< Mateo 1 >
1 Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama:
येशु ख्रिस्त जो दावीद राजाना पोऱ्या, जो अब्राहामना पोऱ्या ह्याना वंशावळीनं पुस्तक.
2 Abhurahama aiva baba vaIsaka, Isaka baba vaJakobho, Jakobho baba vaJudha namadzikoma ake, navanunʼuna vake,
अब्राहामले इसहाक नावना पोऱ्या व्हयना; इसहाकले याकोब; याकोबले यहुदा; अनं त्याना भाऊ व्हयनात;
3 Judha baba vaPerezi naZera, mai vavo vaiva Tamari, Perezi baba vaHezironi, Hezironi baba vaRamu,
यहुदाले तामारेपाईन पेरेस अनं जेरह व्हयनात; पेरेसले हेस्रोन व्हयना; हेस्रोनले अराम व्हयना;
4 Ramu baba vaAminadhabhu, Aminadhabhu baba vaNashoni, Nashoni baba vaSarimoni,
अरामले अम्मीनादाब; अम्मीनादाबले नहशोन; नहशोनले सल्मोन;
5 Sarimoni baba vaBhoazi, mai vake vari Rahabhi, Bhoazi baba vaObhedhi, mai vake vari Rute, Obhedhi baba vaJese,
सल्मोनले रहाबेपाईन बवाज; बवाजाले रूथपाईन ओबेद; ओबेदाले इशाय;
6 naJese baba vamambo Dhavhidhi. Dhavhidhi aiva baba vaSoromoni, mai vake ndivo vaimbova mukadzi waUria,
अनं इशायले; दावीद राजा व्हयना; जी पहिले उरीयानी बायको व्हती; तिनापाईन दावीदले शलमोन व्हयना;
7 Soromoni baba vaRehobhoamu, Rehobhoamu baba vaAbhija, Abhija baba vaAsa,
शलमोनले रहाबाम; रहबामले अबीया; अबीयाले आसा;
8 Asa baba vaJehoshafati, Jehoshafati baba vaJoramu, Joramu baba vaUzia,
आसाले यहोशाफाट; यहोशाफाटले योराम; योरामले उज्जीया;
9 Uzia baba vaJotamu, Jotamu baba vaAhazi, Ahazi baba vaHezekia.
उज्जीयाले योथाम; योथामले आहाज; आहाजले हिज्कीया;
10 Hezekia baba vaManase, Manase baba vaAmoni, Amoni baba vaJosia,
हिज्कीयाले मन्नशे; मन्नशेला आमोन; आमोनले योशीया;
11 naJosia baba vaJekonia navanunʼuna vake panguva yavaiva kuutapwa muBhabhironi.
अनी बाबेलले देशांतर व्हयनं तवय योशीयाले यखन्या अनं त्याना भाऊ व्हयनात.
12 Vabva kuutapwa kuBhabhironi: Jekonia aiva baba vaShearitieri, Shearitieri baba vaZerubhabheri,
बाबेलले देशांतर व्हयनं तवय यखन्याले शल्तीएल व्हयना; शल्तीएलले जरूब्बाबेल;
13 Zerubhabheri baba vaAbhiudhi, Abhiudhi baba vaEriakimu, Eriakimu baba vaAzori.
जरूब्बाबेलले अबीहूद; अबीहूदले एल्याकीम; एल्याकीमले अज्जुर;
14 Azori baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaAkimu, Akimu baba vaEriudhi,
अज्जुरले सादोक; सादोकले याखीम; याखीमले एलीहुद;
15 Eriudhi baba vaEreazari, Ereazari baba vaMatani, Matani baba vaJakobho.
एलीहुदले एलाजार; एलाजारले मत्तान; मत्तानले याकोब;
16 Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu.
अनी याकोबले योसेफ व्हयना. जो मरीयाना नवरा व्हता, अनी मरीयाले येशु व्हयना ज्याले ख्रिस्त म्हणतस.
17 Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu.
याप्रमाणे अब्राहामपाईन दावीदपावत सर्व मिळीसन चौदा पिढ्या; दावीदपाईन बाबेलले देशांतर करं तोपावत चौदा पिढ्या; अनी बाबेलले देशांतर व्हवनं तवयपाईन ख्रिस्तपावत चौदा पिढ्या.
18 Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene.
येशुना जन्म असा व्हयना की, त्यानी माय मरीया हिनी योसेफसंगे मांगनी व्हयेल व्हती, त्यासनं लगीन व्हवाना पहिले पवित्र आत्माकडतीन तिले दिवस राही गयात. अस दखायी वनं
19 Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji.
तिना नवरा योसेफ हाऊ एक धार्मीक माणुस व्हता अनं तिनी बदनामी व्हवाले नको म्हणीसन तिले चुपचाप सोडी देवानी त्यानी ईच्छा व्हती.
20 Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, “Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene.
जवय तो हाऊ ईचार करीच राहींता ईतलामा एक प्रभुना स्वर्गदूतनी त्याले सपनमा दर्शन दिसन सांगं, हे, “योसेफ दावीदना पोऱ्या, तु मरीयाले बायको बनाडाले घाबरू नको, कारण तिना पोटमा जो गर्भ शे, तो पवित्र आत्माकडतीन शे.
21 Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.”
ती पोऱ्याले जन्म दि त्यानं नाव तु येशु ठेव, कारण तोच आपला लोकसले पापपाईन वाचाडी.”
22 Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza nomuprofita wake zvokuti:
हाई सर्व यानाकरता व्हयनं, की, प्रभुनी संदेष्टासनाद्वारा जे सांगेल व्हतं ते पुर्ण व्हवाले पाहिजे ते अस.
23 “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’”
दखा, “कुमारी गर्भवती व्हई अनं तिले पोऱ्या व्हई, अनी त्याले इम्मानुएल हाई नाव देतीन.” ह्या नावना अर्थ “आमनासंगे देव असा शे.”
24 Josefa paakapepuka, akaita sezvaakanga arayirwa nomutumwa waIshe, uye akatora Maria somukadzi wake,
तवय झोपमाईन ऊठानंतर प्रभुना दूतनी जशी आज्ञा करी, तसं योसेफनी करं त्यानी आपली बायकोना स्विकार करा.
25 asi haana kusangana naye kusvikira azvara mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.
जोपावत तिनी पोऱ्याले जन्म दिधा नही, तोपावत मरीयाना जोडे तो निजना नही, जवय पोऱ्या व्हयना तवय त्यानी त्यानं नाव येशु ठेवं.