< Mika 2 >
1 Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa, avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo! Pakuedza kwamangwanani vanozviita nokuti zviri musimba ravo kuzviita.
その牀にありて不義を圖り惡事を工夫る者等には禍あるべし 彼らはその手に力あるが故に天亮におよべばこれを行ふ
2 Vanochiva minda vagoipamba, nedzimba, uye vagodzitora. Vanobira munhu imba yake, nomuvakidzani nhaka yake.
彼らは田圃を貧りてこれを奪ひ家を貧りて是を取りまた人を虐げてその家を掠め人を虐げてその產業をかすむ
3 Naizvozvo Jehovha anoti, “Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava, zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri. Hamuchazofambizve muchizvikudza, nokuti ichava nguva yedambudziko.
是故にヱホバかく言たまふ 視よ我此族にむかひて災禍を降さんと謀る 汝らはその頸を是より脱すること能はじ また首をあげて歩くこと能はざるべし 其時は災禍の時なればなり
4 Pazuva iro vanhu vachakutukai; vachakudenhai norwiyo urwu rwokuchema: ‘Taitwa dongo chose; pfuma yavanhu vangu yagovaniswa. Anonditorera! Anopa minda yedu kuna vanotimukira?’”
その日には人汝らにつきて詩を作り悲哀の歌をもて悲哀て言ん 事旣にいたれり 我等は悉く滅さる 彼わが民の產業を人に與ふ 如何なれば我よりこれを離すや 我儕の田圃を違逆者に分ち與ふ
5 Naizvozvo muchashayiwa munhu kana mumwe, muungano yaJehovha, kuti agove nyika nemijenya.
然ば汝らヱホバの會衆の中には籤によりて繩をうつ者一人も有じ
6 Vaprofita vavo vanoti, “Musaprofita, musaprofita pamusoro pezvinhu izvi; kunyadziswa hakungatibati.”
預言する勿れ 彼らは預言す 彼らは是等の者等にむかひて預言せじ 恥辱彼らを離れざるべし
7 Zvingataurwe here, nhai imi imba yaJakobho, kuti: “Ko, mweya waJehovha watsamwa here? Iye anoita zvinhu zvakadaro here?” “Ko, mashoko angu haaiti zvakanaka here kuno uyo ane nzira dzake dzakarurama?
汝ヤコブの家と稱へらるる者よ ヱホバの氣短からんや ヱホバの行爲是のごとくならんや 我言は品行正直者の益とならざらんや
8 Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi. Munobvisa majasi anokosha pane avo vanopfuura musina kana hanya, savarume vodzoka kubva kuhondo.
然るに我民は近頃起りて敵となれり 汝らは夫の戰爭を避て心配なく過るところの者等に就てその衣服の外衣を奪ひ
9 Munodzinga madzimai avanhu vangu kubva mudzimba dzavo dzakanaka. Munotora ropafadzo yangu kubva kuvana vavo nokusingaperi.
我民の婦女をその悦ぶところの家より逐いだしその子等より我の妝飾を永く奪ふ
10 Simukai, ibvai pano! Nokuti ino haisi nzvimbo yenyu yokuzororera, nokuti yakasvibiswa, yakaparadzwa zvisingagadziriki.
起て去れ 是は汝らの安息の地にあらず 是は已に汚れたれば必ず汝らを滅さん 其滅亡は劇かるべし
11 Kana munyepi nomunyengeri akauya oti, ‘Ndichakuprofitirai waini zhinji nedoro,’ iyeyu achava muprofita wavanhu ava!
人もし風に歩み謊言を宣べ我葡萄酒と濃酒の事につきて汝に預言せんと言ことあらばその人はこの民の預言者とならん
12 “Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri. Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu, seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu.
ヤコブよ我かならず汝をことごとく集へ 必ずイスラエルの遺餘者を聚めん 而して我之を同一に置てボヅラの羊のごとく成しめん 彼らは人數衆きによりて牧塲の中なる群のごとくにその聲をたてん
13 Uyo achaparura nzira achaenda pamberi pavo; vachapwanya napasuo vagobuda panze. Mambo wavo achapfuura ari pamberi pavo, Iye Jehovha achivatungamirira.”
打破者かれらに先だちて登彼ら遂に門を打敗り之を通りて出ゆかん 彼らの王その前にたちて進みヱホバその首に立たまふべし