< Mateo 9 >

1 Jesu akapinda mugwa akayambuka ndokusvika kuguta rokwake.
And he entered into a boat, and passed over, and came into his own city.
2 Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, “Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa.”
And, behold, they brought to him a man sick with the palsy, lying on a bed: and Jesus seeing their faith said to the sick with the palsy; Son, be of good cheer; thy sins are forgiven thee.
3 Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!”
And, behold, certain of the scribes said within themselves, This man blasphemeth.
4 Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, “Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu?
And Jesus knowing their thoughts said, Why think ye evil in your hearts?
5 Ndezvipi zvakareruka, kuti, ‘Zvivi zvako waregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’?
For which is easier, to say, Thy sins are forgiven thee; or to say, Arise, and walk?
6 Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.”
But that ye may know that the Son of man hath power on earth to forgive sins, ( then saith he to the sick with the palsy, ) Arise, take up thy bed, and go to thy house.
7 Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake.
And he arose, and departed to his house.
8 Vanhu vazhinji pavakazviona, vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari uyo akanga apa simba rakadai kuvanhu.
But when the multitudes saw it, they marvelled, and glorified God, who had given such power to men.
9 Jesu akati achipfuurira mberi achibva ikoko, akaona mumwe murume ainzi Mateo agere pahofisi yomuteresi. Akati kwaari, “Nditevere,” uye Mateo akasimuka akamutevera.
And as Jesus passed on from there, he saw a man, named Matthew, sitting at the tax office: and he saith to him, Follow me. And he arose, and followed him.
10 Jesu akati agere mumba maMateo vachidya kudya kwamanheru, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakadya naye navadzidzi vake.
And it came to pass, as Jesus sat eating in the house, behold, many tax collectors and sinners came and sat down with him and his disciples.
11 VaFarisi vakati vaona izvi, vakabvunza vadzidzi vake vachiti, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?”
And when the Pharisees saw it, they said to his disciples, Why eateth your Master with tax collectors and sinners?
12 Achinzwa izvi, Jesu akati, “Vasingarwari havatsvagi chiremba, asi vanorwara.
But when Jesus heard that, he said to them, They that are well need not a physician, but they that are sick.
13 Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
But go ye and learn what that meaneth, I will have mercy, and not sacrifice: for I am not come to call the righteous, but sinners to repentance.
14 Vadzidzi vaJohani vakauya kuzomubvunza vachiti, “Ko, sei isu navaFarisi tichitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi.”
Then came to him the disciples of John, saying, Why do we and the Pharisees fast often, but thy disciples fast not?
15 Jesu akapindura achiti, “Zvingaitawo here kuti shamwari dzechikomba dzicheme iye achiinavo? Nguva ichasvika iyo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo vachatsanya.
And Jesus said to them, Can the children of the bridechamber mourn, as long as the bridegroom is with them? but the days will come, when the bridegroom shall be taken from them, and then they shall fast.
16 “Hapana munhu anosonera chigamba chitsva panguo tsaru, nokuti chigamba chichabvarura nguo iya, buri racho richizobva ranyanya.
No man putteth a piece of new cloth to an old garment, for that which is put in to fill it up taketh from the garment, and the tear is made worse.
17 Uye vanhu havangadiri waini itsva muhombodo tsaru. Kana vakadaro, hombodo dzichaputika, waini ichateuka uye hombodo dzichaparara. Kwete, vanodira waini itsva muhombodo itsva uye zvose zviri zviviri zvinochengetedzeka.”
Neither do men put new wine into old bottles: else the bottles break, and the wine runneth out, and the bottles perish: but they put new wine into new bottles, and both are preserved.
18 Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari agorarama.”
While he was speaking these things to them, behold, there came a certain ruler, and worshipped him, saying, My daughter is even now dead: but come and lay thy hand upon her, and she shall live.
19 Jesu akasimuka akaenda naye pamwe chete navadzidzi vake.
And Jesus arose, and followed him, and so did his disciples.
20 Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake.
And, behold, a woman, who was diseased with an issue of blood twelve years, came behind him, and touched the hem of his garment:
21 Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.”
For she said within herself, If I may but touch his garment, I shall be healed.
22 Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo.
But Jesus turned himself about, and when he saw her, he said, Daughter, be of good comfort; thy faith hath made thee well. And the woman was healed from that hour.
23 Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere
And when Jesus came into the ruler’s house, and saw the minstrels and the people making a noise,
24 akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka.
He said to them, Give place: for the maid is not dead, but sleepeth. And they laughed at him.
25 Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka.
But when the people were put forth, he went in, and took her by the hand, and the maid arose.
26 Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose.
And the fame of this went abroad into all that land.
27 Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”
And when Jesus departed from there, two blind men followed him, crying, and saying, Thou Son of David, have mercy on us.
28 Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.”
And when he had come into the house, the blind men came to him: and Jesus saith to them, Believe ye that I am able to do this? They said to him, Yea, Lord.
29 Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.”
Then he touched their eyes, saying, According to your faith be it to you.
30 Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Onai kuti hapana achazviziva izvi.”
And their eyes were opened; and Jesus sternly charged them, saying, See that no man know it.
31 Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri.
But they, when they had departed, spread abroad his fame in all that country.
32 Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu.
As they went out, behold, they brought to him a dumb man possessed with a demon.
33 Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, “Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri.”
And when the demon was cast out, the dumb spoke: and the multitudes marvelled, saying, It was never so seen in Israel.
34 Asi vaFarisi vakati, “Anodzinga madhimoni nomukuru wamadhimoni.”
But the Pharisees said, He casteth out demons through the prince of the demons.
35 Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose.
And Jesus went about all the cities and villages, teaching in their synagogues, and preaching the gospel of the kingdom, and healing every sickness and every disease among the people.
36 Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vaishushwa uye vakanga vasina simba, vakaita samakwai asina mufudzi.
But when he saw the multitudes, he was moved with compassion on them, because they were faint, and were scattered abroad, as sheep having no shepherd.
37 Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vashandi vashoma.
Then saith he to his disciples, The harvest truly is plentiful, but the labourers are few;
38 Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”
Pray ye therefore the Lord of the harvest, that he will send forth labourers into his harvest.

< Mateo 9 >