< Nehemia 3 >

1 Zvino Eriashibhi muprista mukuru navamwe vaprista vakaenda kundoshanda uye vakavakazve Suo raMakwai. Vakarikumikidza vakaisa makonhi panzvimbo yawo, vakarivaka kunosvika paShongwe yeZana, iyo yavakakumikidza, kusvikira paShongwe yaHananeri.
तब एल्याशीब महायाजक ने अपने भाई याजकों समेत कमर बाँधकर भेड़फाटक को बनाया। उन्होंने उसकी प्रतिष्ठा की, और उसके पल्लों को भी लगाया; और हम्मेआ नामक गुम्मट तक वरन् हननेल के गुम्मट के पास तक उन्होंने शहरपनाह की प्रतिष्ठा की।
2 Varume veJeriko vakavaka chikamu chaiva pedyo, uye Zakuri mwanakomana waImuri akavaka parutivi pavo.
उससे आगे यरीहो के मनुष्यों ने बनाया, और इनसे आगे इम्री के पुत्र जक्कूर ने बनाया।
3 Suo reHove rakavakwa navanakomana veHasenaya. Vakaisa matanda okuchinjika vakaisa makonhi aro namabhaudhi uye namazariro panzvimbo yawo.
फिर मछली फाटक को हस्सना के बेटों ने बनाया; उन्होंने उसकी कड़ियाँ लगाईं, और उसके पल्ले, ताले और बेंड़े लगाए।
4 Meromoti mwanakomana waUria, mwanakomana waHakozi akagadzira chikamu chaitevera. Aimutevera pakugadzira aiva Meshurami mwanakomana waBherekia, mwanakomana waMeshebhezeri, uye aitevera mushure make, Zadhoki mwanakomana waBhaana, akagadzirawo.
उनसे आगे मरेमोत ने जो हक्कोस का पोता और ऊरिय्याह का पुत्र था, मरम्मत की। और इनसे आगे मशुल्लाम ने जो मशेजबेल का पोता, और बेरेक्याह का पुत्र था, मरम्मत की। इससे आगे बाना के पुत्र सादोक ने मरम्मत की।
5 Chikamu chaitevera chakagadzirwa navarume veTekoa, asi vakuru vavo vakangopeta maoko avo vakasashandira Ishe wavo.
इनसे आगे तकोइयों ने मरम्मत की; परन्तु उनके रईसों ने अपने प्रभु की सेवा का जूआ अपनी गर्दन पर न लिया।
6 Suo raJeshana rakagadzirwa naJoyadha mwanakomana waPasea naMeshurami mwanakomana waBhesodheya. Vakaisa matanda aro okuchinjika ndokuisa makonhi namabhaudhi namazariro panzvimbo yawo.
फिर पुराने फाटक की मरम्मत पासेह के पुत्र योयादा और बसोदयाह के पुत्र मशुल्लाम ने की; उन्होंने उसकी कड़ियाँ लगाईं, और उसके पल्ले, ताले और बेंड़े लगाए।
7 Zvakatevera pakugadzirwa zvakaitwa navarume vaibva kuGibheoni neMizipa, naMeratia weGibheoni uye naJadhoni wokuMeronoti, nzvimbo dzaiva pasi pomubati wemhiri kweYufuratesi.
और उनसे आगे गिबोनी मलत्याह और मेरोनोती यादोन ने और गिबोन और मिस्पा के मनुष्यों ने महानद के पार के अधिपति के सिंहासन की ओर से मरम्मत की।
8 Uzieri mwanakomana waHaraya, mumwe wavapfuri vegoridhe, akagadzira chikamu chaitevera; uye Hanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuhwira, akagadzira chikamu chaitevera ichocho. Vakavandudza Jerusarema kudzamara vasvika parusvingo rwakapamhama.
उनसे आगे हर्हयाह के पुत्र उज्जीएल ने और अन्य सुनारों ने मरम्मत की। इससे आगे हनन्याह ने, जो गन्धियों के समाज का था, मरम्मत की; और उन्होंने चौड़ी शहरपनाह तक यरूशलेम को दृढ़ किया।
9 Refaya mwanakomana waHuri, mutongi wehafu yerimwe dunhu reJerusarema, akagadzira chikamu chaitevera.
उनसे आगे हूर के पुत्र रपायाह ने, जो यरूशलेम के आधे जिले का हाकिम था, मरम्मत की।
10 Pakabatana navo, Jedhaya mwanakomana waHarumafi akagadzira chikamu chakatarisana neimba yake, uye Hatushi mwanakomana waHashabheneya akagadzira chikamu chaitevera.
१०और उनसे आगे हरुमप के पुत्र यदायाह ने अपने ही घर के सामने मरम्मत की; और इससे आगे हशब्नयाह के पुत्र हत्तूश ने मरम्मत की।
11 Marikiya mwanakomana waHarimu naHashubhi mwanakomana waPahati-Moabhu vakagadzira chimwe chikamu uye neShongwe yeMahovhoni.
११हारीम के पुत्र मल्किय्याह और पहत्मोआब के पुत्र हश्शूब ने एक और भाग की, और भट्ठी के गुम्मट की मरम्मत की।
12 Sharumi mwanakomana waHaroheshi, mutongi wehafu yerimwe dunhu reJerusarema, akagadzira chikamu chaitevera achibatsirwa navanasikana vake.
१२इससे आगे यरूशलेम के आधे जिले के हाकिम हल्लोहेश के पुत्र शल्लूम ने अपनी बेटियों समेत मरम्मत की।
13 Suo roMupata rakagadzirwa naHanuni navagari veZanoa. Vakarivaka patsva ndokuisa makonhi aro namabhaudhi nemazariro esimbi panzvimbo yawo. Vakagadzirawo makubhiti chiuru chimwe orusvingo kudzamara vasvika paSuo reNdove.
१३तराई के फाटक की मरम्मत हानून और जानोह के निवासियों ने की; उन्होंने उसको बनाया, और उसके ताले, बेंड़े और पल्ले लगाए, और हजार हाथ की शहरपनाह को भी अर्थात् कूड़ा फाटक तक बनाया।
14 Marikiya mwanakomana waRekabhi, mutongi wedunhu reBheti Hakeremu, akagadzira Suo reNdove. Akarivaka patsva ndokuisa makonhi aro namabhaudhi namazariro panzvimbo yawo.
१४कूड़ा फाटक की मरम्मत रेकाब के पुत्र मल्किय्याह ने की, जो बेथक्केरेम के जिले का हाकिम था; उसी ने उसको बनाया, और उसके ताले, बेंड़े और पल्ले लगाए।
15 Suo reTsime rakagadzirwa naSharuni mwanakomana waKori-Hoze, mutongi wedunhu reMizipa. Akarivaka patsva ndokuisa denga namakonhi aro namabhaudhi uye akaisa nemazariro panzvimbo yawo. Akagadzirazve rusvingo rweDziva reSiroami, paBindu raMambo kusvikira pamatanho anoburukira kuGuta raDhavhidhi.
१५सोता फाटक की मरम्मत कोल्होजे के पुत्र शल्लूम ने की, जो मिस्पा के जिले का हाकिम था; उसी ने उसको बनाया और पाटा, और उसके ताले, बेंड़े और पल्ले लगाए; और उसी ने राजा की बारी के पास के शेलह नामक कुण्ड की शहरपनाह को भी दाऊदपुर से उतरनेवाली सीढ़ी तक बनाया।
16 Akamutevera ndiNehemia mwanakomana waAzubhuki mutongi wehafu yedunhu reBheti Zuri, akagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana nemakuva aDhavhidhi kusvikira padziva nokuImba yeMhare.
१६उसके बाद अजबूक के पुत्र नहेम्याह ने जो बेतसूर के आधे जिले का हाकिम था, दाऊद के कब्रिस्तान के सामने तक और बनाए हुए जलकुण्ड तक, वरन् वीरों के घर तक भी मरम्मत की।
17 VaRevhi vaiva pasi paRehumi mwanakomana waBhani vakamutevera pakugadzira. Parutivi pake, Hashabhia, mutongi wehafu yedunhu reKeira, akaita mabasa okugadzira panzvimbo yedunhu rake.
१७इसके बाद बानी के पुत्र रहूम ने कितने लेवियों समेत मरम्मत की। इससे आगे कीला के आधे जिले के हाकिम हशब्याह ने अपने जिले की ओर से मरम्मत की।
18 Vaimutevera pakugadzira, vanhu venyika yavo vaiva pasi paBhinui mwanakomana waHenadhadhi, mutongi weimwe hafu yeKeira.
१८उसके बाद उनके भाइयों समेत कीला के आधे जिले के हाकिम हेनादाद के पुत्र बव्वै ने मरम्मत की।
19 Aimutevera ndiEzeri mwanakomana waJeshua, mutongi weMizipa, akagadzira chimwe chikamu kubva pamukwidza wakatarisana neimba yezvombo zvehondo kusvikira pakona.
१९उससे आगे एक और भाग की मरम्मत जो शहरपनाह के मोड़ के पास शस्त्रों के घर की चढ़ाई के सामने है, येशुअ के पुत्र एजेर ने की, जो मिस्पा का हाकिम था।
20 Bharuki mwanakomana waZabhai akamutevera, akagadzira chimwe chikamu nomwoyo wose kubva pakona zvichienda pamusuo weimba yaEriashibhi muprista mukuru.
२०फिर एक और भाग की अर्थात् उसी मोड़ से लेकर एल्याशीब महायाजक के घर के द्वार तक की मरम्मत जब्बै के पुत्र बारूक ने तन मन से की।
21 Aimutevera, ndiMeromoti mwanakomana waUria, mwanakomana waHakozi, akagadzira chimwe chikamu, kubva pamusuo weimba yaEriashibhi kusvikira painoguma.
२१इसके बाद एक और भाग की अर्थात् एल्याशीब के घर के द्वार से लेकर उसी घर के सिरे तक की मरम्मत, मरेमोत ने की, जो हक्कोस का पोता और ऊरिय्याह का पुत्र था।
22 Zvakagadzirwa mumashure make zvakaitwa navaprista vaibva mudunhu rakapoteredza.
२२उसके बाद उन याजकों ने मरम्मत की जो तराई के मनुष्य थे।
23 Mumashure mavo, Bhenjamini naHashubhi vakazogadzira mberi kweimba yavo; uye aivatevera, Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akagadzira parutivi peimba yake.
२३उनके बाद बिन्यामीन और हश्शूब ने अपने घर के सामने मरम्मत की; और इनके पीछे अजर्याह ने जो मासेयाह का पुत्र और अनन्याह का पोता था अपने घर के पास मरम्मत की।
24 Aimutevera, Bhinui mwanakomana waHanadhadhi akagadzira chimwe chikamu, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona nokune imwezve kona,
२४तब एक और भाग की, अर्थात् अजर्याह के घर से लेकर शहरपनाह के मोड़ तक वरन् उसके कोने तक की मरम्मत हेनादाद के पुत्र बिन्नूई ने की।
25 uye Parari mwanakomana waUzia akashanda pakatarisana nepakona uye napashongwe inobuda ichibva kumuzinda wokumusoro pedyo noruvazhe rwavarindi. Aimutevera, Pedhaya mwanakomana waParoshi
२५फिर उसी मोड़ के सामने जो ऊँचा गुम्मट राजभवन से बाहर निकला हुआ बन्दीगृह के आँगन के पास है, उसके सामने ऊजै के पुत्र पालाल ने मरम्मत की। इसके बाद परोश के पुत्र पदायाह ने मरम्मत की।
26 navashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi vakagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana neSuo reMvura kwakananga kumabvazuva uye napanobudikira neshongwe.
२६नतीन लोग तो ओपेल में पूरब की ओर जलफाटक के सामने तक और बाहर निकले हुए गुम्मट तक रहते थे।
27 Vaivatevera, varume veTekoa vakagadzira chimwe chikamu, kubva panobuda shongwe huru kusvikira kurusvingo rweOferi.
२७पदायाह के बाद तकोइयों ने एक और भाग की मरम्मत की, जो बाहर निकले हुए बड़े गुम्मट के सामने और ओपेल की शहरपनाह तक है।
28 Vaprista vakagadzira pamusoro peSuo raMabhiza, mumwe nomumwe pamberi peimba yake.
२८फिर घोड़ाफाटक के ऊपर याजकों ने अपने-अपने घर के सामने मरम्मत की।
29 Aivatevera, Zadhoki mwanakomana waImeri akagadzira pakatarisana neimba yake. Aimutevera ndiShemaya mwanakomana waShekania, murindi wokuSuo rokuMabvazuva, ane zvaakagadzira.
२९इनके बाद इम्मेर के पुत्र सादोक ने अपने घर के सामने मरम्मत की; और तब पूर्वी फाटक के रखवाले शकन्याह के पुत्र शमायाह ने मरम्मत की।
30 Vaimutevera, Hanania mwanakomana waSheremia naHanuni, mwanakomana wechitanhatu waZarafu, ndivo vakagadzira chimwe chikamu. Aimutevera, Meshurami mwanakomana waBherekia akagadzira pakatarisana nepaaigara.
३०इसके बाद शेलेम्याह के पुत्र हनन्याह और सालाप के छठवें पुत्र हानून ने एक और भाग की मरम्मत की। तब बेरेक्याह के पुत्र मशुल्लाम ने अपनी कोठरी के सामने मरम्मत की।
31 Mumashure make Marikiya, mumwe wavapfuri vegoridhe, akagadzira kusvikira kuimba yavashandi vetemberi navatengesi, pakatarisana neSuo Rokuongorora, uye kusvikira paimba iri pamusoro pekona;
३१उसके बाद मल्किय्याह ने जो सुनार था नतिनों और व्यापारियों के स्थान तक ठहराए हुए स्थान के फाटक के सामने और कोने के कोठे तक मरम्मत की।
32 uye pakati peimba iri pamusoro pekona neSuo raMakwai, vapfuri vegoridhe navatengesi ndivo vakapagadzira.
३२और कोनेवाले कोठे से लेकर भेड़फाटक तक सुनारों और व्यापारियों ने मरम्मत की।

< Nehemia 3 >