< Mateo 22 >

1 Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti,
ܘܥܢܐ ܬܘܒ ܝܫܘܥ ܒܡܬܠܐ ܘܐܡܪ
2 “Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa.
ܐܬܕܡܝܬ ܡܠܟܘܬܐ ܕܫܡܝܐ ܠܓܒܪܐ ܡܠܟܐ ܕܥܒܕ ܡܫܬܘܬܐ ܠܒܪܗ
3 Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.
ܘܫܕܪ ܠܥܒܕܘܗܝ ܕܢܩܪܘܢ ܠܡܙܡܢܐ ܠܡܫܬܘܬܐ ܘܠܐ ܨܒܘ ܠܡܐܬܐ
4 “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’
ܬܘܒ ܫܕܪ ܥܒܕܐ ܐܚܪܢܐ ܘܐܡܪ ܐܡܪܘ ܠܡܙܡܢܐ ܕܗܐ ܫܪܘܬܝ ܡܛܝܒܐ ܘܬܘܪܝ ܘܡܦܛܡܝ ܩܛܝܠܝܢ ܘܟܠ ܡܕܡ ܡܛܝܒ ܬܘ ܠܡܫܬܘܬܐ
5 “Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake.
ܗܢܘܢ ܕܝܢ ܒܤܘ ܘܐܙܠܘ ܐܝܬ ܕܠܩܪܝܬܗ ܘܐܝܬ ܕܠܬܐܓܘܪܬܗ
6 Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya.
ܫܪܟܐ ܕܝܢ ܐܚܕܘ ܠܥܒܕܘܗܝ ܘܨܥܪܘ ܘܩܛܠܘ
7 Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo.
ܟܕ ܫܡܥ ܕܝܢ ܡܠܟܐ ܪܓܙ ܘܫܕܪ ܚܝܠܘܬܗ ܐܘܒܕ ܠܩܛܘܠܐ ܗܢܘܢ ܘܠܡܕܝܢܬܗܘܢ ܐܘܩܕ
8 “Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye.
ܗܝܕܝܢ ܐܡܪ ܠܥܒܕܘܗܝ ܡܫܬܘܬܐ ܡܛܝܒܐ ܘܗܢܘܢ ܕܡܙܡܢܝܢ ܗܘܘ ܠܐ ܫܘܝܢ ܗܘܘ
9 Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’
ܙܠܘ ܗܟܝܠ ܠܡܦܩܢܐ ܕܐܘܪܚܬܐ ܘܟܠ ܡܢ ܕܡܫܟܚܝܢ ܐܢܬܘܢ ܩܪܘ ܠܡܫܬܘܬܐ
10 Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.
ܘܢܦܩܘ ܥܒܕܐ ܗܢܘܢ ܠܐܘܪܚܬܐ ܘܟܢܫܘ ܟܠ ܕܐܫܟܚܘ ܒܝܫܐ ܘܛܒܐ ܘܐܬܡܠܝ ܒܝܬ ܡܫܬܘܬܐ ܤܡܝܟܐ
11 “Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa.
ܘܥܠ ܡܠܟܐ ܕܢܚܙܐ ܤܡܝܟܐ ܘܚܙܐ ܬܡܢ ܓܒܪܐ ܕܠܐ ܠܒܝܫ ܠܒܘܫܐ ܕܡܫܬܘܬܐ
12 Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.
ܘܐܡܪ ܠܗ ܚܒܪܝ ܐܝܟܢܐ ܥܠܬ ܠܟܐ ܟܕ ܢܚܬܐ ܕܡܫܬܘܬܐ ܠܝܬ ܠܟ ܗܘ ܕܝܢ ܐܫܬܬܩ
13 “Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
ܗܝܕܝܢ ܐܡܪ ܡܠܟܐ ܠܡܫܡܫܢܐ ܐܤܘܪܘ ܐܝܕܘܗܝ ܘܪܓܠܘܗܝ ܘܐܦܩܘܗܝ ܠܚܫܘܟܐ ܒܪܝܐ ܬܡܢ ܢܗܘܐ ܒܟܝܐ ܘܚܘܪܩ ܫܢܐ
14 “Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.”
ܤܓܝܐܝܢ ܐܢܘܢ ܓܝܪ ܩܪܝܐ ܘܙܥܘܪܝܢ ܓܒܝܐ
15 Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake.
ܗܝܕܝܢ ܐܙܠܘ ܦܪܝܫܐ ܢܤܒܘ ܡܠܟܐ ܕܐܝܟܢܐ ܢܨܘܕܘܢܝܗܝ ܒܡܠܬܐ
16 Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani.
ܘܫܕܪܘ ܠܘܬܗ ܬܠܡܝܕܝܗܘܢ ܥܡ ܕܒܝܬ ܗܪܘܕܤ ܘܐܡܪܝܢ ܠܗ ܡܠܦܢܐ ܝܕܥܝܢܢ ܕܫܪܝܪ ܐܢܬ ܘܐܘܪܚܐ ܕܐܠܗܐ ܒܩܘܫܬܐ ܡܠܦ ܐܢܬ ܘܠܐ ܫܩܝܠ ܐܢܬ ܨܦܬܐ ܕܐܢܫ ܠܐ ܓܝܪ ܢܤܒ ܐܢܬ ܒܐܦܐ ܕܐܢܫܐ
17 Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?”
ܐܡܪ ܠܢ ܗܟܝܠ ܐܝܟܢܐ ܡܬܚܙܐ ܠܟ ܫܠܝܛ ܠܡܬܠ ܟܤܦ ܪܫܐ ܠܩܤܪ ܐܘ ܠܐ
18 Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko?
ܝܫܘܥ ܕܝܢ ܝܕܥ ܒܝܫܘܬܗܘܢ ܘܐܡܪ ܡܢܐ ܡܢܤܝܢ ܐܢܬܘܢ ܠܝ ܢܤܒܝ ܒܐܦܐ
19 Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari
ܚܘܐܘܢܝ ܕܝܢܪܐ ܕܟܤܦ ܪܫܐ ܗܢܘܢ ܕܝܢ ܩܪܒܘ ܠܗ ܕܝܢܪܐ
20 uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?”
ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ ܝܫܘܥ ܕܡܢܘ ܨܠܡܐ ܗܢܐ ܘܟܬܒܐ
21 Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”
ܐܡܪܝܢ ܕܩܤܪ ܐܡܪ ܠܗܘܢ ܗܒܘ ܗܟܝܠ ܕܩܤܪ ܠܩܤܪ ܘܕܐܠܗܐ ܠܐܠܗܐ
22 Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.
ܘܟܕ ܫܡܥܘ ܐܬܕܡܪܘ ܘܫܒܩܘܗܝ ܘܐܙܠܘ
23 Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.
ܒܗܘ ܝܘܡܐ ܩܪܒܘ ܙܕܘܩܝܐ ܘܐܡܪܝܢ ܠܗ ܠܝܬ ܚܝܬ ܡܝܬܐ ܘܫܐܠܘܗܝ
24 Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana.
ܘܐܡܪܝܢ ܠܗ ܡܠܦܢܐ ܡܘܫܐ ܐܡܪ ܠܢ ܕܐܢ ܐܢܫ ܢܡܘܬ ܟܕ ܠܝܬ ܠܗ ܒܢܝܐ ܢܤܒ ܐܚܘܗܝ ܐܢܬܬܗ ܘܢܩܝܡ ܙܪܥܐ ܠܐܚܘܗܝ
25 Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira mununʼuna wake mukadzi.
ܐܝܬ ܗܘܘ ܕܝܢ ܠܘܬܢ ܐܚܐ ܫܒܥܐ ܩܕܡܝܐ ܫܩܠ ܐܢܬܬܐ ܘܡܝܬ ܘܕܠܝܬ ܗܘܐ ܠܗ ܒܢܝܐ ܫܒܩܗ ܐܢܬܬܗ ܠܐܚܘܗܝ
26 Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe.
ܗܟܘܬ ܐܦ ܗܘ ܕܬܪܝܢ ܘܐܦ ܗܘ ܕܬܠܬܐ ܘܥܕܡܐ ܠܫܒܥܬܝܗܘܢ
27 Pakupedzisira mukadzi akazofawo.
ܒܚܪܬܐ ܕܝܢ ܕܟܠܗܘܢ ܡܝܬܬ ܐܦ ܐܢܬܬܐ
28 Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?”
ܒܩܝܡܬܐ ܗܟܝܠ ܠܐܝܢܐ ܡܢ ܗܠܝܢ ܫܒܥܐ ܬܗܘܐ ܐܢܬܬܐ ܟܠܗܘܢ ܓܝܪ ܢܤܒܘܗ
29 Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.
ܥܢܐ ܝܫܘܥ ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ ܛܥܝܢ ܐܢܬܘܢ ܕܠܐ ܝܕܥܝܢ ܐܢܬܘܢ ܟܬܒܐ ܘܠܐ ܚܝܠܗ ܕܐܠܗܐ
30 Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga.
ܒܩܝܡܬܐ ܓܝܪ ܕܡܝܬܐ ܠܐ ܢܤܒܝܢ ܢܫܐ ܐܦܠܐ ܢܫܐ ܗܘܝܢ ܠܓܒܪܐ ܐܠܐ ܐܝܟ ܡܠܐܟܐ ܕܐܠܗܐ ܒܫܡܝܐ ܐܝܬܝܗܘܢ
31 Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti,
ܥܠ ܩܝܡܬܐ ܕܝܢ ܕܡܝܬܐ ܠܐ ܩܪܝܬܘܢ ܡܕܡ ܕܐܬܐܡܪ ܠܟܘܢ ܡܢ ܐܠܗܐ ܕܐܡܪ
32 ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”
ܕܐܢܐ ܐܢܐ ܐܠܗܗ ܕܐܒܪܗܡ ܐܠܗܗ ܕܐܝܤܚܩ ܐܠܗܗ ܕܝܥܩܘܒ ܘܐܠܗܐ ܠܐ ܗܘܐ ܕܡܝܬܐ ܐܠܐ ܕܚܝܐ
33 Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
ܘܟܕ ܫܡܥܘ ܟܢܫܐ ܡܬܬܡܗܝܢ ܗܘܘ ܒܝܘܠܦܢܗ
34 Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete.
ܦܪܝܫܐ ܕܝܢ ܟܕ ܫܡܥܘ ܕܫܬܩ ܠܙܕܘܩܝܐ ܐܬܟܢܫܘ ܐܟܚܕܐ
35 Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti,
ܘܫܐܠܗ ܚܕ ܡܢܗܘܢ ܕܝܕܥ ܢܡܘܤܐ ܟܕ ܡܢܤܐ ܠܗ
36 “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?”
ܡܠܦܢܐ ܐܝܢܐ ܦܘܩܕܢܐ ܪܒ ܒܢܡܘܤܐ
37 Jesu akapindura akati, “‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’
ܝܫܘܥ ܕܝܢ ܐܡܪ ܠܗ ܕܬܪܚܡ ܠܡܪܝܐ ܐܠܗܟ ܡܢ ܟܠܗ ܠܒܟ ܘܡܢ ܟܠܗ ܢܦܫܟ ܘܡܢ ܟܠܗ ܚܝܠܟ ܘܡܢ ܟܠܗ ܪܥܝܢܟ
38 Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga.
ܗܢܘ ܦܘܩܕܢܐ ܪܒܐ ܘܩܕܡܝܐ
39 Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’
ܘܕܬܪܝܢ ܕܕܡܐ ܠܗ ܕܬܪܚܡ ܠܩܪܝܒܟ ܐܝܟ ܢܦܫܟ
40 Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”
ܒܗܠܝܢ ܬܪܝܢ ܦܘܩܕܢܝܢ ܬܠܝܐ ܐܘܪܝܬܐ ܘܢܒܝܐ
41 VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati,
ܟܕ ܟܢܝܫܝܢ ܕܝܢ ܦܪܝܫܐ ܫܐܠ ܐܢܘܢ ܝܫܘܥ
42 “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.”
ܘܐܡܪ ܡܢܐ ܐܡܪܝܢ ܐܢܬܘܢ ܥܠ ܡܫܝܚܐ ܒܪ ܡܢܘ ܐܡܪܝܢ ܠܗ ܒܪ ܕܘܝܕ
43 Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti,
ܐܡܪ ܠܗܘܢ ܘܐܝܟܢܐ ܕܘܝܕ ܒܪܘܚ ܩܪܐ ܠܗ ܡܪܝܐ ܐܡܪ ܓܝܪ
44 “‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’
ܕܐܡܪ ܡܪܝܐ ܠܡܪܝ ܬܒ ܠܟ ܡܢ ܝܡܝܢܝ ܥܕܡܐ ܕܐܤܝܡ ܒܥܠܕܒܒܝܟ ܬܚܝܬ ܪܓܠܝܟ
45 Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?”
ܐܢ ܗܟܝܠ ܕܘܝܕ ܩܪܐ ܠܗ ܡܪܝܐ ܐܝܟܢܐ ܒܪܗ ܗܘ
46 Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.
ܘܠܐ ܐܢܫ ܐܫܟܚ ܕܢܬܠ ܠܗ ܦܬܓܡܐ ܘܠܐ ܐܢܫ ܐܡܪܚ ܬܘܒ ܡܢ ܗܘ ܝܘܡܐ ܠܡܫܐܠܘܬܗ

< Mateo 22 >