< Mateo 24 >
1 Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi.
Jesus had left the Temple and was going on His way, when His disciples came and called His attention to the Temple buildings.
2 Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”
"You see all these?" He replied; "in solemn truth I tell you that there will not be left here one stone upon another that will not be pulled down."
3 Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?” (aiōn )
Afterwards He was on the Mount of Olives and was seated there when the disciples came to Him, apart from the others, and said, "Tell us when this will be; and what will be the sign of your Coming and of the Close of the Age?" (aiōn )
4 Jesu akapindura akati, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu.
"Take care that no one misleads you," answered Jesus;
5 Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji.
"for many will come assuming my name and saying 'I am the Christ;' and they will mislead many.
6 Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika.
And before long you will hear of wars and rumours of wars. Do not be alarmed, for such things must be; but the End is not yet.
7 Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana.
For nation will rise in arms against nation, kingdom against kingdom, and there will be famines and earthquakes in various places;
8 Asi zvose izvi mavambo okurwadziwa pakubereka.
but all these miseries are but like the early pains of childbirth.
9 “Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu.
"At that time they will deliver you up to punishment and will put you to death; and you will be objects of hatred to all the nations because you are called by my name.
10 Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana,
Then will many stumble and fall, and they will betray one another and hate one another.
11 uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji.
Many false prophets will rise up and lead multitudes astray;
12 Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora.
and because of the prevalent disregard of God's law the love of the great majority will grow cold;
13 Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa.
but those who stand firm to the End shall be saved.
14 Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.
And this Good News of the Kingdom shall be proclaimed throughout the whole world to set the evidence before all the Gentiles; and then the End will come.
15 “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga ngaanzwisise,
"When you have seen (to use the language of the Prophet Daniel) the 'Abomination of Desolation', standing in the Holy Place" --let the reader observe those words--
16 ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.
"then let those who are in Judaea escape to the hills;
17 Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make.
let him who is on the roof not go down to fetch what is in his house;
18 Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake.
nor let him who is outside the city stay to pick up his outer garment.
19 Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa!
And alas for the women who at that time are with child or have infants!
20 Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata.
"But pray that your flight may not be in winter, nor on the Sabbath;
21 Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve.
for it will be a time of great suffering, such as never has been from the beginning of the world till now, and assuredly never will be again.
22 Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa.
And if those days had not been cut short, no one would escape; but for the sake of God's own People those days will be cut short.
23 Panguva iyoyo, mukanzwa munhu anoti kwamuri, ‘Tarirai, hoyu Kristu!’ kana kuti, ‘Hoyo Kristu,’ musazvitenda.
"If at that time any one should say to you, 'See, here is the Christ!' or 'Here!' give no credence to it.
24 Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka.
For there will rise up false Christs and false prophets, displaying wonderful signs and prodigies, so as to deceive, were it possible, even God's own People.
25 Tarirai, ndafanokuudzai zvisati zvaitika.
Remember, I have forewarned you.
26 “Saka kana munhu upi zvake akakuudzai kuti, ‘Tarirai uyo ari kurenje,’ musabuda kuti muendeko kana kuti akati, ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ musazvitenda.
If therefore they should say to you, 'See, He is in the Desert!' do not go out there: or 'See, He is indoors in the room!' do not believe it.
27 Sezvinoita mheni inopenya kumabvazuva ichionekwawo kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu.
For just as the lightning flashes in the east and is seen to the very west, so will be the Coming of the Son of Man.
28 Pose pano mutumbi ndipo pachaungana magora.
Wherever the dead body is, there will the vultures flock together.
29 “Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, “‘zuva richasviba, uye mwedzi hauzovheneki; nyeredzi dzichawa kubva kudenga, namasimba omuchadenga achazungunuswa.’
"But immediately after those times of distress the sun will be darkened, the moon will not shed her light, the stars will fall from the firmament, and the forces which control the heavens will be disordered and disturbed.
30 “Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
Then will appear the Sign of the Son of Man in the sky; and then will all the nations of the earth lament, when they see the Son of Man coming on the clouds of the sky with great power and glory.
31 Uye achatuma vatumwa vake nokurira kwehwamanda kukuru uye vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina dzenyika, kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe.
And He will send out His angels with a loud trumpet-blast, and they will bring together His own People to Him from north, south, east and west--from one extremity of the world to the other.
32 “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.
"Now learn from the fig-tree the lesson it teaches. As soon as its branches have now become soft and it is bursting into leaf, you all know that summer is near.
33 Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo.
So you also, when you see all these signs, may be sure that He is near--at your very door.
34 Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.
I tell you in solemn truth that the present generation will certainly not pass away without all these things having first taken place.
35 Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Earth and sky will pass away, but it is certain that my words will not pass away.
36 “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete.
"But as to that day and the exact time no one knows--not even the angels of heaven, nor the Son, but the Father alone.
37 Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.
'For as it was in the time of Noah, so it will be at the Coming of the Son of Man.
38 Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya uye vachinwa, vaiwana nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka,
At that time, before the Deluge, men were busy eating and drinking, taking wives or giving them, up to the very day when Noah entered the Ark,
39 uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.
nor did they realise any danger till the Deluge came and swept them all away; so will it be at the Coming of the Son of Man.
40 Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.
Then will two men be in the open country: one will be taken away, and one left behind.
41 Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.
Two women will be grinding at the mill: one will be taken away, and one left behind.
42 “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro.
Be on the alert therefore, for you do not know the day on which your Lord is coming.
43 Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe.
But of this be assured, that if the master of the house had known the hour at which the robber was coming, he would have kept awake, and not have allowed his house to be broken into.
44 Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.
Therefore you also must be ready; for it is at a time when you do not expect Him that the Son of Man will come.
45 “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira?
"Who therefore is the loyal and intelligent servant to whom his master has entrusted the control of his household to give them their rations at the appointed time?
46 Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake.
Blessed is that servant whom his master when he comes shall find so doing!
47 Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose.
In solemn truth I tell you that he will give him the management of all his wealth.
48 Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’
But if the man, being a bad servant, should say in his heart, 'My master is a long time in coming,'
49 uye ipapo otanga kurova vamwe varanda uye nokudya nokunwa nezvidhakwa.
and should begin to beat his fellow servants, while he eats and drinks with drunkards;
50 Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi.
the master of that servant will arrive on a day when he is not expecting him and at an hour of which he has not been informed;
51 Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.
he will treat him with the utmost severity and assign him a place among the hypocrites: there will be the weeping and the gnashing of teeth.