< Mateo 27 >
1 Mangwanani-ngwanani vaprista vose vakuru navakuru vavanhu vakabvumirana kuti Jesu aurayiwe.
When the morning came, all the chief priests and elders of the people held a consultation against Jesus, that they might put him to death.
2 Vakamusunga, vakaenda naye vakandomuisa kuna Pirato uyo aiva mubati.
And they bound him and led him away, and delivered him to Pontius Pilate the governor.
3 Judhasi uya akanga amupandukira akati aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru.
Then Judas, who had delivered him up, when he saw that he was condemned, stung by remorse, brought back the thirty pieces of silver to the chief priests and elders,
4 Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.”
saying: I have sinned in having delivered up innocent blood. They replied: What is that to us? You will see to that.
5 Saka Judhasi akakanda mari iya mutemberi akabva akaenda akandozvisungirira.
And he threw down the money in the temple, and departed, and went and hanged himself.
6 Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.”
And the chief priests took the money, and said: It is not lawful to put it into the sacred treasury, because it is the price of blood.
7 Saka vakazotenderana kuti vaishandise kutenga munda womuumbi wehari kuti ugova nzvimbo yokuviga vatorwa.
And they took counsel, and bought with it the potter’s field, as a burial-place for foreigners.
8 Naizvozvo wakanzi Munda Weropa kusvikira zuva ranhasi.
For this reason, that field is called the field of blood, to this day.
9 Ipapo zvakabva zvazadziswa zvakataurwa nomuprofita Jeremia zvinoti, “Vakatora makumi matatu esirivha, mutengo waakatengeswa nawo navanhu veIsraeri,
Then the word was fulfilled which was spoken by Jeremiah the prophet, saying: And they took the thirty pieces of silver, the price of him that had a price set upon him, on whom some of the children of Israel did set a price,
10 uye vakaashandisa kutenga nawo munda womuumbi wehari, sokurayirwa kwandakaitwa naIshe.”
and gave them for the potter’s field, as the Lord appointed me.
11 Panguva iyoyo Jesu akamira pamberi pomubati, uye mubati akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura achiti, “Hongu, ndizvo zvamataura.”
And Jesus stood before the governor; and the governor asked him, saying: Are you the king of the Jews? Jesus replied to him: You say it.
12 Paakapomerwa navaprista vakuru navakuru vavanhu, haana chaakapindura.
And when he was accused by the chief priests and elders, he made no answer.
13 Ipapo Pirato akamubvunza achiti, “Iwe haunzwi here uchapupu hwezvavari kukupomera izvi?”
Then Pilate said to him: Do you not hear how many things they testify against you?
14 Asi, Jesu akaramba anyerere, akasapindura kunyange chimwe zvacho, mubati akashamiswa kwazvo.
And he gave him answer to not one word, so that the governor was greatly astonished.
15 Zvino yaiva tsika yomubati pamutambo kusunungura musungwa mumwe chete anenge asarudzwa navanhu vazhinji.
Now at the feast, the governor was in the habit of releasing to the multitude one prisoner, whom they chose.
16 Panguva iyoyo vaiva nomusungwa ainge anetsa kwazvo ainzi Bharabhasi.
They then had a notorious prisoner, called Barabbas.
17 Saka vanhu vazhinji vakati vaungana, Pirato akavabvunza akati, “Ndoupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana kuti Jesu anonzi Kristu?”
Therefore, while they were together, Pilate said to them: Which do you wish me to release to you, Barabbas, or Jesus, who is called Christ?
18 Nokuti aiziva kuti vakanga vamuisa kwaari nokuda kwegodo.
For he knew that through envy they had delivered him up.
19 Pirato akati agere pachigaro chokutonga mukadzi wake akamutumira shoko iri rokuti: “Usawana chaunoita nomurume uyo asina mhosva, nokuti hope dzandarota nezvake usiku hwanhasi dzanditambudza kwazvo.”
While he was sitting on the judgment-seat, his wife sent to him, saying: Have nothing to do with that just man, for I have suffered much to-day in a dream, because of him.
20 Asi vaprista vakuru navakuru vavanhu vakakurudzira vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi uye kuti Jesu aurayiwe.
But the chief priests and the elders persuaded the multitude to ask Barabbas, and destroy Jesus.
21 Mubati akabvunza akati, “Ndoupi pavaviri ava wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Vakapindura vakati, “Bharabhasi!”
The governor answered and said to them: Which of the two do you wish me to release to you? They replied: Barabbas.
22 Pirato akabvunza akati, “Zvino ndichaiteiko naJesu anonzi Kristu?” Vakapindura vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
Pilate said to them: What then shall I do with Jesus, who is called Christ? They all said to him: Let him be crucified.
23 Pirato akabvunzazve achiti, “Nemhaka yei? Mhosva yake ndeyei?” Vanhu vazhinji vaya vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
But the governor said: Why, what evil has he done? But they cried vehemently, saying: Let him be crucified.
24 Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.”
When Pilate saw that he gained nothing, but rather that a tumult was rising, he took water, and washed his hands before the multitude, and said: I am innocent of the blood of this just man; you will see to it.
25 Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.”
And all the people answered and said: His blood be upon us and upon our children.
26 Ipapo akavasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe, uye akamupa kwavari kuti arovererwe pamuchinjikwa.
Then he released to them Barabbas; but after he had scourged Jesus, he delivered him up to be crucified.
27 Ipapo varwi vomubati vakatora Jesu vakaenda naye mumuzinda womubati uye vakaunganidza hondo yose paari.
Then the soldiers of the governor took Jesus into the palace, and brought together to him the whole band.
28 Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku.
And they stripped him, and put on him a scarlet cloak;
29 Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!”
and when they had plaited a crown of thorn branches, they put it upon his head, and a reed in his right hand; and kneeling before him, they derided him, saying: Hail, King of the Jews!
30 Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakamurova nayo mumusoro kakawanda.
And they spit upon him, and took the reed, and struck him on the head.
31 Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
And when they had derided him, they took off the cloak from him, and put his own clothes on him, and led him away to crucify him.
32 Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.
And as they were going out, they found a man of Cyrene, named Simon: this man they compelled to carry his cross.
33 Vakasvika panzvimbo inonzi Gorogota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya).
And when they had come to a place called Golgotha, which, when translated, is the place of a skull,
34 Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa.
they gave him vinegar to drink, mingled with gall; and when he had tasted it, he refused to drink.
35 Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya.
And when they had crucified him, they divided his clothing among themselves, by casting the lot.
36 Uye vakagara pasi, vakamurinda.
And they sat down and watched him there.
37 Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “uyu ndijesu, mambo wavajudha.”
And they placed above his head the charge that was made against him, written: THIS IS JESUS THE KING OF THE JEWS.
38 Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
Then were two robbers crucified with him; one on his right hand, and the other on his left.
39 Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo
And they that passed by reviled him, shaking their heads,
40 uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!”
and saying: You that destroy the temple, and build it in three days, save yourself; if you are the Son of God, come down from the cross.
41 Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti,
In like manner also the chief priests, with the scribes and elders, derided him, and said:
42 “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari.
He saved others; himself he can not save. If he is the King of Israel, let him now come down from the cross, and we will believe on him.
43 Anovimba naMwari saka ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’”
He trusted in God; let him deliver him now, if he delights in him; for he said: I am the Son of God.
44 Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo.
The robbers also that were crucified with him, uttered the same reproaches against him.
45 Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose.
From the sixth hour there was darkness over all the land till the ninth hour.
46 Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?”
But about the ninth hour, Jesus cried out with a loud voice, saying: Eli, Eli, lamah sabachthani? that is, My God, my God, why hast thou forsaken me?
47 Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.”
Some of those who were standing there, when they heard it, said: This man calls for Elijah.
48 Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe.
And immediately one of them ran, and took a sponge, and having filled it with vinegar, put it on a reed, and gave it to him to drink.
49 Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.”
The rest said: Wait, let us see if Elijah is coming to save him.
50 Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.
And Jesus again cried with a loud voice, and gave up his spirit.
51 Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka.
And behold, the vail of the temple was rent in two from top to bottom. And the earth did shake, and the rocks were rent:
52 Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu.
and the sepulchers were opened, and many bodies of the saints that slept, arose.
53 Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji.
And they came out of their sepulchers after his resurrection, and entered the holy city, and appeared to many.
54 Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!”
Now the centurion, and those who were with him watching Jesus, when they saw the earthquake, and what was done, were greatly afraid, and said: Of a truth, this was the Son of God.
55 Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vachitarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu kubva kuGarirea kuti vamuriritire pane zvaaida.
Many women that had followed Jesus from Galilee, and had ministered to him, were there, looking on from a distance.
56 Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho naJosefa, namai vavanakomana vaZebhedhi.
Among these was Mary Magdalene, and Mary the mother of James and Joses, and the mother of the sons of Zebedee.
57 Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu.
When the evening had come, there came a rich man of Arimathea, named Joseph; and he also was a disciple of Jesus.
58 Akaenda kuna Pirato akandokumbira mutumbi waJesu, uye Pirato akarayira kuti aupiwe.
This man went to Pilate, and asked for the body of Jesus. Then Pilate commanded the body to be given.
59 Josefa akatora mutumbi akauputira nomucheka wakachena,
And Joseph took the body and wrapped it in clean linen,
60 akauisa muguva rake idzva raakanga achera padombo. Akakungurutsira ibwe guru pamuromo weguva ndokubva aenda.
and laid it in his own new tomb, which he had hewn out in the rock. And he rolled a great stone to the door of the tomb, and departed.
61 Maria Magadharena nomumwe Maria vakanga varipo vagere pakatarisana neguva.
And Mary Magdalene was there, and the other Mary, sitting opposite the tomb.
62 Mangwana acho, iro rakatevera Zuva roKugadzirira, vaprista vakuru navaFarisi vakaenda kuna Pirato.
On the morrow, which was the day after the preparation, the chief priests and the Pharisees came together to Pilate,
63 Vakasvikoti, “Ishe, tinorangarira kuti achiri mupenyu, munyengeri uya akati, ‘Mushure mamazuva matatu, ndichamukazve.’
and said: Sir, we remember that that deceiver said, while he was yet alive, After three days I will arise.
64 Saka rayirai kuti guva rake richengetedzwe kwazvo kusvika pazuva retatu. Zvimwe vadzidzi vake vangauye vakaba mutumbi wake vakaudza vanhu kuti akamutswa kubva kuvakafa. Kunyengera kwokupedzisira uku kuchaipa kukunda kwokutanga.”
Therefore, command that the sepulcher be made safe till the third day, lest his disciples come and steal him away, and say to the people, He has risen from the dead; and the last error will be worse than the first.
65 Pirato akapindura akati, “Torai, varindi. Endai, mundochengetedza guva iroro semaziviro enyu.”
Pilate said to them: You have a guard; go, make it as safe as you know how.
66 Saka vakaenda vakandoita kuti richengetedzwe nokuisa chisimbiso pabwe, uye nokuisa varindi.
And they went and made the sepulcher safe, by placing a seal upon the stone, and setting the guard.