< Mika 7 >

1 Inhamoi yandinayo! Ndafanana nouya anounganidza michero yezhizha inosara mumunda wemizambiringa pakukohwa; hapana sumbu ramazambiringa rokudya, kana maonde okutanga andinopanga.
Woe is me! For I am as when they have gathered the summer fruits, as the grape gleanings of the vintage. There is no cluster to eat. My soul desires the first ripe fig.
2 Vanhu vano umwari vabviswa panyika; hapana mumwe akarurama asara. Vanhu vose vanovandira kuti vateure ropa; mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure.
The devout man has perished out of the earth, and there is none upright among men. They all lie in wait for blood. They hunt every man his brother with a net.
3 Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa; mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo, mutongi anotambira fufuro, vane simba vanomanikidzira zvido zvavo; vose vanozvironga pamwe chete.
Their hands are upon that which is evil to do it diligently. The ruler asks, and the judge asks for a bribe. And the great man, he utters the evil desire of his soul. Thus they weave it together.
4 Akanaka kupfuura vose akangoita sorukato, vakarurama kupfuura vose vakaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa. Zuva renharirire dzenyu rasvika, zuva rokushanyirwa kwenyu naMwari. Zvino ino ndiyo nguva yokukanganiswa kwavo.
The best of them is as a brier. The most upright is worse than a thorn hedge. The day of thy watchmen, even thy visitation, has come. Now shall be their perplexity.
5 Rega kuvimba nomuvakidzani wako; usavimba neshamwari yako. Kunyange nomukadzi wawakagumbatira, uchenjerere mashoko ako.
Trust ye not in a neighbor. Put ye not confidence in a friend. Keep the doors of thy mouth from her who lies in thy bosom.
6 Nokuti mwanakomana anozvidza baba vake, mwanasikana anomukira mai vake, muroora anomukira vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu vemhuri yake.
For the son dishonors the father. The daughter rises up against her mother, the daughter-in-law against her mother-in-law. A man's enemies are the men of his own house.
7 Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha, ndinomirira Mwari Muponesi wangu; Mwari wangu achandinzwa.
But as for me, I will look to Jehovah. I will wait for the God of my salvation. My God will hear me.
8 Usafara pamusoro pangu, iwe muvengi wangu! Kunyange ndakawira pasi, ndichasimuka. Kunyange ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu.
Rejoice not against me, O my enemy. When I fall, I shall arise. When I sit in darkness, Jehovah will be a light to me.
9 Nokuti ndakamutadzira, ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, kusvikira andireverera mhosva yangu uye asimbisa kodzero yangu. Achandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.
I will bear the indignation of Jehovah, because I have sinned against him, until he pleads my case, and executes judgment for me. He will bring me forth to the light, and I shall behold his righteousness.
10 Ipapo muvengi wangu achazviona uye achafukidzwa, iye akati kwandiri, “Aripiko Jehovha Mwari wako?” Meso angu achaona kuwa kwake; kunyange iye zvino achatsikwa pasi petsoka sematope mumigwagwa.
Then my enemy shall see it, and shame shall cover her who said to me, Where is Jehovah thy God? My eyes shall see my desire upon her. Now she shall be trodden down as the mire of the streets.
11 Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, zuva rokuwedzerwa kwemiganhu yenyu.
A day for building thy walls! In that day the decree shall be far removed.
12 Pazuva iro vanhu vachauya kwauri vachibva kuAsiria namaguta eIjipiti, kunyange kubva kuIjipiti kusvikira kuYufuratesi, uye kubva kugungwa kusvika kune rimwe gungwa, nokubva kugomo kusvika kune rimwe gomo.
In that day they shall come to thee from Assyria and the cities of Egypt, and from Egypt even to the River, and from sea to sea, and mountain to mountain.
13 Nyika ichava dongo nokuda kwavagari vayo, nokuda kwamabasa avo.
Yet the land shall be desolate because of those who dwell therein, for the fruit of their doings.
14 Fudza vanhu vako nomudonzvo wako, boka renhaka yako, rinogara roga musango, mumafuro akanaka. Rega afure muBhashani reGireadhi samazuva ekare.
Feed thy people with thy rod, the flock of thy heritage, which dwell solitarily in the forest in the midst of Carmel. Let them feed in Bashan and Gilead, as in the days of old.
15 “Sapamazuva amakabuda kubva muIjipiti, ndichavaratidza zvishamiso zvangu.”
As in the days of thy coming forth out of the land of Egypt I will show marvelous things to them.
16 Ndudzi dzichazviona uye dzichanyadziswa, dzisisina simba radzo rose. Vachabata miromo yavo uye nzeve dzavo dzichadzivira.
The nations shall see and be ashamed of all their might. They shall lay their hand upon their mouth. Their ears shall be deaf.
17 Vachananzva guruva senyoka, sezvipuka zvinokambaira pasi. Vachabuda vachidedera kubva munzvimbo dzavo dzokuvanda; vachadzoka vachitya kuna Jehovha Mwari wedu, uye vachakutyai.
They shall lick the dust like a serpent. Like crawling things of the earth they shall come trembling out of their close places. They shall come with fear to Jehovah our God, and shall be afraid because of thee.
18 Ndiani Mwari akaita semi, anoregerera chivi uye anokanganwira kudarika kwavakasara venhaka yake? Hamugari makatsamwa nokusingaperi, asi munofarira kunzwira ngoni.
Who is a God like to thee, who pardons iniquity, and passes over the transgression of the remnant of his heritage? He does not retain his anger forever, because he delights in loving kindness.
19 Muchava nenyasha kwatiri zvakare; muchatsikira zvivi zvedu pasi petsoka uye muchakanda kuipa kwedu kwose pakadzikadzika mugungwa.
He will again have compassion upon us. He will tread our iniquities under foot, and thou will cast all their sins into the depths of the sea.
20 Muchava makatendeka kuna Jakobho, mucharatidza nyasha kuna Abhurahama, sezvamakapika mhiko kumadzibaba edu mumazuva akare.
Thou will perform the truth to Jacob, and the loving kindness to Abraham, which thou have sworn to our fathers from the days of old.

< Mika 7 >