< Nahumi 2 >

1 Murwisi anouya kuzokurwisa iwe, Ninevhe; rindai nhare, tarirai kunzira, sungai zviuno zvenyu, unganidzai simba renyu rose!
Protiv tebe dolazi rušitelj. Postavi stražu na bedeme, gledaj na put, opaši bedra, saberi sve svoje snage.
2 Jehovha achadzosa kurumbidzwa kwaJakobho sokurumbidzwa kwaIsraeri, kunyange vaparadzi vakavaparadza uye vakaparadza mizambiringa yavo.
Da, Jahve će obnoviti vinograd Jakovljev i vinograd Izraelov. Pljačkaši ih opljačkali, mladice im potrli.
3 Nhoo dzavarwi vake dzatsvuka; mhare dzokurwa dzapfeka nguo tsvuku. Matare engoro ovaima pazuva rokugadzirirwa kwadzo; mapfumo omupaini anovheyeswa-vheyeswa.
Štitovi njegovih junaka crvene se, njegovi su ratnici u grimizu; ognjem blista čelik na njihovim bojnim kolima kad krenu u boj; konji im se propinju.
4 Ngoro dzovirima mumigwagwa, dzinomhanya dzichienda nokudzoka muchivara. Dzinoita samazhenje omoto; dzinomhanya-mhanya semheni.
Po ulicama bjesne bojna kola, lete preko trgova; na pogled su baklje goruće; kao munje, samo sijevaju.
5 Anodana mauto ake akasarudzwa, asi vanogumburwa panzira yavo. Vanomhanyira kurusvingo rweguta; nhoo yokuzvidzivirira yaiswa panzvimbo payo.
Pozivaju se borci odabrani, bacaju se u rovove, hrle brzo na bedeme, već je zaklon postavljen.
6 Masuo enzizi azarurwa uye muzinda wamambo wakoromoka.
Vrata koja gledaju na Rijeku otvaraju se, strava je u palači.
7 Shoko ratemwa rokuti guta ritapwe, uye riendeswe kure. Varandakadzi varo vanochema senjiva uye vanorova zvipfuva zvavo.
Podižu, u izgnanstvo odvode Gospodaricu, robinjice njene cvile, tuguju kao golubice, u prsa se udaraju.
8 Ninevhe rakafanana nedziva, uye mvura yaro iri kuerera ichipera. Vanochema vachiti, “Mirai! Mirai!” asi hapana anocheuka.
Niniva je nabujalo jezero, oni bježe pred vodom njezinom. “Zaustavite se, stanite!” Ali se nitko ne okreće.
9 Pambai sirivha! Pambai goridhe! Kuwanda kwazvo hakuperi, ihwo upfumi hunobva pamhando dzose dzepfuma yaro!
“Grabite srebro! Grabite zlato!” Blagu kraja nema, obilje dragocjenosti!
10 Rabirwa, rapambwa, ratorerwa zvose! Mwoyo yanyungudika, mabvi odedera, miviri yobvunda, zviso zvose zvachenuruka.
Pljačkanje, haranje, razaranje! Srce zamire, koljena klecaju, u bedrima drhtavica, svima su lica poblijedjela.
11 Riripiko bako reshumba, nzvimbo yadzaipira vana vadzo zvokudya, kwaienda shumba nehadzi yayo, uye navana, pasina chokutya.
Gdje je skrovište lavovima i log lavićima? Kad je lav izlazio, lavica je ostajala i lavovi mališani; plašio ih nitko nije.
12 Shumba yaiuraya zvaikwanira vana vayo uye yakadzipira hadzi yayo nyama, ichizadza mapako ayo nezvayakauraya uye mapako ayo nenyama.
Lav je grabio za svoje laviće, davio je za svoje lavice; svoje spilje punio je plijenom, svoja skrovišta lovinom.
13 “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndichapisa ngoro dzenyu dzive utsi, uye munondo uchaparadza shumba dzenyu duku. Ndichakusiyai musina nyama panyika. Mazwi enhume dzako haangazonzwikazve.”
“Evo me! Tebi!” - riječ je Jahve nad Vojskama. “Pretvorit ću u dim tvoja bojna kola, mač će poklati tvoje laviće. Istrijebit ću sa zemlje tvoja pljačkanja, i neće se više čuti povik tvojih glasnika.”

< Nahumi 2 >