< Mika 2 >
1 Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa, avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo! Pakuedza kwamangwanani vanozviita nokuti zviri musimba ravo kuzviita.
Maye kwabaceba ububi, benze okubi emibhedeni yabo! Ekukhanyeni kokusa bayakwenza, ngoba kusemandleni esandla sabo.
2 Vanochiva minda vagoipamba, nedzimba, uye vagodzitora. Vanobira munhu imba yake, nomuvakidzani nhaka yake.
Njalo bahawukela amasimu, bawaphange; lezindlu, bazithathe; ngokunjalo bayacindezela indoda lendlu yayo, yebo, umuntu lelifa lakhe.
3 Naizvozvo Jehovha anoti, “Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava, zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri. Hamuchazofambizve muchizvikudza, nokuti ichava nguva yedambudziko.
Ngakho itsho njalo iNkosi: Khangela, ngiyacabanga okubi ngimelene lalolusendo, elingayikukhupha intamo zenu kukho, futhi kaliyikuhamba ngokuzikhukhumeza, ngoba kuyisikhathi esibi.
4 Pazuva iro vanhu vachakutukai; vachakudenhai norwiyo urwu rwokuchema: ‘Taitwa dongo chose; pfuma yavanhu vangu yagovaniswa. Anonditorera! Anopa minda yedu kuna vanotimukira?’”
Ngalolosuku kuzaphakanyiswa umzekeliso ngani, bakhale isililo esilosizi, bathi: Sichithiwe ngokupheleleyo; uguqulile isabelo sabantu bami; usisuse kangakanani kimi! Ehlehlela emuva, uwabile amasimu ethu.
5 Naizvozvo muchashayiwa munhu kana mumwe, muungano yaJehovha, kuti agove nyika nemijenya.
Ngakho kawuyikuba lophosela intambo ngenkatho ebandleni leNkosi.
6 Vaprofita vavo vanoti, “Musaprofita, musaprofita pamusoro pezvinhu izvi; kunyadziswa hakungatibati.”
Lingaprofethi, bayaprofetha; uba bengayikuprofetha lezizinto, amahlazo kawayikusuka.
7 Zvingataurwe here, nhai imi imba yaJakobho, kuti: “Ko, mweya waJehovha watsamwa here? Iye anoita zvinhu zvakadaro here?” “Ko, mashoko angu haaiti zvakanaka here kuno uyo ane nzira dzake dzakarurama?
Wena obizwa ngokuthi uyindlu kaJakobe, umoya weNkosi ufinyeziwe yini? Lezi yizenzo zayo yini? Amazwi ami kawenzi okuhle yini kohamba ngobuqotho?
8 Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi. Munobvisa majasi anokosha pane avo vanopfuura musina kana hanya, savarume vodzoka kubva kuhondo.
Kodwa mandulo abantu bami basukume baba yisitha; maqondana lesigqoko lihlubula isembatho kulabo abedlulayo bevikelekile befulathele ukulwa.
9 Munodzinga madzimai avanhu vangu kubva mudzimba dzavo dzakanaka. Munotora ropafadzo yangu kubva kuvana vavo nokusingaperi.
Abesifazana babantu bami libaxotshile, ngulowo lalowo endlini yentokozo yakhe; lisuse ebantwaneni bakhe udumo lwami kuze kube phakade.
10 Simukai, ibvai pano! Nokuti ino haisi nzvimbo yenyu yokuzororera, nokuti yakasvibiswa, yakaparadzwa zvisingagadziriki.
Sukumani, lihambe, ngoba le kayisiyo indawo yokuphumula; ngenxa yokuthi ingcolile, izalichitha, ngitsho ngencithakalo ebuhlungu.
11 Kana munyepi nomunyengeri akauya oti, ‘Ndichakuprofitirai waini zhinji nedoro,’ iyeyu achava muprofita wavanhu ava!
Uba umuntu ohamba ngomoya lenkohliso eqamba amanga esithi: Ngizaprofetha kuwe ngewayini langokunathwayo okulamandla; yena uzakuba ngumprofethi walababantu.
12 “Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri. Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu, seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu.
Isibili ngizakubuthanisa, Jakobe, wena wonke; isibili ngizaqoqa insali yakoIsrayeli; ngizababeka ndawonye njengezimvu zeBhozira, njengomhlambi phakathi kwedlelo lawo; bazabanga umsindo ngenxa yobunengi babantu.
13 Uyo achaparura nzira achaenda pamberi pavo; vachapwanya napasuo vagobuda panze. Mambo wavo achapfuura ari pamberi pavo, Iye Jehovha achivatungamirira.”
Umfohli ukhuphukile phambi kwabo; bafohlile, bedlula esangweni, baphuma ngalo. Njalo inkosi yabo izadlula phambi kwabo, leNkosi esihlokweni sabo.