< Mateo 5 >

1 Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari,
And seeing the multitudes, he went up into the mountain; and when he had sat down, his disciples came to him.
2 uye akatanga kuvadzidzisa achiti:
And he opened his mouth, and taught them, saying: —
3 “Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
Blessed are the poor in spirit; for theirs is the kingdom of heaven.
4 Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.
Blessed are they who mourn; for they will be comforted.
5 Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika.
Blessed are the meek; for they will inherit the earth.
6 Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo.
Blessed are they who hunger and thirst after righteousness; for they will be filled.
7 Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.
Blessed are the merciful; for they will obtain mercy.
8 Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari.
Blessed are the pure in heart; for they will see God.
9 Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.
Blessed are the peace-makers; for they will be called sons of God.
10 Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
Blessed are they who are persecuted for righteousness' sake; for theirs is the kingdom of heaven.
11 “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.
Blessed are ye, when men revile you, and persecute you, and say every thing that is bad against you, falsely, for my sake.
12 Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.
Rejoice, and be exceeding glad; for great is your reward in heaven; for so did they persecute the prophets that were before you.
13 “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.
Ye are the salt of the earth. But if the salt have lost its savor, wherewith shall itself be salted? It is thenceforth good for nothing, but to be cast out, and to be trodden under foot by men.
14 “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.
Ye are the light of the world. A city that is set on a hill cannot be hid;
15 Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba.
nor do men light a lamp, and put it under the bushel, but on the lamp-stand; and it giveth light to all that are in the house.
16 Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.
In like manner let your light shine before men, that they may see your good works, and glorify your Father who is in heaven.
17 “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa.
Think not that I came to destroy the Law or the Prophets: I came not to destroy, but to fulfill.
18 Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa.
For truly do I say to you, Not till heaven and earth pass away, shall one jot or one tittle pass from the Law, till all be fulfilled.
19 Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.
Whoever therefore shall break one of these least commandments, and shall teach men so, will be called the least in the kingdom of heaven; but whoever shall do and teach them, he will be called great in the kingdom of heaven.
20 Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.
For I say to you, Unless your righteousness shall exceed that of the scribes and Pharisees, ye will not enter the kingdom of heaven.
21 “Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’
Ye have heard that it was said to them of old time, “Thou shalt not kill; and whoever shall kill, shall be in danger of the Judges.”
22 Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena. (Geenna g1067)
But I say to you, that whoever is angry with his brother shall be in danger of the Judges; and whoever shall say to his brother, Simpleton! shall be in danger of the Council; and whoever shall say, Fool! shall be in danger of hell-fire. (Geenna g1067)
23 “Naizvozvo kana wada kupa chipo chako paaritari, ukayeuka pakarepo kuti wakatadzira hama yako,
Therefore, if thou bring thy gift to the altar, and there remember that thy brother hath aught against thee,
24 siya chipo chako ipapo pamberi pearitari. Tanga waenda undoyanana nehama yako, wozouya wopa chipo chako.
leave there thy gift before the altar, and go away; first be reconciled to thy brother, and then come and offer thy gift.
25 “Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo.
Agree with thine adversary at law quickly, while thou art on the road with him; lest the adversary deliver thee to the judge, and the judge to the officer, and thou be cast into prison.
26 Ndinokuudzai chokwadi kuti haungabudimo kusvikira waripa kamari kokupedzisira.
Truly do I say to thee, Thou wilt not come out thence, till thou hast paid the last farthing.
27 “Makanzwa zvichinzi, ‘Usaita upombwe.’
Ye have heard that it was said, “Thou shalt not commit adultery.”
28 Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.
But I say to you, that whoever looketh on a woman to lust after her, hath committed adultery with her already in his heart.
29 Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena. (Geenna g1067)
And if thy right eye cause thee to offend, pluck it out, and cast it from thee; for it is better for thee that one of thy members should perish, than that thy whole body should be cast into hell. (Geenna g1067)
30 Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena. (Geenna g1067)
And if thy right hand cause thee to offend, cut it off, and cast it from thee; for it is better for thee that one of thy members should perish, than that thy whole body should go away into hell. (Geenna g1067)
31 “Zvakanzi, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake anofanira kumupa gwaro rokurambana.’
And it was said, “Whoever shall put away his wife, let him give her a writing of divorcement.”
32 Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
But I say to you, that whoever putteth away his wife, unless it be on account of fornication, causeth her to commit adultery; and whoever shall marry her when put away, committeth adultery.
33 “Makanzwa zvakare zvichitaurwa kuvanhu vekare kare zvichinzi, ‘Usatyora mhiko dzako, asi zadzisa mhiko dzose dzaunenge waita kuna Ishe.’
Again ye have heard that it was said to them of old time, “Thou shalt not swear falsely, but shalt perform to the Lord thine oaths.”
34 Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo;
But I say to you, Swear not at all; neither by heaven, for it is the throne of God;
35 kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru.
nor by the earth, for it is his footstool; nor by Jerusalem, for it is the city of the Great King;
36 Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema.
nor shalt thou swear by thy head, for thou canst not make one hair white or black.
37 Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa.
But let your language be, Yea, yea; Nay; nay; for whatever is more than these cometh of evil.
38 “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso, uye zino rinotsiviwa nezino.’
Ye have heard that it was said, “An eye for an eye, and a tooth for a tooth.”
39 Asi ndinokuudzai kuti, Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo.
But I say to you, that ye resist not the evil-doer; but whoever smiteth thee on the right cheek, turn to him the other also;
40 Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako.
and if any one intends to sue thee at the law, and take thy coat, give up to him thy cloak also;
41 Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri.
and whoever shall compel thee to go one mile, go with him two.
42 Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri.
Give to him that asketh of thee; and from him that would borrow of thee, turn not away.
43 “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’
Ye have heard that it was said, “Thou shalt love thy neighbor, and hate thine enemy.”
44 Asi ini ndinokuudzai kuti, Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai,
But I say to you, Love your enemies, and pray for those who persecute you;
45 kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama.
that ye may become sons of your Father who is in heaven; for he maketh his sun to rise on the evil and on the good, and sendeth rain on the just and on the unjust.
46 Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here?
For if ye love those who love you, what reward have ye? Do not even the publicans the same?
47 Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here?
And if ye salute your brethren only, what do ye that excelleth? Do not even the heathen the same?
48 Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana.
Be ye therefore perfect, as your heavenly Father is perfect.

< Mateo 5 >