< Mateo 19 >

1 Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda kudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani.
At the conclusion of this teaching, Jesus withdrew from Galilee, and went into that district of Judea which is on the other side of the Jordan.
2 Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera uye akavaporesa ikoko.
Great crowds followed him, and he cured them there.
3 Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?”
Presently some Pharisees came up to him, and, to test him, said: “Has a man the right to divorce his wife for every cause?”
4 Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi,
“Have not you read,” replied Jesus, “that at the beginning the Creator ‘made them male and female,’
5 akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’
and said — ‘For this reason a man shall leave his father and mother, and be united to his wife, and the man and his wife shall become one’?
6 Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.”
So that they are no longer two, but one. What God himself, then, has yoked together man must not separate.”
7 Vakabvunzazve vachiti, “Sei Mozisi akarayira kuti murume ape mukadzi wake rugwaro rwokumuramba obva amuendesa?”
“Why, then,” they said, “did Moses direct that a man should ‘serve his wife with a notice of separation and divorce her’?”
8 Jesu akapindura achiti, “Mozisi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi zvainge zvisina kudaro kubva pakutanga.
“Moses, owing to the hardness of your hearts,” answered Jesus, “permitted you to divorce your wives, but that was not so at the beginning.
9 Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe.”
But I tell you that any one who divorces his wife, except on the ground of her unchastity, and marries another woman, is guilty of adultery.”
10 Vadzidzi vake vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro azvakaita pakati pomurume nomukadzi, zviri nani kusawana.”
“If that,” said the disciples, “is the position of a man with regard to his wife, it is better not to marry.”
11 Jesu akapindura akati kwavari, “Haasi wose anogamuchira shoko iri, asi kune avo chete vakaripiwa.
“It is not every one,” replied Jesus, “who can accept this teaching, but only those who have been enabled to do so.
12 Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire.”
Some men, it is true, have from birth been disabled for marriage, while others have been disabled by their fellow men, and others again have disabled themselves for the sake of the Kingdom of Heaven. Let him accept it who can.”
13 Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo.
Then some little children were brought to Jesus, for him to place his hands on them, and pray; but the disciples found fault with those who had brought them.
14 Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.”
Jesus, however, said: “Let the little children come to me, and do not hinder them, for it is to the childlike that the Kingdom of Heaven belongs.”
15 Akati aisa maoko ake pamusoro pavo, akabva ipapo.
So he placed his hands on them, and then went on his way.
16 Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?” (aiōnios g166)
And a man came up to Jesus, and said: “Teacher, what good thing must I do to obtain Immortal Life?” (aiōnios g166)
17 Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Kunongova noMumwe chete akanaka. Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro.”
“Why ask me about goodness?” answered Jesus. “There is but One who is good. If you want to enter the Life, keep the commandments.”
18 Murume uya akabvunza achiti, “Ipiko?” Jesu akapindura akati, “‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema.
“What commandments?” asked the man. “These,” answered Jesus: — “‘Thou shalt not kill. Thou shalt not commit adultery. Thou shalt not steal. Thou shalt not say what is false about others.
19 Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’”
Honour thy father and thy mother.’ And ‘Thou shalt love thy neighbour as thou dost thyself.”
20 Jaya riya rakati, “Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?”
“I have observed all these,” said the young man. “What is still wanting in me?”
21 Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.”
“If you wish to be perfect,” answered Jesus, “go and sell your property, and give to the poor, and you shall have wealth in Heaven; then come and follow me.”
22 Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo.
On hearing these words, the young man went away distressed, for he had great possessions.
23 Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga.
At this, Jesus said to his disciples: “I tell you that a rich man will find it hard to enter the Kingdom of Heaven!
24 Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
I say again, it is easier for a camel to get through a needle’s eye than for a rich man to enter the Kingdom of Heaven!”
25 Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, “Ndiani zvino achaponeswa?”
On hearing this, the disciples exclaimed in great astonishment: “Who then can possibly be saved?”
26 Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”
But Jesus looked at them, and said: “With men this is impossible, but with God everything is possible.” Then Peter turned and said to Jesus:
27 Petro akamupindura akati, “Takasiya zvose kuti tikuteverei! Zvino tichawaneiko?”
“But we — we left everything, and followed you; what, then, shall we have?”
28 Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti pakuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwanakomana woMunhu paachagara pachigaro chake chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga marudzi gumi namaviri eIsraeri.
“I tell you,” answered Jesus, “that at the New Creation, ‘when the Son of Man takes his seat on his throne of glory,’ you who followed me shall be seated upon twelve thrones, as judges of the twelve tribes of Israel.
29 Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi. (aiōnios g166)
Every one who has left houses, or brothers, or sisters, or father, or mother, or children, or land, on account of my Name, will receive many times as much, and will ‘gain Immortal Life.’ (aiōnios g166)
30 Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira uye navazhinji vokupedzisira vachava vokutanga.
But many who are first now will then be last, and those who are last will be first.

< Mateo 19 >