 74.
44 Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi, zana namakumi mana navasere.
Waimbaji wana wa Asafu; 148.
45 Varindi vamasuo: zvizvarwa zvaSherumi, Ateri, Tarimoni, Akubhi, Hatita, naShobhai, zana namakumi matatu navasere.
Waliofungua mlango wana wa Shalumu, wana wa Ateri, wana wa Talmoni; wana wa Akubu, wana wa Hatita, wana wa Shobai, 138.
46 Vashandi vomutemberi: zvizvarwa zvaZiha, Hasufa, Tabhoati,
Watumishi wa Hekalu wana wa Siha, wana wa Hasufa, wana wa Tabaothi,
47 Kerosi, Sia, Padhoni,
wana wa Kerosi, wana wa Siaha, wana wa Padoni,
48 Rebhana, Hagabha, Sharimai,
wana wa Lebana, wana wa Hagaba, wana wa Salmai,
49 Hanani, Gidheri, Gehari,
wana wa wa Hanani, wana wa Gideli, wana wa Gahari.
50 Reaya, Rezini, Nekodha,
Wana wa Reaya, wana wa Resini, wana wa Nekoda,
51 Gazamu, Uza, Pesea,
wana wa Gazamu, wana wa Uza, wana wa Pasea,
52 Bhesai, Meunimi, Nefusimu,
wana wa Besai, wana wa Meunimu, wana wa Nefusimu.
53 Bhakuki, Hakufa, Harihuri,
Wana wa Bakbuki, wana wa Hakufa, wana wa Harhuri,
54 Bhazuruti, Mehidha, Harisha,
wana wa Baslith, wana wa Mehida, wana wa Harsha,
55 Bharikosi, Sisera, Tema,
wana wa Barkosi, wana wa Sisera, wana wa Tema,
56 Nezia, naHatifa.
wana wa Nesia, wana wa Hatifa.
57 Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zva: Sotai, Sofereti, Peridha,
Wana wa Sulemani, wana wa Sotai, wana wa Sofeereth, wana wa Peruda,
58 Jaara, Dharikoni, Gidheri,
wana wa Yaala, wana wa Darkoni, wana wa Gideli,
59 Shefatia, Hatiri, Pokereti-Hazebhaimu naAmoni.
wana wa Shefatia, wana wa Hatili, wana wa Pokerethi Sebaimu, wana wa Amoni.
60 Vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni, mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
Watumishi wote wa hekalu, na wana wa watumishi wa Sulemani, walikuwa 392.
61 Ava vanotevera vaibva kumaguta okuTeri Mera, Teri Harisha Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza kuti zvizvarwa zvavo zvaibva mumhuri yaIsraeri:
Hawa ndio watu waliokwenda kutoka Tel Mela, Tel harsha, Kerub, Addon, na Imeri. Lakini hawakuweza kuthibitisha kwamba wao au jamaa za baba zao walikuwa wana wa Israeli,
62 zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri.
wana wa Delaya, wana wa Tobia, na wana wa Nekoda, 642.
63 Uye vaibva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, Hakozi naBharizirai (murume akanga awana mwanasikana waBharizirai muGireadhi uye aidaidzwa nezita iroro).
Na kutoka kwa makuhani Wana wa Habaya, Hakosi, na Barzilai ( akamchukua mkewe kutoka kwa binti za Barzilai wa Gileadi na akaitwa kwa jina lao).
64 Ava vakatsvaka zvinyorwa zvemhuri dzavo, asi vakazvishaya nokudaro vakabviswa kubva kuvaprista, savasina kuchena.
Hawa walitafuta rekodi zao kati ya waliojiunga na kizazi chao, lakini hawakuweza kupatikana, kwa hivyo waliondolewa katika ukuhani kama walio najisi.
65 Naizvozvo mubati akavarayira kuti vasadya zvokudya zvipi zvazvo zvakanatswa kusvikira kwava nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.
Naye mkuu wa gavana akawaambia wasiruhusiwe kula chakula cha makuhani kutoka kwenye dhabihu mpaka atakapoinuka kuhani mwenye Urimu na Thumimu.
66 Ungano yose yaiva navanhu zviuru makumi mana navaviri ane mazana matatu namakumi matanhatu,
Kusanyiko lote lilikuwa 42, 360,
67 pasina varanda vavo navarandakadzi vavo vaisvika zviuru zvinomwe namazana matatu ana makumi matatu navanomwe; uye vaivazve navarume navakadzi vaiva vaimbi vaisvika mazana maviri namakumi mana navashanu.
isipokuwa watumishi wao wa kiume na watumishi wao wa kike, ambao walikuwa 7, 337. Walikuwa na wanaume na wanawake wa kuimba 245.
68 Paiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu amabhiza, uye manyurusi mazana maviri namakumi mana nemashanu,
Farasi zao zilikuwa 736 kwa idadi, nyumbu zao, 245,
69 mazana mana namakumi matatu namashanu engamera uye zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri zvembongoro.
ngamia zao, 435, na punda zao, 6, 720.
70 Vamwe vakuru vemhuri vakabatsira pabasa. Mubati akaisa madhirakema egoridhe chiuru muchivigiro chepfuma nemidziyo makumi mashanu nenhumbi dzavaprista mazana mashanu namakumi matatu.
Baadhi ya wakuu wa familia za baba zao walitoa zawadi kwa ajili ya kazi. Gavana alitoa sadaka ya darkoni elfu ya dhahabu, mabakuli 50, na mavazi 530 ya makuhani.
71 Vamwe vakuru vemhuri vakaisa muchivigiro chepfuma zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe kuitira basa, mamina esirivha zviuru zviviri namazana maviri.
Baadhi ya wakuu wa familia za baba zao waliwapa katika hazina kwa kazi darkroni elfu ishirini za dhahabu na mane 2, 200 za fedha.
72 Uwandu hwezvakapiwa navanhu vose vose hwaiva zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe, nezviuru zviviri zvamamina esirivha, uye nenhumbi dzavaprista dzinosvika makumi matanhatu nenomwe.
Watu wengine waliwapa darkoni za dhahabu ishirini elfu, na dhahabu elfu mbili za fedha, na mavazi sitini na saba kwa makuhani.
73 Vaprista, vaRevhi, varindi vemikova, vaimbi navabati vomutemberi, pamwe chete navamwe pakati poruzhinji rwavaIsraeri, vakandogara mumaguta avo.
Basi makuhani, Walawi, walinzi wa malango, waimbaji, watu wengine, watumishi wa hekalu, na Israeli wote waliishi katika miji yao. Hata mwezi wa saba watu wa Israeli walikuwa wakiishi katika miji yao.”

< Nehemia 7 >