< Nahumi 1 >

1 Chirevo pamusoro peNinevhe. Bhuku rezvakaonekwa naNahumi muErikoshi.
The burden of Nineveh. The book of the vision of Nahum the Elkoshite.
2 Jehovha ane godo uye ndiMwari anotsiva; Jehovha anotsiva uye azere nehasha. Jehovha anotsiva kuvavengi vake uye anochengetera vavengi vake hasha dzake.
A jealous and avenging God is Jehovah: an avenger is Jehovah, and full of fury: Jehovah taketh vengeance on his adversaries, and he reserveth [wrath] for his enemies.
3 Jehovha anononoka kutsamwa uye ane simba guru; Jehovha haangasiye ane mhosva asina kurangwa. Nzira yake iri muchamupupuri nedutu, uye makore ndiwo guruva retsoka dzake.
Jehovah is slow to anger, and great in power, and doth not at all clear [the guilty]: Jehovah, — his way is in the whirlwind and in the storm, and the clouds are the dust of his feet.
4 Anotuka gungwa agoriomesa; anoita kuti nzizi dzose dziome. Bhashani neKarimeri zvasvava uye kutumbuka kweRebhanoni kwapera.
He rebuketh the sea, and maketh it dry, and drieth up all the rivers: Bashan languisheth, and Carmel, and the flower of Lebanon languisheth.
5 Makomo anodengenyeka pamberi pake uye zvikomo zvinonyungudika. Nyika inodedera pamberi pake, nyika uye navose vanogara mairi.
The mountains quake before him, and the hills melt, and the earth is upheaved at his presence, and the world, and all that dwell therein.
6 Ndiani angadzivisa hasha dzake? Ndiani angashingirire pahasha dzake dzinotyisa? Hasha dzake dzadururwa somoto; matombo apwanyika pamberi pake.
Who shall stand before his indignation? and who shall abide in the fierceness of his anger? His fury is poured out like fire, and the rocks are broken asunder by him.
7 Jehovha akanaka, utiziro panguva dzokutambudzika. Anochengeta avo vanovimba naye,
Jehovah is good, a stronghold in the day of trouble; and he knoweth them that trust in him.
8 asi namafashamu ane simba guru, achaparadza Ninevhe; achateverera vavengi vake kusvikira murima.
But with an overrunning flood he will make a full end of the place thereof, and darkness shall pursue his enemies.
9 Zvose zvavakaronga pamusoro paJehovha iye achazviparadza; dambudziko haringauyi kechipiri.
What do ye imagine against Jehovah? He will make a full end: trouble shall not rise up the second time.
10 Vachakorokodzwa pakati peminzwa uye vachadhakwa newaini yavo; vachaparadzwa samashanga akaoma.
Though they be tangled together [as] thorns, and be as drenched from their drink, they shall be devoured as dry stubble, completely.
11 Kubva mauri, iwe Ninevhe, pane mumwe akabuda anoronga zvakaipa pamusoro paJehovha uye anopa zano rakaipa.
Out of thee is gone forth one that imagineth evil against Jehovah, a wicked counsellor.
12 Zvanzi naJehovha: “Kunyange vane vabatsiri uye vakawanda, vachaurayiwa vakasazovapozve. Kunyange ndakakutambudza, iwe Judha, handichazokutambudzazve.
Thus saith Jehovah: Though they be complete in number, and many as they be, even so shall they be cut down, and he shall pass away; and though I have afflicted thee, I will afflict thee no more.
13 Zvino ndichavhuna joko ravo kubva pamutsipa wako uye ndichadambura ngetani dzako.”
And now will I break his yoke from off thee, and will burst thy bonds asunder.
14 Jehovha arayira shoko pamusoro pako, iwe Ninevhe, rokuti, “Hauchazovi nezvizvarwa zvinopiwa zita rako. Ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa, zviri mutemberi yavamwari vako. Ndichachera guva rako, nokuti iwe wakaipa kwazvo.”
And Jehovah hath given commandment concerning thee, that no more of thy name be sown: out of the house of thy god will I cut off the graven image, and the molten image: I will prepare thy grave; for thou art vile.
15 Tarira, pamakomo apo, tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Pemberera mitambo yako, iwe Judha, uye uzadzise mhiko dzako. Vakaipa havachakurwisazve; vachaparadzwa zvachose.
Behold upon the mountains the feet of him that bringeth glad tidings, that publisheth peace! Celebrate thy feasts, Judah, perform thy vows: for the wicked one shall no more pass through thee; he is utterly cut off.

< Nahumi 1 >