< Nehemia 6 >

1 Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhu uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa makonhi pamasuo,
산발랏과 도비야와 아라비아 사람 게셈과 그 나머지 우리의 대적이 내가 성을 건축하여 그 퇴락한 곳을 남기지 아니하였다 함을 들었는데 내가 아직 성문에 문짝을 달지 못한 때라
2 Sanibharati naGeshemu vakatuma shoko kwandiri vachiti, “Uya tisangane pano mumwe wemisha iri mubani reOno.” Asi vakanga vachironga kundiitira zvakaipa.
산발랏과 게셈이 내게 보내어 이르기를 오라 우리가 오노 평지 한 촌에서 서로 만나자 하니 실상은 나를 해코자 함이라
3 Saka ndakatuma nhume kwavari nemhinduro ndichiti, “Ndine basa guru kwazvo randiri kuita, saka handigoni kuburukira kwamuri ikoko. Basa ringamirireiko ini ndichirisiya ndichimbouya kwamuri?”
내가 곧 저희에게 사자들을 보내어 이르기를 내가 이제 큰 역사를 하니 내려가지 못하겠노라 어찌하여 역사를 떠나 정지하게 하고 너희에게로 내려가겠느냐 하매
4 Vakatuma shoko rimwe chetero kwandiri runa rwose, asi ndakavapindura zvimwe chetezvo nguva dzose.
저희가 네 번이나 이같이 내게 보내되 나는 여전히 대답하였더니
5 Zvino, Sanibharati akatumazve muranda wake kwandiri kechishanu, neshoko rimwe chetero netsamba mumaoko ake yakanga isina kunamwa.
산발랏이 다섯 번째는 그 종자의 손에 봉하지 않은 편지를 들려 내게 보내었는데
6 Yakanga yakanyorwa zvinoti: “Pakati pamarudzi zvinotaurwa kuti, uye Geshemu anotiwo ichokwadi, iwe navaJudha muri kurangana kumukira mambo, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Pamusoro pezvo, iwe wava kuda kuva mambo wavo sokutaurwa kwazvo.
그 글에 이르기를 이방 중에도 소문이 있고 가스무도 말하기를 네가 유다 사람들로 더불어 모반하려 하여 성을 건축한다 하나니 네가 그 말과 같이 왕이 되려 하는도다
7 Uye wakatogadza vaprofita kuti vataure pamusoro pako muJerusarema vachiti: ‘MuJudha mava namambo!’ Zvino nyaya iyi ichasvika kuna mambo, saka uya titaurirane.”
또 네가 선지자를 세워 예루살렘에서 너를 들어 선전하기를 유다에 왕이 있다 하게 하였으니 이 말이 왕에게 들릴지라 그런즉 너는 이제 오라 함께 의논하자 하였기로
8 Ndakatumira mhinduro kwaari ndikati, “Hapana chinhu chakaita sechauri kutaura chiri kuitika; ndiwe uri kungozvifunga mumusoro mako.”
내가 보내어 저에게 이르기를 너의 말한바 이런 일은 없는 일이요 네 마음에서 지어낸 것이라 하였나니
9 Vose vaingoedza kutivhundutsira vachiti mumwoyo yavo, “Maoko avo achaneta nebasa, uye harizoperi.” Asi ndakanyengetera ndikati, “Simbisai maoko angu zvino.”
이는 저희가 다 우리를 두렵게 하고자 하여 말하기를 저희 손이 피곤하여 역사를 정지하고 이루지 못하리라 함이라 이제 내 손을 힘있게 하옵소서 하였노라
10 Rimwe zuva ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, uyo akanga azvipfigira mumba make, iye akati, “Ngatisangane mumba yaMwari mukati metemberi tigopfiga mikova yetemberi, nokuti kuna varume vari kuuya kuzokuuraya, panguva dzousiku vari kuuya kuzokuuraya.”
이 후에 므헤다벨의 손자 들라야의 아들 스마야가 두문불출하기로 내가 그 집에 가니 저가 이르기를 저희가 너를 죽이러 올 터이니 우리가 하나님의 전으로 가서 외소 안에 있고 그 문을 닫자 저희가 필연 밤에 와서 너를 죽이리라 하기로
11 Asi ini ndakati kwaari, “Murume akaita seni angatiza here? Uye munhu akaita seni angatizira mutemberi kuti aponese upenyu hwake here? Handidi kuenda ini!”
내가 이르기를 나 같은 자가 어찌 도망하며 나 같은 몸이면 누가 외소에 들어가서 생명을 보존하겠느냐 나는 들어가지 않겠노라 하고
12 Ndakaona kuti Mwari akanga asina kumutuma asi kuti aiprofita zvakaipa pamusoro pangu nokuti akanga atengwa naTobhia naSanibharati.
깨달은즉 저는 하나님의 보내신 바가 아니라 도비야와 산발랏에게 뇌물을 받고 내게 이런 예언을 함이라
13 Akanga atengwa kuti azondivhundutsira kuitira kuti ndiite chivi nokuita izvi, uye ipapo vagondipa zita rakaipa kuti vandisvibise.
저희가 뇌물을 준 까닭은 나를 두렵게 하고 이렇게 함으로 범죄하게 하고 악한 말을 지어 나를 비방하려 함이었느니라
14 Haiwa Mwari wangu, rangarirai henyu Tobhia naSanibharati, nokuda kwezvavaita; rangariraiwo muprofitakadzi Noadhia uye noruzhinji rwavaprofita avo vanga vachiedza kundivhundutsira.
내 하나님이여 도비야와 산발랏과 여선지 노아댜와 그 남은 선지자들 무릇 나를 두렵게 하고자 한 자의 소위를 기억하옵소서 하였노라
15 Naizvozvo rusvingo rwakapera nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi waEruri, mumazuva makumi mashanu namaviri.
성 역사가 오십이 일만에 엘룰월 이십 오일에 끝나매
16 Vavengi vedu vose vakati vanzwa izvi, marudzi ose akatipoteredza akatya uye vakaora mwoyo, nokuti vakaona kuti basa iri rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu.
우리 모든 대적과 사면 이방 사람들이 이를 듣고 다 두려워하여 스스로 낙담하였으니 이는 이 역사를 우리 하나님이 이루신 것을 앎이니라
17 Uyezve, mumazuva iwayo vakuru veJudha vaitumira matsamba akawanda kuna Tobhia, uye mhinduro dzaibva kuna Tobhia dzairamba dzichiuya kwavari.
그 때에 유다의 귀인들이 여러번 도비야에게 편지하였고 도비야의 편지도 저희에게 이르렀으니
18 Nokuti vazhinji muJudha vakanga vaita mhiko pasi pake, sezvo akanga ari mukuwasha kuna Shekania mwanakomana waAra, uye mwanakomana wake Jehohanani akanga akawana mwanasikana waMeshurami mwanakomana waBherekia.
도비야는 아라의 아들 스가냐의 사위가 되었고 도비야의 아들 여호하난도 베레갸의 아들 므술람의 딸을 취하였으므로 유다에서 저와 동맹한 자가 많음이라
19 Pamusoro paizvozvo, vairamba vachingondiudza mabasa ake akanaka uye ivo vachizomuudzawo zvandinenge ndataura. Uye Tobhia akatumira matsamba okundivhundutsira.
저희들이 도비야의 선행을 내 앞에 말하고 또 나의 말도 저에게 전하매 도비야가 항상 내게 편지하여 나를 두렵게 하고자 하였느니라

< Nehemia 6 >