< Nehemia 6 >

1 Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhu uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa makonhi pamasuo,
Wakati Sanbalati, Tobia, Geshemu Mwarabu na adui zetu wengine waliposikia kwamba nilijenga upya ukuta na kwamba hakuna sehemu yoyote iliyoachwa ya wazi, ingawa sijawaweka milango katika malango,
2 Sanibharati naGeshemu vakatuma shoko kwandiri vachiti, “Uya tisangane pano mumwe wemisha iri mubani reOno.” Asi vakanga vachironga kundiitira zvakaipa.
Sanbalati na Geshemu akatuma wajumbe akasema, “Njoni, tukutane pamoja mahali fulani katika tambarare ya Ono.” Lakini walitaka kunidhuru.
3 Saka ndakatuma nhume kwavari nemhinduro ndichiti, “Ndine basa guru kwazvo randiri kuita, saka handigoni kuburukira kwamuri ikoko. Basa ringamirireiko ini ndichirisiya ndichimbouya kwamuri?”
Niliwatuma wajumbe kwao, nikasema, “Ninafanya kazi kubwa na siwezi kushuka. Kwa nini kazi isimame wakati nitakapoondoka na kuja kwako?”
4 Vakatuma shoko rimwe chetero kwandiri runa rwose, asi ndakavapindura zvimwe chetezvo nguva dzose.
Walituma ujumbe huo huo mara nne, na mimi niliwajibu vile vile kila wakati.
5 Zvino, Sanibharati akatumazve muranda wake kwandiri kechishanu, neshoko rimwe chetero netsamba mumaoko ake yakanga isina kunamwa.
Sanbalati alimtuma mtumishi wake kwangu kwa njia ile ile mara ya tano, na barua iliyo wazi mkononi mwake.
6 Yakanga yakanyorwa zvinoti: “Pakati pamarudzi zvinotaurwa kuti, uye Geshemu anotiwo ichokwadi, iwe navaJudha muri kurangana kumukira mambo, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Pamusoro pezvo, iwe wava kuda kuva mambo wavo sokutaurwa kwazvo.
Imeandikwa, “Inaripotiwa kati ya mataifa, na Geshemu pia anasema, kwamba wewe na Wayahudi mna mpango wa kuasi, kwa sababu hiyo ndio mnajenga ukuta. Kutokana na taarifa hizi, unakaribia kuwa mfalme wao.
7 Uye wakatogadza vaprofita kuti vataure pamusoro pako muJerusarema vachiti: ‘MuJudha mava namambo!’ Zvino nyaya iyi ichasvika kuna mambo, saka uya titaurirane.”
Nawe umewachagua manabii kutangaza habari zako juu ya Yerusalemu, wakisema, “Kuna mfalme huko Yuda!” Unaweza kuwa na hakika mfalme atasikia ripoti hizi. Basi, hebu njoo tuzungumze.
8 Ndakatumira mhinduro kwaari ndikati, “Hapana chinhu chakaita sechauri kutaura chiri kuitika; ndiwe uri kungozvifunga mumusoro mako.”
Kisha nikamtuma neno nikisema, “mambo kama hayo hayajafanyika kama unavyosema, kwa maana ndani ya moyo wako umeyabuni.”
9 Vose vaingoedza kutivhundutsira vachiti mumwoyo yavo, “Maoko avo achaneta nebasa, uye harizoperi.” Asi ndakanyengetera ndikati, “Simbisai maoko angu zvino.”
Kwa maana wote walitaka kututisha, wakifikiri, “Wataacha mikono yao kufanya kazi hiyo, na haitafanyika.” Lakini sasa, Mungu, tafadhali imarisha mikono yangu.
10 Rimwe zuva ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, uyo akanga azvipfigira mumba make, iye akati, “Ngatisangane mumba yaMwari mukati metemberi tigopfiga mikova yetemberi, nokuti kuna varume vari kuuya kuzokuuraya, panguva dzousiku vari kuuya kuzokuuraya.”
Nikaenda nyumbani kwa Shemaya mwana wa Delaya, mwana wa Mehetabeli, aliyefungwa nyumbani mwake. Akasema, “Hebu tukutane pamoja katika nyumba ya Mungu, ndani ya hekalu, na tufunge milango ya hekalu, kwa maana wanakuja kukuua. Usiku wanakuja kukuua.”
11 Asi ini ndakati kwaari, “Murume akaita seni angatiza here? Uye munhu akaita seni angatizira mutemberi kuti aponese upenyu hwake here? Handidi kuenda ini!”
Nikajibu, “Je! Mtu kama mimi ninaweza kukimbia? Na mtu kama mimi ninaweza kuingia hekaluni ili nipate kuishi? Sitaingia.”
12 Ndakaona kuti Mwari akanga asina kumutuma asi kuti aiprofita zvakaipa pamusoro pangu nokuti akanga atengwa naTobhia naSanibharati.
Niligundua kwamba sio Mungu aliyemtuma, lakini alikuwa amefanya unabii dhidi yangu. Tobia na Sanbalati walimwajiri.
13 Akanga atengwa kuti azondivhundutsira kuitira kuti ndiite chivi nokuita izvi, uye ipapo vagondipa zita rakaipa kuti vandisvibise.
Walimpa kazi kunifanya niwe na hofu, ili nifanye kile alichosema na kutenda dhambi, hivyo wangeweza kunipa jina baya ili kuniaibisha.
14 Haiwa Mwari wangu, rangarirai henyu Tobhia naSanibharati, nokuda kwezvavaita; rangariraiwo muprofitakadzi Noadhia uye noruzhinji rwavaprofita avo vanga vachiedza kundivhundutsira.
Mungu wangu, wakumbuke Tobia na Sanbalati, na yote waliyofanya. Pia mkumbuke nabii Noadia na manabii wengine ambao walijaribu kunifanya niogope.
15 Naizvozvo rusvingo rwakapera nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi waEruri, mumazuva makumi mashanu namaviri.
Kwa hiyo ukuta ukamalizika siku ya ishirini na tano ya mwezi wa Eluli, baada ya siku hamsini na mbili.
16 Vavengi vedu vose vakati vanzwa izvi, marudzi ose akatipoteredza akatya uye vakaora mwoyo, nokuti vakaona kuti basa iri rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu.
Adui zetu wote waliposikia hayo, mataifa yote yaliyotuzunguka, waliogopa na wakakata tamaa sana machoni pao wenyewe. Kwa maana walijua kazi hiyo ilifanyika kwa msaada wa Mungu wetu.
17 Uyezve, mumazuva iwayo vakuru veJudha vaitumira matsamba akawanda kuna Tobhia, uye mhinduro dzaibva kuna Tobhia dzairamba dzichiuya kwavari.
Wakati huu wakuu wa Yuda walituma barua nyingi kwa Tobia, na barua za Tobia zikawajia.
18 Nokuti vazhinji muJudha vakanga vaita mhiko pasi pake, sezvo akanga ari mukuwasha kuna Shekania mwanakomana waAra, uye mwanakomana wake Jehohanani akanga akawana mwanasikana waMeshurami mwanakomana waBherekia.
Kwa maana walikuwa wengi huko Yuda waliofungwa kwa kiapo chake, kwa sababu alikuwa mkwewe Shekania, mwana wa Ara. Mwanawe Yehohanani alikuwa amekuwa mkewe Meshulamu mwana wa Berekia.
19 Pamusoro paizvozvo, vairamba vachingondiudza mabasa ake akanaka uye ivo vachizomuudzawo zvandinenge ndataura. Uye Tobhia akatumira matsamba okundivhundutsira.
Pia walizungumza nami kuhusu matendo yake mema na kumwambia maneno yangu. Barua zililetwa kwangu kutoka kwa Tobia kunitisha.

< Nehemia 6 >