< Mika 3 >
1 Ipapo ndakati, “Teererai imi vatungamiri vaJakobho, imi vatongi veimba yaIsraeri. Hamufaniri kuziva kururamisira here,
我說:雅各的首領, 以色列家的官長啊,你們要聽! 你們不當知道公平嗎?
2 imi munovenga zvakanaka muchida zvakaipa; munofunura ganda pamapfupa;
你們惡善好惡, 從人身上剝皮, 從人骨頭上剔肉,
3 munodya nyama yavanhu vangu, munobvisa ganda ravo, muchivhuna mapfupa avo kuita zvidimbu; munovatema-tema senyama yokuisa mupani, senyama yomuhari?”
吃我民的肉, 剝他們的皮, 打折他們的骨頭, 分成塊子像要下鍋, 又像釜中的肉。
4 Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavadaviri. Panguva iyoyo achavanza chiso chake kwavari nokuda kwezvakaipa zvavakaita.
到了遭災的時候, 這些人必哀求耶和華, 他卻不應允他們。 那時他必照他們所行的惡事向他們掩面。
5 Zvanzi naJehovha: “Kana vari vaprofita vanotsausa vanhu vangu, kana mumwe akavapa zvokudya, vanodanidzira kuti ‘Rugare’; kana akasavapa, vanogadzirira kumurwisa.
論到使我民走差路的先知- 他們牙齒有所嚼的, 他們就呼喊說:平安了! 凡不供給他們吃的, 他們就預備攻擊他- 耶和華如此說:
6 Naizvozvo usiku huchauya pamusoro pako, pasina zviratidzo, nerima, pasina kuvuka. Zuva richavirira vaprofita, uye masikati achavasvibira.
你們必遭遇黑夜,以致不見異象; 又必遭遇幽暗,以致不能占卜。 日頭必向你們沉落, 白晝變為黑暗。
7 Vaoni vachanyadziswa uye vavuki vachanyadziswa. Vachafukidza zviso zvavo nokuti hakuna mhinduro inobva kuna Jehovha.”
先見必抱愧, 占卜的必蒙羞, 都必摀着嘴唇, 因為上帝不應允他們。
8 Asi kana ndirini, ndizere nesimba, noMweya waJehovha, uye nokururamisira nesimba, kuti ndizivise Jakobho kudarika kwake naIsraeri chivi chake.
至於我,我藉耶和華的靈, 滿有力量、公平、才能, 可以向雅各說明他的過犯, 向以色列指出他的罪惡。
9 Inzwai izvi, imi vatungamiri veimba yaJakobho, imi vatongi veimba yaIsraeri, munozvidza kururamisira uye munominamisa zvose zvakanaka;
雅各家的首領、以色列家的官長啊, 當聽我的話! 你們厭惡公平, 在一切事上屈枉正直;
10 munovaka Zioni nokudeura ropa, uye Jerusarema nouipi.
以人血建立錫安, 以罪孽建造耶路撒冷。
11 Vatungamiri varo vanotongera fufuro, vaprista varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, uye vaprofita varo vanoprofita kuti vapiwe mubayiro. Asi vanozendama pana Jehovha voti, “Ko, Jehovha haasi pakati pedu here? Hapana njodzi ingatiwira.”
首領為賄賂行審判; 祭司為雇價施訓誨; 先知為銀錢行占卜。 他們卻倚賴耶和華,說: 耶和華不是在我們中間嗎? 災禍必不臨到我們。
12 Naizvozvo nokuda kwenyu, Zioni richarimwa somunda, Jerusarema richava murwi wamabwe, pachikomo pamire temberi, pachava dondo.
所以因你們的緣故, 錫安必被耕種像一塊田, 耶路撒冷必變為亂堆; 這殿的山必像叢林的高處。