< Mateo 28 >

1 Mushure meSabata, ava mambakwedza nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria vakaenda kundoona guva.
ביום ראשון השכם בבוקר, בעלות השחר, הלכו מרים המגדלית ומרים השנייה אל הקבר.
2 Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro.
לפתע התחוללה רעידת אדמה חזקה, ומלאך ירד מהשמים, הזיז את האבן שחסמה את הפתח וישב עליה.
3 Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni uye nguo dzake dzakanga dzakachena sechando.
פניו האירו כברק, ובגדיו היו צחורים כשלג.
4 Varindi vakamutya kwazvo zvokuti vakadedera vakaita savanhu vafa.
כשראו השומרים את המלאך, הם התעלפו מרוב בהלה ונפלו על הארץ כמתים.
5 Mutumwa akati kuvakadzi vaya, “Musatya nokuti ndinoziva kuti muri kutsvaka Jesu uyo akarovererwa pamuchinjikwa.
”אל תפחדנה“, פנה המלאך אל הנשים.”אני יודע שאתן מחפשות את ישוע שנצלב.
6 Haapo pano; amuka sokutaura kwaakaita. Uyai muone panzvimbo paakanga avete.
אולם הוא אינו נמצא כאן. ישוע קם לתחייה בדיוק כפי שהבטיח. היכנסו, תראו את המקום שבו שכב.
7 Zvino kurumidzai muende kundoudza vadzidzi vake kuti, ‘Amuka kubva kuvakafa uye kuti afanotungamira kuGarirea. Muchanomuona ikoko.’ Zvino ndakuudzai.”
עכשיו לכו מהר אל תלמידיו ותאמרו להם שישוע קם מן המתים, והולך לפניכם לגליל. אתם תראו אותו שם. זהו, אמרתי לכם!“
8 Saka vakadzi ava vakakurumidza kubva paguva vachitya asi vakazadzwa nomufaro, uye vakamhanya kundoudza vadzidzi vake.
הנשים רצו מן הקבר מבוהלות מאוד, אך מלאות שמחה, ומיהרו למצוא את התלמידים ולמסור להם את בשורת המלאך.
9 Pakarepo Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai.” Vakauya kwaari vakabata tsoka dzake uye vakamunamata.
בשעה שרצו נגלה אליהן ישוע.”שלום לכן“, אמר, והן נפלו לרגליו והשתחוו לפניו.
10 Ipapo Jesu akati kwavari, “Musatya. Endai mundoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea; ikoko ndiko kwavachanondiona.”
”אל תפחדו“, הרגיע אותן ישוע.”לכו ואמרו לאחי ללכת מיד לגליל כדי לפגוש אותי שם.“
11 Vakadzi vaya vachiri munzira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakandotaurira vaprista vakuru zvose zvakanga zvaitika.
כשהיו הנשים בדרכן העירה, באו השומרים אל ראשי הכוהנים וסיפרו להם מה שקרה,
12 Vaprista vakuru vakati vasangana navakuru, uye vafunga zano, vakapa varwi mari zhinji
הזקנים התכנסו לאסיפת חרום והחליטו לשחד את השומרים, כדי שיספרו שגופת ישוע נגנבה בזמן שישנו.
13 vakati kwavari, “Imi munofanira kutaura muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tivete.’
14 Kana mashoko aya akasvika munzeve dzomubati, isu tichaita kuti agutsikane uye imi musawira mudambudziko.”
”אם יגיע הדבר הזה לאוזני המושל, “הסבירו,”נעמוד לצדכם ונפייס אותו.“
15 Saka varwi vakatora mari iya vakaita sezvavakanga varayirwa. Uye shoko iri rakaparadzirwa kwazvo pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi.
וכך קיבלו אנשי המשמר את השוחד ואמרו מה שנתבקשו לומר. גרסתם הופצה בין היהודים, אשר עד היום מאמינים בה.
16 Ipapo vadzidzi gumi nomumwe vakaenda kuGarirea, kugomo ravainge vaudzwa naJesu kuti vaende.
בינתיים הלכו אחד־עשר התלמידים אל הגליל, כדי לפגוש את ישוע על אותו הר שאמר להם מראש.
17 Vakati vamuona, vakamunamata, asi vamwe vakakahadzika.
כשראו אותו התלמידים הם השתחוו לפניו, למרות שחלקם הטילו ספק שאכן היה זה ישוע.
18 Ipapo Jesu akasvika pavari akati, “Simba rose kudenga napanyika rakapiwa kwandiri.
”ניתנה לי כל סמכות בשמים ובארץ“, אמר להם ישוע.
19 Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene,
”משום כך לכו ועשו תלמידים בכל העולם. הטבילו אותם בשם האב, הבן ורוח הקודש,
20 uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika.” (aiōn g165)
ולמדו אותם לעשות את כל אשר ציוויתי אתכם. היו סמוכים ובטוחים שאהיה אתכם עד סוף העולם!“ (aiōn g165)

< Mateo 28 >