< Mika 6 >
1 Teererai zvinotaurwa naJehovha: “Simukai, taurai nyaya yenyu pamberi pamakomo; zvikomo ngazvinzwe zvamunoda kutaura.
Hear ye what Jehovah saith! Arise, contend thou before the mountains, And let the hills hear thy voice!
2 Chinzwai imi makomo, kupomera kwaJehovha; teererai, imi hwaro hwenyika hunogara nokusingaperi. Nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa vanhu vake; anopa Israeri mhosva.
Hear, O ye mountains, the controversy of Jehovah! Hear, ye strong foundations of the earth! For Jehovah hath a controversy with his people; He contendeth with Israel.
3 “Vanhu vangu, chiiko chandakakuitirai? Ndakakuremedzai neiko? Ndipindurei.
“O my people, what have I done to thee, And wherein have I offended thee? Testify against me!
4 Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda. Ndakatuma Mozisi kuti azokutungamirirai, naAroniwo naMiriamu.
I brought thee up from the land of Egypt, And from the house of bondage I redeemed thee; I sent Moses, Aaron, and Miriam, to go before thee.
5 Vanhu vangu, rangarirai zvakaranganwa naBharaki mambo weMoabhu nezvakapindurwa naBharamu mwanakomana waBheori. Rangarirai rwendo rwenyu kubva kuShitimu kusvika kuGirigari, kuti mugoziva mabasa akarurama aJehovha.”
O my people, remember what Balak the king of Moab devised. And what Balaam, the son of Beor, answered him, What happened from Shittim to Gilgal, That ye may know the mercies of Jehovah.”
6 Ndichauya neiko pamberi paJehovha. Uye ndigokotama sei pamberi paMwari anokudzwa? Ndingauye pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa nemhuru dzine gore rimwe here?
Wherewith shall I come before Jehovah, And bow myself before the most high God? Shall I come before him with burnt-offerings, With calves of a year old?
7 Ko, Jehovha angafadzwa nezviuru zvamakondobwe, uye nezviuru gumi zvenzizi dzamafuta here? Ndingapa dangwe rangu nokuda kwokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pokutadza kwomweya wangu here?
Will Jehovah be pleased with thousands of rams, Or with ten thousands of rivers of oil? Shall I give my first-born for the sin of my soul, The fruit of my body for my transgression?
8 Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.
He hath showed thee, O man, what is good; What doth Jehovah require of thee, But to do justly, and to love mercy, And to walk humbly before thy God?
9 Teererai! Jehovha anodanidzira kuguta, uye kutya zita renyu ndihwo uchenjeri: “Chenjererai shamhu naIye akaituma.
The voice of Jehovah crieth to the city, And the man of wisdom will discern thee; Hear ye the rod, and who hath threatened it!
10 Ndichazokanganwa here, iwe imba yakaipa, upfumi hwako hwakawanikwa nenzira dzakaipa, nechiero cheefa chakatapudzwa, chakatukwa?
Are there not yet in the houses of the unrighteous the treasures of iniquity, And the scanty measure, which is abominable?
11 Ndingaregerera munhu ane chiero chinonyengera nesaga rezviero zvenhema here?
Shall I count her pure with the wicked balances, And with the bag of deceitful weights?
12 Vapfumi vake vanoita nechisimba; vanhu vake varevi venhema, uye miromo yavo inotaura nokunyengera.
For her rich men are full of violence, And her inhabitants speak lies, And their tongue is deceitful in their mouth.
13 Naizvozvo, ndatotanga kukuparadzai, kukuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.
Therefore will I sorely smite thee, And make thee desolate on account of thy sins.
14 Muchadya asi hamungaguti: dumbu renyu richaramba risina chinhu. Muchaisa mudura asi mugoshaya zvamachengeta, nokuti zvamunounganidza ndichazviparadza nomunondo.
Thou shalt eat and not be satisfied, And hunger shall be within thee. Thou shalt remove, but shalt not save, And what thou savest will I give up to the sword.
15 Muchadyara asi hamungakohwi; muchasvina maorivhi asi hamungazori mafuta acho, muchasvina mazambiringa asi hamunganwi waini yacho.
Thou shalt sow, but shalt not reap; Thou shalt tread the olives, but shalt not anoint thee with oil, And the grapes, but shalt not drink the wine.
16 Makachengeta zvirevo zvaOmuri uye namabasa ose eimba yaAhabhu, uye makatevera tsika dzavo. Naizvozvo ndichakuisai mukuparadzwa, nevanhu venyu mukusekwa; muchatakura kushorwa kwendudzi.”
For ye keep the statutes of Omri, And all the works of the house of Ahab, And walk in their devices; Therefore will I make thee a desolation, And thine inhabitants a derision; And ye shall bear the reproach of my people.