< Mika 5 >
1 Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto, nokuti takombwa nomuvengi. Vacharova mutongi waIsraeri netsvimbo padama.
被圍困的女子,現在妳要抓傷身,他們己圍困住我們,用棍杖搫打以色列民長的面頰。
2 “Asi iwe, Bheterehema Efurata, kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mutongi pamusoro peIsraeri, mavambo ake ndeakare kare, kubva pamazuva akare kare.”
厄弗辣大白冷! 你在猶大群邑中雖是最小的,但是將由你從我生出一位統治以色列的人,他的來歷源自亙古,遠自永遠的時代。
3 Naizvozvo Israeri achasiyiwa kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara uye hama dzake dzose dzadzoka kuzobatana navaIsraeri.
因此,上主必將遺棄他們,直到孕婦生產之時,那時他 弟兄中的遺民必將歸來,與以色列子民團聚。
4 Achamira agofudza boka rake musimba raJehovha, muukuru hwezita raJehovha Mwari wake. Uye vachagara norugare, nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.
他必卓然屹立,以上主的能力及上主他們的天主之名的權威,牧放自己的羊群。他們將獲得安居,因為他必大有權勢,直達地極。
5 Uye iye achava rugare rwavo. MuAsiria paacharwisa nyika yedu agofamba achipfuura nomunhare dzedu, tichamumutsira vafudzi vanomwe kuti vamurwise kunyange vatungamiri vasere vavanhu.
他本人將是和平! 當亞述人侵入我們地域,蹂躪我們領土時,必有七個牧者,八個人民首領奮起對抗。
6 Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo, nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa. Achatirwira kubva kumuAsiria paachapinda munyika yedu nokupinda pamiganhu yedu.
他們必用刀統治亞述,用劍管轄默洛得地。當亞述侵入我們地域,蹂躪我們的境域時,他必救援我們。
7 Vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi akawanda, sedova rinobva kuna Jehovha, sokunaya kwemvura pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugaririra vanhu.
那時,雅各伯的遺民,在許多民族中,必如由上主而來的朝露,必如落在青草上的甘霖,不再期待於人,也不寄望於人子。
8 Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi, pakati poruzhinji rwamarudzi, seshumba pakati pezvikara zvesango, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inotsika uye inobvambura ichienda, pasina anogona kununura.
那時,雅各伯的遺民,在異民中,在許多民族中,必如獅子在森林百獸中,必如幼童在羊群中,所經之處,必加以蹂躪摧殘,無人能夠搶救。
9 Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa.
你的手臂將高舉在你敵人之上,你的一切仇敵必要滅絕。
10 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu uye ndichapwanya ngoro dzenyu.
到那一日──上主的斷語──我必由你中間毀滅你的戰馬,破壞你的車輛,
11 Ndichaparadza maguta enyika yenyu uye ndichaputsa nhare dzenyu dzose.
毀壞你境內的城市,傾覆你的一切堡壘,
12 Ndichaparadza uroyi hwako uye hauchazovizve navavuki.
滅絕你手中的巫術,使你不再有人占卜;
13 Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamuchazokotamiri kubasa ramaoko enyu.
我必由你們中間消滅你的彫像和石柱,使你不再膜拜你手製的作品;
14 Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera uye ndichaparadza maguta enyu.
我必由你們中間根除你的神柱,毀壞你的神像;
15 Ndichatsiva nokutsamwa nehasha kundudzi dzisina kunditeerera.”
對那不順服的異民,我必在憤怒激憤之下施以報復。