< Nahumi 2 >
1 Murwisi anouya kuzokurwisa iwe, Ninevhe; rindai nhare, tarirai kunzira, sungai zviuno zvenyu, unganidzai simba renyu rose!
Mai hari yana matsowa a kanki, Ninebe. Ki tsare mafaka, ki yi gadin hanya ki sha ɗamara ki tattaro dukan ƙarfinki!
2 Jehovha achadzosa kurumbidzwa kwaJakobho sokurumbidzwa kwaIsraeri, kunyange vaparadzi vakavaparadza uye vakaparadza mizambiringa yavo.
Ubangiji zai maido da darajar Yaƙub, kamar ta Isra’ila, ko da yake masu washewa sun washe su suka kuma lalatar da inabinsu.
3 Nhoo dzavarwi vake dzatsvuka; mhare dzokurwa dzapfeka nguo tsvuku. Matare engoro ovaima pazuva rokugadzirirwa kwadzo; mapfumo omupaini anovheyeswa-vheyeswa.
Garkuwoyin sojojinsa ja wur ne; jarumawansa suna sanye da kaya masu ruwan jan garura. Ƙarafan kekunan yaƙi suna walƙiya a ranar da aka shirya su; ana kaɗa māsu da bantsoro.
4 Ngoro dzovirima mumigwagwa, dzinomhanya dzichienda nokudzoka muchivara. Dzinoita samazhenje omoto; dzinomhanya-mhanya semheni.
Kekunan yaƙi sun zabura a tituna, suna kai da kawowa a dandali. Suna walƙiya kamar tocila suna sheƙawa a guje kamar walƙiya.
5 Anodana mauto ake akasarudzwa, asi vanogumburwa panzira yavo. Vanomhanyira kurusvingo rweguta; nhoo yokuzvidzivirira yaiswa panzvimbo payo.
Ninebe ta tattara rundunarta, duk da haka sun yi ta tuntuɓe a kan hanyarsu. Sun ruga zuwa katangan birnin, sun sanya garkuwar kāriya a inda ya kamata.
6 Masuo enzizi azarurwa uye muzinda wamambo wakoromoka.
An buɗe ƙofofin rafuffukan sai wurin ya rurrushe.
7 Shoko ratemwa rokuti guta ritapwe, uye riendeswe kure. Varandakadzi varo vanochema senjiva uye vanorova zvipfuva zvavo.
An umarta cewa birnin za tă tafi bauta, za a kuma yi gaba da su. Bayi’yan mata suna kuka kamar tattabaru suna buga ƙirjinsu.
8 Ninevhe rakafanana nedziva, uye mvura yaro iri kuerera ichipera. Vanochema vachiti, “Mirai! Mirai!” asi hapana anocheuka.
Ninebe tana kama da tafki, wanda ruwanta yana yoyo. Suna kuka suna cewa, “Ku tsaya! Ku tsaya,” amma ba wanda ya waiga.
9 Pambai sirivha! Pambai goridhe! Kuwanda kwazvo hakuperi, ihwo upfumi hunobva pamhando dzose dzepfuma yaro!
A washe azurfa; a washe zinariya; dukiyarsu ba ta da iyaka, arzikinsu kuma ba ya ƙarewa.
10 Rabirwa, rapambwa, ratorerwa zvose! Mwoyo yanyungudika, mabvi odedera, miviri yobvunda, zviso zvose zvachenuruka.
Ta zama wofi, an washe ta, an tuɓe ta! Zukata sun narke, gwiwoyi suna kaɗuwa, jikuna suna rawa, fuskoki duk sun kwantsare!
11 Riripiko bako reshumba, nzvimbo yadzaipira vana vadzo zvokudya, kwaienda shumba nehadzi yayo, uye navana, pasina chokutya.
Ina kogon zakokin nan yake yanzu, inda suka ciyar da’ya’yansu, inda zaki da zakanya sukan shiga, da’ya’yansu, ba mai damunsu
12 Shumba yaiuraya zvaikwanira vana vayo uye yakadzipira hadzi yayo nyama, ichizadza mapako ayo nezvayakauraya uye mapako ayo nenyama.
Zaki ya kashe abin da ya ishe’ya’yansa ya kuma murɗe wuyan dabbobi ya cika wurin zamansa da abin da ya kama ya cika kogwanninsa da abin da ya kashe.
13 “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndichapisa ngoro dzenyu dzive utsi, uye munondo uchaparadza shumba dzenyu duku. Ndichakusiyai musina nyama panyika. Mazwi enhume dzako haangazonzwikazve.”
“Ina gāba da ke,” in ji Ubangiji Maɗaukaki. “Zan ƙone kekunan yaƙinki, takobi kuma zai fafare’ya’yan zakokinki. Ba kuma zan bar miki namun jejin da za ki kashe a duniya ba. Ba kuwa za a ƙara jin muryar’yan saƙonki ba.”