< Mateo 23 >
1 Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti,
Then Jesus spoke to the multitudes and His disciples,
2 “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi.
saying, The scribes and Pharisees sat upon the seat of Moses;
3 Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza.
therefore do and keep all things so many as they may speak to you, but do not according to their works; for they say, and do not.
4 Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.
But they bind heavy burdens, and place them on the shoulders of the people; and they themselves are not willing to touch them with their finger.
5 “Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo.
And they do all their works to be seen by the people: for they broaden their phylacteries, and enlarge the borders of their garments,
6 Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge.
and they love the first couch at the suppers, and the first seats in the synagogues,
7 Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.
and salutations in the forums, and to be called by the people, ""Doctor.""
8 “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama.
But be ye not called Doctor: for One is your teacher; and you are all brothers.
9 Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga.
And call no man father upon the earth: for One is your Heavenly Father.
10 Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu.
Be not called teachers: because One is your teacher, Christ.
11 Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu.
And the great of you shall be your deacon.
12 Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.
But whosoever shall exalt himself, shall be abased; and whosoever shall humble himself shall be exalted.
13 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi.
But woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! because you shut up the kingdom of the heavens against the people: for you do not go in, neither do you permit those coming in to enter.
14 Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa.
15 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi. (Geenna )
Woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! because you compass the sea and the dry land to make one proselyte, and when it may be done, you make him twofold more the son of hell than yourselves. (Geenna )
16 “Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’
Woe unto you, blind guides, who are saying, Whosoever may swear by the temple it is nothing; but whosoever may swear by the gold of the temple, he is debtor.
17 Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene?
Ye fools and blind: for which is the greater, the gold, or the temple sanctifying the gold?
18 Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’
And, Whosoever may swear by the altar, it is nothing; but whosoever may swear by the gift upon it, is debtor.
19 Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene?
Ye blind: for which is the greater, the gift, or the altar which sanctifies the gift?
20 Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi.
Therefore the one swearing by the altar, swears by it, and by all things which are on it.
21 Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi.
And the one swearing by the temple, swears by it, and by Him who inhabited it.
22 Uye uyo anopika nedenga anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri.
And the one swearing by heaven, swears by the throne of God, and by Him that sitteth upon it.
23 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuhwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi munoshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga.
Woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! because you tithe mint and anise and cummin, and pass by the weightier matters of the law, judgment, mercy, and faith: it behooves to do these and not to neglect those.
24 Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera.
Ye blind guides, who strain out the gnat, and swallow down the camel.
25 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora.
Woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! because you purify the exterior of the cup and the plate, and within they are full of extortion and impurity.
26 Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo.
Ye blind Pharisee, first purify the inside of the cup, in order that its outside may be clean.
27 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina.
Woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! because you are like whitened sepulchers, which are beautiful indeed externally, but within they are full of the hones of the dead people, and every impurity.
28 Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.
So you also appear unto the people indeed righteous, but within you are full of hypocrisy and iniquity.
29 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama.
Woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! because you build the tombs of the prophets, and ornament the sepulchers of the righteous,
30 Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’
and you say, If we were in the days of our fathers we would not have been their fellow-partakers in the blood of the prophets.
31 Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita.
So you witness to yourselves, that you are the sons of those who murdered the prophets.
32 Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu!
And you fill up the measure of your fathers.
33 “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena? (Geenna )
Ye serpents, generations of vipers, how can you escape from the judgment of hell? (Geenna )
34 Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta.
Therefore I send unto you prophets, and wise men, and scribes: you will kill and crucify some of them; and will scourge some of them in your synagogues, and will persecute them from city to city;
35 Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZekaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari.
in order that all the righteous blood shed upon the earth, from the blood of righteous Abel, unto the blood of Zachariah the son of the blessed, whom they slew between the temple and the altar, may come upon you.
36 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvose izvi zvichava pamusoro porudzi urwu.
Truly I say unto you, all these things shall come upon this generation.
37 “Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo.
O Jerusalem, Jerusalem, thou that killest the prophets, and stonest them that have been sent unto thee! how frequently did I wish to gather together thy children, in the manner in which a hen gathers her brood under her wings, but ye were not willing!
38 Tarira, wasiyirwa imba yako yangova dongo.
Behold, your house is left unto you desolate.
39 Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’”
For I say unto you, that ye can see me no more until you can say; Blessed is He that cometh in the name of the Lord.