< Nahumi 3 >
1 Rine nhamo guta reropa, rizere nenhema, rizere nezvakapambwa, harigari risina varinotambudza!
Ve Byen, der drypper af Blod, hvor der kun tales Løgn, saa fuld af Ran, med Rov uden Ende!
2 Kurira kwetyava, utsvikitsviki hwamavhiri, mutsindo wamabhiza nomubvumo wokutinhira kwengoro!
Hør Smæld og raslende Vogne, jagende Heste,
3 Kumhanya kwavatasvi vamabhiza, kupenya kweminondo namapfumo anovaima! Vazhinji vakaurayiwa, mirwi yevakafa, mitumbi isingaverengeki, vanhu vachigumburwa nezvitunha.
Stridsvognenes vilde Dans og stejlende Heste! Sværdblink og lynende Spyd, faldne i Mængde, Masser af døde, endeløse Dynger af Lig, man snubler over Lig!
4 Zvose izvi nokuda kwokuchiva kuzhinji kwechifeve, chinokwezvera, mukuru wouroyi, akatapa ndudzi noufeve hwake namarudzi avanhu nouroyi hwake.
For Skøgens vidt drevne Utugt, den fagre, udlært i Trolddom, som besnærede Folk ved Utugt, Stammer ved Trolddom,
5 “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Ndichafukura nguo yako ifukidze chiso chako “Ndicharatidza ndudzi kushama kwako namadzimambo kunyadziswa kwako.
kommer jeg over dig, lyder det fra Hærskarers HERRE; dit Slæb slaar jeg op i Ansigtet paa dig, lader Folkeslag se din Blusel, Riger din Skam,
6 Ndichakukandidzira tsvina, ndichakuita akazvidzika uye ndichakuita chiseko.
dænger dig til med Skarn og vanærer dig, ja sætter dig i Gabestok.
7 Vose vachakuona vachakutiza uye vachati, ‘Ninevhe raparara, ndiani acharichema?’ Ndingawana kupi munhu angakunyaradza?”
Enhver, som faar dig at se, skal fly fra dig og sige: »Nineve er ødelagt, hvem vil ynke det, hvor skal jeg hente en til at give det Trøst?«
8 Uri nani kupfuura Tebhesi here, rakavakwa paNairi, rakakomberedzwa nemvura? Rwizi ndirwo rwairidzivirira, mvura iri rusvingo rwaro.
Mon du er bedre end No-Amon, der laa ved Strømme, omgivet af Vand som Bolværk, med Vand til Mur?
9 Etiopia neIjipiti ndizvo zvaiva simba rayo guru; Puti neRibhiya dzaiva pakati pavabatsiri vayo.
Dets Styrke var Ætiopere og Ægyptere uden Tal; Put og Libyer kom det til Hjælp.
10 Kunyange zvakadaro yakatapwa ikaendeswa kuutapwa. Vacheche varo vakaputsanyiwa kumavambo kwemigwagwa yose. Mijenya yakakandwa pamusoro pemachinda avo, uye vakuru vavo vakasungwa nengetani.
Dog førtes det bort, i Fangenskab maatte det vandre, paa alle Gadehjørner knustes ogsaa dets spæde; og om dets ædle kastedes Lod, alle dets Stormænd lagdes i Lænker.
11 Newewo uchadhakwa; uchavanda ugotsvaka utiziro kubva kumuvengi wako.
Ogsaa du skal drikke og synke i Afmagt, ogsaa du skal søge i Ly for Fjenden.
12 Nhare dzako dzose dzafanana nemiti yemionde ine michero yokutanga yaibva; paanozunzwa, maonde anodonhera mumuromo momudyi.
Alle dine Fæstninger er Figener og tidligmoden Frugt; naar de rystes, falder de den spisende i Munden.
13 Tarira mauto ako, vose vakadzi! Masuo enyika yako akazarurirwa kuvavengi vako; moto waparadza mazariro awo.
Se, Folket i dig er som Kvinder, vidaabne for Fjenden er Portene ind til dit Land, Ild fortæred dine Slaaer.
14 Cherai mvura kuitira kukombwa, simbisai nhare dzenyu! Gadzirai ivhu, kanyai dhaka, mugadzire zvidhina zvenyu!
Øs Vand til Brug, naar du omringes, styrk dine Fæstninger, træd Dynd, stamp Ler, tag fat paa Teglstensformen.
15 Moto uchakuparadzai imomo; munondo uchakuurayai, uye uchakuparadzai semhashu. Berekanai semhashu, muberekane sehwiza!
Ild skal fortære dig paa Stedet. Sværd udrydde dig, fortære dig som Springere. Er du end talrig som Springere, talrig som Græshopper,
16 Makawedzera uwandu hwavatengesi venyu kusvikira vapfuura nyeredzi dzedenga kuwanda. Asi sehwiza, vanoparadza nyika vobhururuka vachienda.
er end dine Købmænd flere end Himlens Stjerner — Græshoppen kaster sin Vingeskal og flyver!
17 Varindi venyu vakaita sehwiza, machinda enyu segundamusaira rehwiza dzinomhara pamadziro musi wakunotonhora, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, uye hapana anoziva kuti kupi.
Dine Fogeder er som Græshopper, dine Tipsarer som Græshoppesværme; de lejrer sig i Hegn, naar Dagen er sval; men naar Solen staar op, er de borte, man ved ej hvor.
18 Iwe mambo weAsiria, vafudzi vako vanotsumwaira; machinda ako anorara pasi kuti azorore. Vanhu vako vakapararira pamusoro pamakomo pasina angavaunganidza.
Hvor sov dine Hyrder fast, du Assurs Konge! Dine Helte blunded; dit Folk er spredt paa Bjergene, ingen samler dem.
19 Hapana chingarapa ronda rako; kukuvara kwako kuchakuuraya. Mumwe nomumwe anonzwa nezveguhu rako anorova maoko ake pakuwa kwako, nokuti ndianiko asina kunzwa utsinye hwako husina magumo?
Ulægeligt er dit Brud, dit Saar er til Døden. Alle, som hører om dig, klapper i Haand; thi hvem fik ikke din Ondskab stadig at føle?