< Nehemia 5 >

1 Zvino kwakava nokuchema kukuru kwavarume navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha.
Kisha wale wanaume na wake zao wakalia kwa nguvu dhidi ya Wayahudi wenzao.
2 Nokuti vamwe vakati, “Isu navanakomana navanasikana vedu tiri vazhinji; kuti tidye uye kuti tigorarama, tinofanira kuwana zviyo.”
Kwa maana kulikuwa na baadhi ya watu ambao walisema, “Sisi na wana wetu na binti zetu tupo wengi. Basi hebu tupate nafaka tuweze kula na tukae tuishi.”
3 Vamwe vaiti, “Isu takaita minda yedu neminda yedu yemizambiringa uye nemisha yedu kuti zvive rubatso kuti tiwane zviyo panguva yenzara.”
Pia kulikuwa na baadhi ya watu ambao walisema, “Tunaweka rehani mashamba yetu, mizabibu yetu, na nyumba zetu ili tupate nafaka wakati wa njaa.”
4 Vamwezve vakati, “Takatozokwereta mari kuti tiripe mutero wamambo weminda yedu neminda yemizambiringa.
Wengine pia walisema, “Tumekopesha pesa kulipa kodi ya mfalme kwenye mashamba yetu na mashamba yetu ya mizabibu.
5 Kunyange tiri venyama imwe uye tiri veropa rimwe savanhu venyika yedu, uye kunyange vanakomana vedu vakangofanana nevavo, takaguma taisa vanakomana vedu navanasikana vedu kuutapwa. Vamwe vavanasikana vedu vakatotapwa kare, asi isu hatina simba, nokuti minda yedu neminda yemizambiringa yava yavamwe.”
Hata hivyo sasa miili yetu na damu ni sawa na ndugu zetu, na watoto wetu ni sawa na watoto wao. Tunalazimishwa kuuza wana wetu na binti zetu kuwa watumwa. Baadhi ya binti zetu tayari wamekuwa watumwa. Lakini hatuna nguvu za kusaidia kwa sababu watu wengine sasa wana mashamba yetu na mizabibu yetu.”
6 Pandakanzwa kuchema kwavo kukuru nezvairehwa izvi, ndakatsamwa kwazvo.
Nilikasirika sana niliposikia kilio chao na maneno haya.
7 Zvino ndakazvirangarira mupfungwa dzangu ipapo ndikatsiura vakuru navabati ndikati kwavari, “Imi muri kureva mhindu kuvanhu venyika yenyu!” Saka ndakavakoka kumusangano mukuru kuti ndivarayire
Kisha nikafikiri juu ya hili, na kuleta mashtaka dhidi ya wakuu na viongozi. Nikawaambia, “Ninyi mnatafuta riba, kila mmoja kutoka kwa ndugu yake mwenyewe.” Nikakutanisha kusanyiko kubwa juu yao
8 uye ndikati, “Napataigona napo takadzikinura hama dzedu dzechiJudha avo vakanga vatengeswa kune vedzimwe ndudzi. Zvino imi mava kutengesa hama dzenyu, kuti dzigotengeswazve kwatiri here?” Vakanyarara nokuti vakashayiwa chokutaura.
na kuwaambia, “Sisi, kwa kadiri tulivyoweza, tumewakomboa toka utumwani ndugu zetu wa Kiyahudi ambao walikuwa wameuzwa kwa mataifa, lakini hata mnawauza ndugu na dada zenu ili wauzwe tena kwetu!” Walikuwa kimya na hawakupata neno la kusema.
9 Saka ndakaenderera mberi ndikati, “Zvamunoita hazvina kunaka. Ko, hamaifanira kufamba mukutya Mwari wedu here kuti vavengi vedu vechihedheni varege kutishora.
Pia nikasema, 'Mnachokifanya sio kizuri. Je, hampaswi kutembea katika hofu ya Mungu wetu ili kuzuia malalamiko ya mataifa ambayo ni adui zetu?
10 Ini nehama dzangu uye navaranda vangu tiri kukweretesa vanhu mari nezviyo. Asi izvo zvokureva mhindu ngazvigume!
Mimi na ndugu zangu na watumishi wangu tunawapa fedha na nafaka. Lakini lazima tuache kutoza riba juu ya mikopo hii.
11 Vadzorerei minda yavo nokukurumidza, neminda yavo yemizambiringa, neyemiorivhi, nedzimba dzavo uyewo nemhindu yamunoripisa, chikamu chimwe chete muzana chemari, zviyo, newaini itsva uye namafuta.”
Warudishieni leo leo mashamba yao, mizabibu yao, mashamba yao ya mizeituni, na nyumba zao na asilimia ya fedha, nafaka, divai mpya, na mafuta mliyowatoza.”
12 Ivo vakati, “Tichavadzorera. Uye hatichazorevi chimwe chinhuzve kubva kwavari. Tichaita sezvamareva.” Ipapo ndakadana vaprista ndikaita kuti vakuru navabati vaite mhiko kuti vagoita sezvavakanga vavimbisa.
Wakasema, “Tutarudisha kile tulichochukua kutoka kwao, wala hatutahitaji kitu kutoka kwao. Tutafanya kama unavyosema.” Ndipo nikawaita makuhani, na kuwaapisha kuwafanya kama walivyoahidi.
13 Ndakazunzawo mikombero yenguo yangu ndikati, “Mwari ngaazunze saizvozvi kubva muimba yake nemidziyo yake, mumwe nomumwe asingachengeti vimbiso iyi. Naizvozvo, munhu akadai ngaazunzwe asare asina chinhu.” Ipapo ungano yose yakati, “Ameni,” uye vakarumbidza Jehovha. Uye vanhu vakaita sezvavakanga vavimbisa.
Nikakung'uta vazi langu, nikasema, “Basi Mungu aondoe nyumba na mali ya kila mtu asiyetimiza ahadi yake. Kwa hiyo akung'utwe na kuwa hana kitu. Kusanyiko lote likasema “Amina,” na wakamsifu Bwana. Na watu wakafanya kama walivyoahidi.
14 Pamusoro pezvo, kubva pagore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, pandakagadzwa somubati wavo munyika yaJudha, kusvikira pagore rake ramakore makumi matatu namaviri, makore gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvaipiwa kumubati.
Kwa hiyo tangu wakati niliowekwa kuwa mkuu wao katika nchi ya Yuda, tangu mwaka wa ishirini mpaka mwaka wa thelathini na pili wa mfalme Artashasta, miaka kumi na miwili, mimi na ndugu zangu hatukula chakula kilichotolewa kwa gavana.
15 Asi vabati vokutanga, avo vakanditangira, vairemedza vanhu uye vaitora kubva kwavari mashekeri makumi mana esirivha, pamusoro pezvo vachitorazve zvokudya newaini. Kunyange vabatsiri vavo vairemedzawo vanhu. Asi ini handina kuita izvozvo nokuti ndaitya Mwari.
Lakini wakuu wa zamani waliokuwa kabla yangu waliwaweka watu mizigo mizito, na wakachukua kwao shekeli arobaini za fedha kwa ajili ya chakula na divai yao ya kila siku. Hata watumishi wao waliwadhulumu watu. Lakini sikufanya hivyo kwa sababu ya hofu ya Mungu.
16 Panzvimbo yaizvozvo, ndakazvipira kuita basa iri rorusvingo. Varanda vangu vose vakanga vakaungana pabasa ipapo; hatina kutombotora minda ipi zvayo.
Niliendelea kufanya kazi kwenye ukuta, na hatukununua ardhi. Na watumishi wangu wote walikusanyika huko kwa ajili ya kazi hiyo.
17 Pamusoro paizvozvo, vaJudha zana namakumi mashanu navabati, pamwe chete navaHeti vaibva kundudzi dzakatikomberedza, vaidya patafura yangu.
Katika meza yangu walikuwa Wayahudi na maafisa, watu 150, isipokuwa wale waliokuja kwetu kutoka kwa mataifa waliokuwa wakituzunguka.
18 Zuva rimwe nerimwe ndaigadzirirwa nzombe imwe, makwai akaisvonaka matanhatu nehuku, uye pagumi roga ramazuva ndaipiwa waini zhinji dzemhando dzose. Kunyange zvakadaro hazvo, handina kumbokumbira zvokudya zvomubati, nokuti mitoro yakanga yakatakudzwa vanhu ava yairema kwazvo.
Kila kitu kilichoandaliwa kila siku kilikuwa ng'ombe moja, kondoo sita waliochaguliwa, na ndege, na kila siku kumi aina zote za divai nyingi. Na hata kwa haya yote sikuhitaji mahitaji ya chakula cha gavana, kwa sababu madai yalikuwa mazito sana juu ya watu.
19 Haiwa Mwari wangu, ndirangarirei henyu nenyasha, nokuda kwezvose zvandakaitira vanhu ava.
Nikumbuke, Ee Mungu wangu, kwa wema, kwa sababu ya yote niliyoyafanya kwa watu hawa.

< Nehemia 5 >