< Nehemia 7 >

1 Mushure mokunge rusvingo rwavakwa uye ndaisa makonhi panzvimbo dzawo, varindi vemikova, vaimbi navaRevhi vakagadzwa.
石垣を築き扉を設け門を守る者謳歌者およびレビ人を立るにおよびて
2 Ndakagadza Hanani hama yangu kuti ave mutariri weJerusarema naHanania kuti ave mukuru wepanhare, nokuti aiva munhu anokudzwa uye aitya Mwari kupinda zvingaitwa noruzhinji rwavanhu.
我わが兄弟ハナニおよび城の宰ハナニヤをしてヱルサレムを治めしむ彼は忠信なる人にして衆多の者に超りて神を畏るる者なり
3 Ndakati kwavari, “Masuo eJerusarema asazarurwa kusvikira zuva rava kupisa. Panguva iyo vachengeti vamasuo vanenge vachiri pabasa, vaitei kuti vapfige makonhi vaise mazariro. Uyezve mugadze vagari vomuJerusarema savarindi; vamwe panzvimbo dzavo dzokurinda, vamwe pedyo nedzimba dzavo.”
我かれらに言ふ日の熱くなるまではヱルサレムの門を啓くべからず人々の立て守りをる間に門を閉させて汝らこれを堅うせよ汝らヱルサレムの民を番兵に立て各々にその所を守らしめ各々にその家と相對ふ處を守らしめよと
4 Zvino guta rakanga rakakura uye rakapamhama asi maingova navanhu vashoma mariri, uye dzimba dzakanga dzisati dzavakwazve.
邑は廣くして大なりしかどもその内の民は寡くして家は未だ建ざりき
5 Saka Mwari akaisa mumwoyo mangu kuti ndiunganidze vakuru navabati uye navamwe vanhu vose kuti vanyoreswe nemhuri dzavo. Ndakawana zvinyorwa zvemhuri dzaavo vakava vokutanga kudzokera. Izvi ndizvo zvandakawana zvakanyorwamo:
我神はわが心に貴き人々牧伯等および民を集めてその名簿をしらぶる思念を起さしめたまへり我最先に上り來りし者等の系図の書を得て見にその中に書しるして曰く
6 Ava ndivo vanhu vedunhu vakabudiswa pautapwa vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake,
往昔バビロンの王ネブカデネザルに擄へられバビロンに遷されたる者のうち俘囚をゆるされてヱルサレムおよびユダに上りおのおの己の邑に歸りし此州の者は左の如し 是皆ゼルバベル、ヱシユア、ネヘミヤ、アザリヤ、ラアミヤ、ナハマニ、モルデカイ、ビルシヤン、ミスペレテ、ビグワイ、ネホム、バアナ等に隨ひ來れり
7 vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Azaria, naRaamia, Nahamani, Modhekai, Bhirishani, Misipereti, Bhigivhai, Nehumi naBhaana): Mazita avarume veIsraeri:
そのイスラエルの民の人數は是のごとし
8 Zvizvarwa zvaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;
パロシの子孫二千百七十二人
9 zvaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri;
シパテヤの子孫三百七十二人
10 zvaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri;
アラの子孫六百五十二人
11 zvaPahati-Moabhu (kubudikidza nokuna Jeshua naJoabhu), zviuru zviviri, namazana masere ane gumi navasere;
ヱシユアとヨアブの族たるパハテモアブの子孫二千八百十八人
12 zvaEramu, chiuru chimwe, china mazana maviri namakumi mashanu navana;
エラムの子孫千二百五十四人
13 zvaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu;
ザツトの子孫八百四十五人
14 zvaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu;
ザツカイの子孫七百六十人
15 zvaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere;
ビンヌイの子孫六百四十八人
16 zvaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navasere;
ベバイの子孫六百二十八人
17 zvaAzigadhi, zviuru zviviri mazana matatu namakumi maviri navaviri;
アズガデの子孫二千三百二十二人
18 zvaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe;
アドニカムの子孫六百六十七人
19 zvaBhigivhai, zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe;
ビグワイの子孫二千六十七人
20 zvaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu;
アデンの子孫六百五十五人
21 zvaAteri (kubudikidza naHezekia), makumi mapfumbamwe navasere;
ヒゼキヤの家のアテルの子孫九十八人
22 zvaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere;
ハシユムの子孫三百二十八人
23 zvaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana;
ベザイの子孫三百二十四人
24 zvaHarifi, zana negumi navaviri;
ハリフの子孫百十二人
25 zvaGibheoni, makumi mapfumbamwe navashanu.
ギベオンの子孫九十五人
26 Varume veBheterehema neNetofa, zana namakumi masere navasere;
ベテレヘムおよびネトパの人百八十八人
27 vokuAnatoti, zana namakumi maviri navasere;
アナトテの人百二十八人
28 vokuBheti Azimavheti, makumi mana navaviri;
ベテアズマウテの人四十二人
29 vokuKiriati Jearimi, Kefira neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu;
キリアテヤリム、ケピラおよびベエロテの人七百四十三人
30 vokuRama neGebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;
ラマおよびゲバの人六百二十一人
31 vokuMikimashi, zana namakumi maviri navaviri;
ミクマシの人百二十二人
32 vokuBheteri neAi, zana namakumi maviri navatatu;
ベテルおよびアイの人百二十三人
33 vokune rimwe Nebho; makumi mashanu navaviri;
他のネボの人五十二人
34 vokune rimwe Eramu, chiuru mazana maviri namakumi mashanu navana;
他のエラムの民千二一百五十四人
35 vokuHarimu, mazana matatu ana makumi maviri;
ハリムの民三百二十人
36 vokuJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu;
ヱリコの民三百四十五人
37 vokuRodhi, Hadhidhi neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe chete;
ロド、ハデデおよびオノの民七百二十一人
38 vokuSenaa, zviuru zvitatu mazana mapfumbamwe namakumi matatu.
セナアの子孫三千九百三十人
39 Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (kubudikidza nokumhuri yaJeshua), mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;
祭司はヱシユアの家のヱダヤの子孫九百七十三人
40 zvaImeri, chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
インメルの子孫千五十二人
41 zvaPashuri, chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;
パシユルの子孫一千二百四十七人
42 zvaHarimu, chiuru chimwe chine gumi navanomwe.
ハリムの子孫一千十七人
43 VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua (kubudikidza naKadhimieri nokumhuri yaHodhavhia), vaiva makumi manomwe navana.
レビ人はホデワの子等ヱシユアとカデミエルの子孫七十四人
44 Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi, zana namakumi mana navasere.
謳歌者はアサフの子孫百四十八人
45 Varindi vamasuo: zvizvarwa zvaSherumi, Ateri, Tarimoni, Akubhi, Hatita, naShobhai, zana namakumi matatu navasere.
門を守る者はシヤルムの子孫アテルの子孫タルモンの子孫アツクブの子孫ハテタの子孫シヨバイの子孫百三十八人
46 Vashandi vomutemberi: zvizvarwa zvaZiha, Hasufa, Tabhoati,
ネテニ人はジハの子孫ハスパの子孫タバオテの子孫
47 Kerosi, Sia, Padhoni,
ケロスの子孫シアの子孫パドンの子孫
48 Rebhana, Hagabha, Sharimai,
レバナの子孫ハガバの子孫サルマイの子孫
49 Hanani, Gidheri, Gehari,
ハナンの子孫ギデルの子孫ガハルの子孫
50 Reaya, Rezini, Nekodha,
レアヤの子孫レヂンの子孫ネコダの子孫
51 Gazamu, Uza, Pesea,
ガザムの子孫ウザの子孫パセアの子孫
52 Bhesai, Meunimi, Nefusimu,
ベサイの子孫メウニムの子孫ネフセシムの子孫
53 Bhakuki, Hakufa, Harihuri,
バクブクの子孫ハクパの子孫ハルホルの子孫
54 Bhazuruti, Mehidha, Harisha,
バヅリテの子孫メヒダの子孫ハルシヤの子孫
55 Bharikosi, Sisera, Tema,
バルコスの子孫シセラの子孫テマの子孫
56 Nezia, naHatifa.
ネヂアの子孫ハテパの子孫等なり
57 Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zva: Sotai, Sofereti, Peridha,
ソロモンの僕たりし者等の子孫は即ちソタイの子孫ソペレテの子孫ペリダの子孫
58 Jaara, Dharikoni, Gidheri,
ヤアラの子孫ダルコンの子孫ギデルの子孫
59 Shefatia, Hatiri, Pokereti-Hazebhaimu naAmoni.
シパテヤの子孫ハツテルの子孫ポケレテハツゼバイムの子孫アモンの子孫
60 Vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni, mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
ネテニ人とソロモンの僕たりし者等の子孫とは合せて三百九十二人
61 Ava vanotevera vaibva kumaguta okuTeri Mera, Teri Harisha Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza kuti zvizvarwa zvavo zvaibva mumhuri yaIsraeri:
またテルメラ、テルハレサ、ケルブ、アドンおよびインメルより上り來れる者ありしがその宗家とその血統とを示してイスラエルの者なるを明かにすることを得ざりき
62 zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri.
是すなはちデラヤの子孫トビヤの子孫ネコダの子孫にして合せて六百四十二人
63 Uye vaibva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, Hakozi naBharizirai (murume akanga awana mwanasikana waBharizirai muGireadhi uye aidaidzwa nezita iroro).
祭司の中にホバヤの子孫ハツコヅの子孫バルジライの子孫ありバルジライはギレアデ人バルジライの女を妻に娶りてその名を名りしなり
64 Ava vakatsvaka zvinyorwa zvemhuri dzavo, asi vakazvishaya nokudaro vakabviswa kubva kuvaprista, savasina kuchena.
是等の者系圖に載る者等の中にその籍を尋ねたれども在ざりき是故に汚れたる者として祭司の中より除かれたり
65 Naizvozvo mubati akavarayira kuti vasadya zvokudya zvipi zvazvo zvakanatswa kusvikira kwava nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.
テルシヤタ即ち之に告てウリムとトンミムを帯る祭司の興るまでは至聖物を食ふべからずと言り
66 Ungano yose yaiva navanhu zviuru makumi mana navaviri ane mazana matatu namakumi matanhatu,
會衆あはせて四萬二千三百六十人
67 pasina varanda vavo navarandakadzi vavo vaisvika zviuru zvinomwe namazana matatu ana makumi matatu navanomwe; uye vaivazve navarume navakadzi vaiva vaimbi vaisvika mazana maviri namakumi mana navashanu.
この外にその僕婢七千三百三十七人謳歌男女二百四十五人あり
68 Paiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu amabhiza, uye manyurusi mazana maviri namakumi mana nemashanu,
その馬七百三十六匹その騾二百四十五匹
69 mazana mana namakumi matatu namashanu engamera uye zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri zvembongoro.
駱駝四百三十五匹驢馬六千七百二十匹
70 Vamwe vakuru vemhuri vakabatsira pabasa. Mubati akaisa madhirakema egoridhe chiuru muchivigiro chepfuma nemidziyo makumi mashanu nenhumbi dzavaprista mazana mashanu namakumi matatu.
宗家の長の中工事のためにを納めし人々ありテルシヤタは光一千ダリク鉢五十祭司の衣服五百三十襲を施して庫に納む
71 Vamwe vakuru vemhuri vakaisa muchivigiro chepfuma zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe kuitira basa, mamina esirivha zviuru zviviri namazana maviri.
また宗家の長數人は金二萬ダリク銀二千二百斤を工事のために庫に納む
72 Uwandu hwezvakapiwa navanhu vose vose hwaiva zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe, nezviuru zviviri zvamamina esirivha, uye nenhumbi dzavaprista dzinosvika makumi matanhatu nenomwe.
その餘の民の納めし者は金二萬ダリク銀二千斤祭司の衣服六十七襲なりき
73 Vaprista, vaRevhi, varindi vemikova, vaimbi navabati vomutemberi, pamwe chete navamwe pakati poruzhinji rwavaIsraeri, vakandogara mumaguta avo.
かくて祭司レビ人門を守る者謳歌者民等ネテニ人およびイスラエル人すべてその邑々に住り イスラエルの子孫かくてその邑々に住みをりて七月にいたりぬ

< Nehemia 7 >