< Nehemia 4 >

1 Zvino Sanibharati paakanzwa kuti takanga tava kuvakazve rusvingo, akatsamwa uye akava nehasha kwazvo. Akashora vaJudha
And it came to pass that when Sanballat heard that we built the wall, he was angry and very indignant, and mocked the Jews.
2 pamberi pehama dzake nehondo yeSamaria, achiti, “Ko, vaJudha avo vasina simba vari kuiteiko? Ko, vachavakazve rusvingo rwavo here? Vachapa zvibayiro here? Vachapedza nezuva rimwe chete here? Ko, vangadzorera upenyu pamatombo ayo akaunganidzwa, akatsva sezvaakaita izvi here?”
And he spoke before his brethren and the army of Samaria, and said, What do these feeble Jews? shall they be permitted to go on? Will they offer sacrifices? Will they finish in a day? Will they revive the stones out of the heaps of rubbish, when they are burned?
3 Tobhia muAmoni, aiva parutivi pake, akati, “Chavari kuvaka ichi, kana dai gava raikwira pamusoro pacho, raitokoromora rusvingo rwavo rwamatombo!”
And Tobijah the Ammonite was by him, and he said, Even that which they build, if a fox went up, it would break down their stone wall. —
4 Haiwa, Mwari wedu, tinzwei, nokuti tiri kuzvidzwa. Dzorerai kutuka kwavo pamusoro pavo. Ngavave sevakapambwa munyika yenhapwa.
Hear, our God, for we are despised, and turn their reproach upon their own head, and give them for a prey in a land of captivity!
5 Musafukidza kuipa kwavo kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu, nokuti vakakusha mashoko okutuka pamberi pavavaki.
And cover not their iniquity, and let not their sin be blotted out from before thee; for they have provoked the builders.
6 Saka takavakazve rusvingo kudzamara rwose rwasvika pahafu yokukwirira kwarwo, nokuti vanhu vaishanda nemwoyo yavo yose.
But we built the wall; and all the wall was joined together to the half thereof; for the people had a mind to work.
7 Asi Sanibharati, Tobhia, navaArabhu, navaAmoni navarume veAshidhodhi, vakati vanzwa kuti masvingo eJerusarema ari kugadzirwa, uye kuti makakoromoka maivakwa pakare, vakatsamwa kwazvo.
And it came to pass, when Sanballat, and Tobijah, and the Arabians, and the Ammonites, and the Ashdodites heard that the walls of Jerusalem were being repaired, that the breaches began to be stopped, then they were very wroth,
8 Vakarangana vose pamwe chete kuti vazorwa neJerusarema uye kuti varimutsire mhirizhonga.
and conspired all of them together to come to fight against Jerusalem, and to hinder it.
9 Asi takanyengetera kuna Mwari wedu tikaisawo varindi masikati nousiku kuti vapedze dambudziko rokutyisidzira uku.
Then we prayed to our God, and set a watch against them day and night, because of them.
10 Zvichakadaro, vanhu vokwaJudha vakati, “Simba ravabati riri kupera, uye pachine mangwandangwanda akawanda zvokuti hatingakwanisi kuvakazve rusvingo.”
And Judah said, The strength of the bearers of burdens faileth, and there is much rubbish; so that we are not able to build at the wall.
11 Uyezve vavengi vedu vakati, “Vasati vazviziva kana kutiona, tichatenge tavapo pakati pavo uye tichavauraya tigoparadza basa ravo.”
And our adversaries said, They shall not know, neither see, till we come into the midst of them and kill them, and put an end to the work.
12 Ipapo vaJudha vakanga vagere pedyo navo vakauya vakatitaurira rune gumi vachiti, “Kupi nokupi kwamuchaenda, vachauya kuzotirwisa.”
And it came to pass that when the Jews that dwelt by them came and told us so ten times, from all the places whence they returned to us,
13 Naizvozvo ndakaisa vamwe vanhu seri kwenzvimbo dzakaderera dzorusvingo napanzvimbo dzakashama, ndichivaisa nemhuri dzavo, vane minondo yavo, namapfumo uye neuta.
I set in the lower places behind the wall in exposed places, I even set the people, according to their families, with their swords, their spears and their bows.
14 Mushure mokunge ndatarisisa zvinhu izvi, ndakasimuka ndikati kuvakuru, navabati nokuruzhinji rwavanhu, “Musavatya. Rangarirai Jehovha, iye mukuru, anotyisa, uye murwire hama dzenyu, vanakomana venyu, navanasikana venyu, vakadzi venyu nemisha yenyu.”
And I looked, and rose up, and said to the nobles, and to the rulers, and to the rest of the people, Be not afraid of them: remember the Lord who is great and terrible, and fight for your brethren, your sons and your daughters, your wives and your houses.
15 Vavengi vedu pavakanzwa kuti takanga taziva rangano yavo uye kuti Mwari akanga aikonesa, tose takadzokera kurusvingo, mumwe nomumwe pabasa rake.
And it came to pass that when our enemies heard that it was known to us, and that God had defeated their counsel, we returned all of us to the wall, every one to his work.
16 Kubva pazuva iro, zvichienda mberi hafu yavanhu vangu vakashanda basa, asi imwe hafu vakanga vakapakata mapfumo, nhoo, uta nenhumbi dzokurwa nadzo. Vatariri vakamira mumashure mavanhu vose vokwaJudha,
And from that time forth the half of my servants wrought in the work, and the other half of them held the spears, and the shields, and the bows, and the corslets; and the captains were behind all the house of Judah.
17 vaivaka rusvingo. Avo vaitakura zvokuvakisa vakaita basa ravo noruoko rumwe uye rumwe ruoko vakabata chombo chokurwisa,
They that built on the wall, and they that bore burdens, with those that loaded, wrought in the work with one hand, and with the other they held a weapon.
18 uye muvaki mumwe nomumwe akanga akapfeka munondo wake parutivi, uku achishanda. Asi munhu airidza hwamanda aiva neni.
And the builders had every one his sword girded by his side, and built. And he that sounded the trumpet was by me.
19 Ipapo ndakati kuvakuru, navatariri noruzhinji rwavanhu, “Basa iguru iri uye rapararira, uye isu tanyanya kuparadzana mumwe kubva kuno mumwe takatevedza rusvingo.
And I said to the nobles, and to the rulers, and to the rest of the people, The work is great and extended, and we are scattered upon the wall, one far from another:
20 Pose pamuchanzwa kurira kwehwamanda, muuye tibatane ikoko. Mwari wedu achatirwira.”
in what place ye hear the sound of the trumpet, thither shall ye assemble to us; our God will fight for us.
21 Saka takafambira mberi nebasa, hafu yavarume yakabata mapfumo, kubva mambakwedza kusvikira nyeredzi dzichibuda.
And we laboured in the work; and half of them held the spears from the rising of the dawn till the stars appeared.
22 Panguva iyo ndakati kuvanhu, “Murume mumwe nomumwe nomubatsiri wake ngaagare mukati meJerusarema panguva dzousiku, kuitira kuti vatibatsire kushanda savarindi usiku uyezve savashandi masikati.”
Likewise at the same time I said to the people, Let every one with his servant lodge within Jerusalem, that in the night they may be a guard to us, and [be for] labour in the day.
23 Zvino ini nehama dzangu kana vanhu vangu kana varindi vaiva neni hatina kubvisa nguo dzedu; mumwe nomumwe aiva nomunondo wake, kunyange paaienda kundonwa mvura.
And neither I, nor my brethren, nor my servants, nor the men of the guard that followed me, none of us put off our garments: every one had his weapon on his right side.

< Nehemia 4 >