< Mateo 26 >
1 Jesu akati apedza kutaura zvinhu zvose izvi, akati kuvadzidzi vake,
講完了這一切話,便衪的門徒說:
2 “Sezvamunoziva, Pasika yasarirwa namazuva maviri kuti isvike, uye Mwanakomana woMunhu achaendeswa kuti andorovererwa pamuchinjikwa.”
「你們知道:兩天以後就是逾越節,人子要被解送,被釘在十字架上。」
3 Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru ainzi Kayafasi,
司祭長和民間長老,都聚集在叫蓋法的司祭的庭院內,
4 uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya.
同共議決要用詭計捉拿耶穌,君以殺害。
5 Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.”
但是他們說:不可在慶節期內,免得民間發生暴動」。
6 Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi,
耶穌正在伯達尼癩病人西滿家裏時,
7 mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuhwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura.
有一個女人拿著一玉瓶貴重的香液來到耶穌跟前,倒在正坐席的耶穌的頭上。
8 Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko?
門徒們見了就不滿意說:「為什麼這樣浪法費﹖
9 Mafuta anonhuhwira aya angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.”
這香液原可賣得許多錢,施捨給窮人。」
10 Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo.
耶穌知道了,就對他們說:「你們為什麼叫這個女人難受? 她在我身上原是作了一件善事。
11 Varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuchava neni nguva dzose.
你們常有窮人同你們在一起,於我,你們卻不常有。
12 Paadira mafuta anonhuhwira pamuviri wangu, azviita kuti agadzirire kuvigwa kwangu.
她把這香液倒在我身上,原是為安葬我而作的。
13 Ndinokuudzai chokwadi kuti, kwose kwose kuchaparidzwa vhangeri iri munyika yose, zvaaita izvi zvichange zvichitaurwawo kuti vamurangarire nazvo.”
我實在告訴你們:將來在全世界,這福音無論傳到那裏,必要述說她所作的事,來記念她。」
14 Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru
隨後,那十二人中之一,名叫猶達斯依斯加略的,去見司祭長,
15 akandobvunza achiti, “Muchandipei kana ndikamuuyisa kwamuri?” Saka vakamuverengera makumi matatu esirivha.
說:「我把他交給你們,你們願意給我什麼? 」他們約定給他三十塊銀錢。
16 Kubva ipapo zvichienda mberi Judhasi akamirira mukana wokuti amuise kwavari.
從此他便尋找機會,要把耶穌交出。
17 Pazuva rokutanga roMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakasvikomubvunza vachiti, “Ndokupi kwamunoda kuti tindokugadzirirai kuti mugodyira Pasika?”
無酵節的第一天,門徒前來對耶穌說:「你願意我們在那裏,給你預備吃逾越節晚餐?」
18 Akavapindura akati, “Endai muguta kuno mumwe murume munosvikomuudza kuti, ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’”
耶穌說:「你們進城去見某人,對他說:師父說:我的時候近了,我要與我門徒在你那裏舉行逾越節。」
19 Saka vadzidzi vakaita sokurayirwa kwavakanga vaitwa naJesu vakandogadzira Pasika.
門徒就照耶穌吩咐他們的作了,預備了逾越節晚餐。
20 Ava madekwana Jesu akagara patafura navane gumi navaviri.
到了晚上,耶穌與十二門徒坐席。
21 Vari pakati pokudya akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti mumwe wenyu achandipandukira.”
他們正吃晚餐的時候,耶穌說:我實在告訴你們:你們中有一個人要出賣我。」
22 Vakasuwa zvikuru uye vakatanga, mumwe nomumwe kuti, “Chokwadi, ndini here, Ishe?”
他們非常憂悶,開始各自對衪說:「主,難道是我嗎?」
23 Jesu akapindura akati, “Munhu aisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira.
耶穌回答說:「那同我一起把手蘸在盤子裏的人要出賣我。
24 Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.”
人子固然要按照指著他所記載的而去,但是出賣人子的那人卻是有禍的,那人若是沒內有生,為他更好。」
25 Zvino Judhasi uyo aizomupandukira akati, “Chokwadi, ndini here, Rabhi?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndiwe.”
那要出賣衪的猶達斯也開口問耶穌說:「辣彼,難道是我嗎? 」耶穌對他說:「你說的是。」
26 Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.”
他們正吃晚餐的時候,耶穌拿起餅來,祝謝了,擘開遞給們徒說:「你們拿去吃吧!這是我的身體。」
27 Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose.
然後又拿起杯來,祝謝了,遞給他們說:「你們都由其中喝吧!
28 Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo.
因為這是我的血,為大眾傾流,以赦免罪過。
29 Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.”
我告訴你們:從今以後,我不再喝這葡萄汁了,直到在我父的國裏那一天,與你們同喝新酒。」
30 Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.
他們唱了聖詠,就出來往橄欖山去。
31 Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “‘Ndicharova mufudzi, boka ramakwai rigopararira.’
那時,耶穌對他們說:「今夜你們都要為我的緣故跌倒,因為經上記載:『我要打擊牧人,羊群就要四散。』
32 Asi mushure mokunge ndamuka, ndichafanotungamira kuGarirea.”
但是我復活後,要在你們以先到加利肋亞去。」
33 Petro akapindura akati, “Kunyange vamwe vose vakatiza nokuda kwenyu, ini handizoiti izvozvo.”
伯多祿卻回答衪說:「既使眾人都要因仔的緣故跌倒,我決不會跌倒。」
34 Jesu akati, “Ndinokuudza chokwadi kuti usiku huno chaihwo, jongwe risati rarira uchandiramba katatu.”
耶穌對他說:「我寶在告訴你:今夜雞叫以前,你要三次不認我。」
35 Asi Petro akati kwaari, “Kunyange ndichifanira kufa nemi, handingatongokurambai.” Vamwe vadzidzi vose vakadarowo.
伯多祿對衪說:「即便我該你一起死,我也決不會不認你。」眾門徒也都這樣說了。
36 Ipapo Jesu akaenda navadzidzi vake kunzvimbo inonzi Getsemani, uye akati kwavari, “Garai pano ini ndichienda apo kundonyengetera.”
髓後,耶穌同他們來到一個名叫革責瑪尼的莊園裏,便對門徒說:「你們坐在這裏,等我到那邊去祈禱。」
37 Akatora Petro navanakomana vaZebhedhi vaviri akaenda navo, uye akatanga kusuwa, uye akatambudzika.
遂帶了伯多祿和載伯德的兩個兒子同去,開始憂愁恐怖起來,
38 Ipapo akati kwavari, “Mweya wangu uri kushungurudzika kwazvo kusvika pakufa. Garai pano uye murinde pamwe chete neni.”
遂對他門說:我的心靈憂悶得要死,你們留在這裏同我一起醒寤吧!」
39 Akaenda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira mukombe uyu ngaubviswe kwandiri. Asi kwete kuda kwangu asi kuda kwenyu.”
衪稍微前行,就俯首至地祈禱說:「我父,若是可能,就讓這杯離開我吧!但不要照我,而要照你所願意的。」
40 Ipapo akadzokera kuvadzidzi vake akavawana vavata. Akabvunza Petro achiti, “Varume, matadza kurinda neni kweawa imwe chete?
衪來到門徒那裏,見他門睡著了,便對伯多祿說:「你們竟不能同我醒寤一個時辰嗎?
41 Rindai uye munyengetere kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda, asi muviri wakaneta.”
醒寤祈禱吧!免陷於誘惑;心固神然切願,但肉體卻軟弱。」
42 Akaendazve kechipiri akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvisingagoni kuti mukombe uyu ubviswe kwandiri kunze kwokutenge ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.”
衪第二次再去祈禱說:「我父!如果這杯不能離去,非要我喝不可,就成全你的願意吧!」
43 Paakadzoka, akavawanazve vavata nokuti meso avo akanga azere nehope.
衪又回來,見他門仍然睡著,因為他門的眼睛很是沈重。
44 Saka akavasiya akaendazve uye akanyengetera kechitatu, achitaura zvimwe chetezvo.
衪再離開他門,第三次去祈禱,又說了同樣的話。
45 Ipapo akadzokazve kuvadzidzi akati kwavari, “Muchakavata uye muchakazorora here? Tarirai, nguva yava pedyo, uye Mwanakomana woMunhu ari kupandukirwa achiiswa mumaoko avatadzi.
然後回到門徒那裏,對他門說:「你們睡下去吧!休息吧! 看,時候到了,人子就要被交於罪人手裏。
46 Simukai, ngatichiendai! Anondipandukira uya ouya!”
起來,我們去吧!看那出賣我的已來近了。」
47 Paakanga achiri kutaura kudaro, Judhasi, mumwe wevane gumi navaviri akasvika. Akauya navanhu vazhinji vakanga vakabata minondo netsvimbo, vakanga vatumwa navaprista vakuru navakuru vavanhu.
衪還在說話的時候,看,那十二人中之一的猶達斯來了;同他一起的,還有許多帶著刀劍棍棒的群眾,摸是由司祭長和民間長老派來的。
48 Zvino uya akamupandukira ainge avaudza chiratidzo achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye; mumusunge.”
那出賣耶穌的給了他門一個暗號說:「我失口親誰,誰就是,你們拿住衪。」
49 Judhasi akaenda pakarepo kuna Jesu akati, “Kwaziwai, Rabhi!” uye akamutsvoda.
猶達斯一來到耶穌跟前,就說:「辣彼,你好。」就口親了衪。
50 Jesu akamupindura achiti, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo varume vakaswedera pedyo vakabata Jesu, vakamusunga.
耶穌卻對他說:「朋友,你來做的事,就做吧!」於是他門上前,向耶穌下手,拿住了衪。
51 Ipapo mumwe waavo vaiva naJesu akavhomora munondo wake ndokugura nzeve yomuranda womuprista mukuru.
有同耶穌在一的一個人,伸手拔出自己的劍,砍了大司祭的僕人一劍,削去了他的一個耳朵。
52 Zvino Jesu akati kwaari, “Dzorera munondo wako mumuhara mawo, nokuti vose vanovhomora munondo vachafa nomunondo.
耶穌遂對他說:「把你的劍放回處;因為凡持劍的,必死在劍下。
53 Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makuru gumi namaviri?
你想,我不能要交我父,即刻給我調動十二軍以上的天使嗎?
54 Asi Magwaro angagozadziswa sei anoti zvinofanira kuitika saizvozvo?”
若是這樣,怎能應驗經上所載應如此成就事呢? 」
55 Panguva iyoyo Jesu akati kuvanhu vazhinji vaivapo, “Ko, ndinotungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuzondibata? Mazuva ose ndaigara mutemberi ndichidzidzisa uye hamuna kundisunga.
在那時,耶穌對群眾說:「你們帶著刀劍棍棒出來拿我,如同對付強盜。我天天坐在聖殿內施教,你們沒有拿我。」
56 Asi izvi zvose zvaitika kuti zvakanyorwa navaprofita zvizadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya uye vakatiza.
這一切都發生了,是為應驗先知所記載的。於是門徒都撇下衪逃跑了。
57 Vaya vakanga vasunga Jesu vakaenda naye kuna Kayafasi, muprista mukuru, uko kwakanga kwakaungana vadzidzisi vomurayiro navamwe vakuru.
那些拿住耶穌的人,將耶穌帶到大司祭蓋法前;經師和長老已聚集在那裏。
58 Asi Petro akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvazhe rwomuprista mukuru. Akapinda akagara pasi pamwe chete navarindi kuti aone maperero azvo.
伯多祿遠遠跟著耶穌,直到大司祭的庭院,他也進到裏面,坐在差役中觀看結局。
59 Vaprista vakuru nedare rose ramakurukota vakanga vachitsvaka zvapupu zvenhema kuti zvipomere Jesu mhosva kuti vamuuraye.
司祭長和全公議會尋找相反耶穌的假證據,要把衪處死。
60 Asi havana zvavakawana, kunyange zvazvo zvapupu zvenhema zvakauya pamberi. Pakupedzisira, vaviri vakauya
雖然有許多假見證出庭,但沒有找出什麼。最後有兩個人上前來,說:「
61 vakati, “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari ndigoivakazve namazuva matatu.’”
這人曾經說過:我能拆毀天主的聖殿,在三天內我能把它重建起來。」
62 Ipapo muprista mukuru akasimuka akati kuna Jesu, “Ko, haupinduri here? Uchapupu uhu hunorehwa navarume ava pamusoro pako ndohwei?”
大司祭就站起來,對衪說:「這些人作證反對你的事,你什麼也不回答嗎? 」
63 Asi Jesu akaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari, “Ndinokurayira, sezvo wapika naMwari mupenyu, kuti, ‘Tiudze kana uri iwe Kristu, Mwanakomana waMwari.’”
耶穌卻不出聲。於是大司祭對衪說:「我因生活的天主,起誓命你告訴我們:你是不是默西亞,天主之子?」
64 Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamataura. Asi ndinoti kwamuri mose: Munguva inouya muchaona Mwanakomana woMunhu agere kurudyi rwaSamasimba uye achiuya ari mumakore okudenga.”
耶穌他說:「你說的是。並且我告訴你們:從此你們要看見人子坐在大能者的右邊,乘著天上的雲彩降來。
65 Ipapo muprista mukuru akabvarura nguo dzake akati, “Ataura zvinomhura. Tichagodirei zvimwe zvapupu? Tarirai, zvino manzwa kumhura kwake.
大司祭遂撕裂自己衣服說:「他說了褻瀆的話。何必還須要見證呢? 你們剛才聽到了這褻瀆的話,
66 Munofungei nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa!”
你們以為該怎樣? 」他們回答說:「他該死。」
67 Ipapo vakamusvipira mate kumeso uye vakamurova netsiva. Vamwe vakamurova nembama
眾人遂即向衪臉上吐唾沬,用拳碩打衪;另有一些人也用巴掌打衪,
68 uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?”
說:「默西亞,你猜猜是誰打你? 」
69 Zvino Petro akanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, “Newewo wakanga una Jesu weGarirea.”
伯多祿在外面庭院裏坐著,有一個使女來到他跟前說:」你也是同那加利肋亞人耶穌一起的。」
70 Asi akaramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura nezvazvo.”
他當眾人否認說:「我不知道妳的是什麼。」
71 Ipapo akabuda akandomira pasuo apo paakaonekwa nomumwe musikana uyo akati kuvanhu vose vaivapo, “Murume uyu akanga ari pamwe chete naJesu weNazareta.”
他出去到了門廊,另有一個使女看他,就對那裏的人說:「這人是同那納匝肋人耶穌一起的。」
72 Akarambazve, akapika achiti, “Murume uyu handimuzivi!”
他又發誓否認說:「我不認識這個人。」
73 Mushure mechinguva, vaya vakanga vamirepo vakaenda kuna Petro vakasvikoti, “Zvechokwadi uri mumwe wavo nokuda kwamatauriro ako.”
過了一回,站在那的人前來對伯多祿說:「的確,你也是他們中的一個,因為你的口音把你露出來了。」
74 Ipapo akatanga kuzvituka uye akapika kwavari achiti, “Murume uyu handimuzivi!” Pakarepo jongwe rakarira.
伯多祿就開始詛咒發詈說:「我不認識這個人。」立刻雞就叫了。
75 Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa naJesu rokuti: “Jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.
伯多祿就想起耶穌所說的話來:「雞叫以前,你要三次不認我。」他一到了外面,就傷心痛哭起來。