< Mateo 17 >

1 Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakobho naJohani mununʼuna waJakobho akakwira navo mugomo refu vari voga.
כעבור שישה ימים לקח ישוע את פטרוס, את יעקב ואת אחיו יוחנן, ועלה איתם על פסגת הר גבוה.
2 Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza.
כשהביטו התלמידים בישוע, הוא השתנה לנגד עיניהם: פניו זרחו כשמש ובגדיו הלבינו והבריקו.
3 Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu.
לפתע הופיעו משה רבנו ואליהו הנביא ודיברו עם ישוע.
4 Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.”
”אדון, כמה טוב שאנחנו כאן!“קרא פטרוס.”אם אתה רוצה, אבנה כאן שלוש סוכות לכבוד – לך, למשה ולאליהו!“
5 Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira, uye inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!”
בזמן שפטרוס דיבר, ענן כיסה את השלושה ויצא משם קול שאמר:”זהו בני אהובי, שבו חפצתי. שמעו בקולו!“
6 Vadzidzi vakati vanzwa izvi, vakawira pasi nezviso zvavo vachitya kwazvo.
כששמעו התלמידים את הקול, נפלו על־פניהם מבוהלים ונפחדים.
7 Asi Jesu akauya akavabata. Akati, “Mukai. Musatya.”
ישוע ניגש אליהם ונגע בהם.”קומו, “אמר,”אל תפחדו!“
8 Pavakasimudza misoro vachitarisa vakazongoona Jesu ava oga.
כשהביטו התלמידים סביבם, ראו שישוע לבדו איתם.
9 Pavakanga vava kuburuka kubva mugomo, Jesu akavarayira achiti, “Musamboudza ani zvake zvamaona izvi kusvikira Mwanakomana woMunhu amutswa kubva kuvakafa.”
כאשר ירדו מההר ישוע ציווה עליהם שלא יספרו לאיש את מה שראו, עד לאחר שיקום מן המתים.
10 Vadzidzi vakamubvunza vakati, “Ko, sei vadzidzisi vemirayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”
”מדוע הסופרים אומרים שאליהו הנביא צריך לבוא תחילה (לפני המשיח)?“שאלו התלמידים את ישוע.
11 Jesu akapindura akati, “Ichokwadi kuti Eria achauya agovandudza zvinhu zvose.
”הם צודקים“, ענה ישוע.”אליהו באמת יבוא קודם וישליט סדר בכל.
12 Asi ndinokuudzai kuti Eria akatouya kare asi havana kumuziva, uye vakaita kwaari zvavaida. Saizvozvo Mwanakomana woMunhu achatambudzwa pamaoko avo.”
למעשה אליהו כבר בא, אולם אנשים רבים לא הכירו אותו ואף פגעו בו. גם בן־האדם יסבול מידיהם.“
13 Ipapo vadzidzi vakanzwisisa kuti aitaura kwavari nezvaJohani Mubhabhatidzi.
אז הבינו התלמידים שישוע דיבר על יוחנן המטביל.
14 Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati,
כשהגיעו למרגלות ההר כבר ציפו להם אנשים רבים. איש אחד התקרב אל ישוע, כרע ברך לפניו והתחנן:
15 “Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvinomuwisira mumoto kana mumvura.
”אדוני, רחם נא על בני. הוא חולה במחלת אפילפסיה וסובל מאוד. לעתים קרובות הוא נופל לתוך אש או מים.
16 Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa.”
הבאתי את בני אל תלמידיך, אבל הם לא יכלו לרפא אותו.“
17 Jesu akapindura akati, “Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri.”
”מה עיקש וחסר־אמונה הדור הזה!“קרא ישוע.”עד מתי יהיה עלי לסבול אתכם? הביאו אלי את הילד!“
18 Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo.
ישוע גער בשד שהיה בתוך הילד, והשד יצא ממנו. באותו רגע הילד נרפא.
19 Ipapo vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga vakamubvunza vachiti, “Ko, takundikana sei kuridzinga?”
לאחר מכן, כשהתלמידים היו לבד עם ישוע, שאלו אותו:”מדוע אנחנו לא יכולנו לגרש את השד?“
20 Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita.
”בגלל חוסר אמונתכם“, השיב ישוע.”אילו הייתה לכם אמונה אפילו כגרגר של חרדל, יכולתם לומר להר הזה:’זוז!‘והוא באמת היה זז, מכיוון שתוכלו לעשות כל דבר.
21 Asi rudzi urwu rwomweya runongobviswa chete nokunyengetera nokutsanya.”
אבל שד כזה יוצא רק לאחר צום ותפילה.“
22 Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu.
יום אחד כשהיו בגליל אמר ישוע לתלמידיו:”בן־האדם עומד להימסר לידי אנשים,
23 Vachamuuraya asi pazuva retatu achamutswa.” Uye vadzidzi vakasuwa kwazvo.
והם יהרגו אותו; אולם לאחר שלושה ימים יקום לתחייה.“דבריו אלה ציערו את התלמידים ואף הפחידו אותם.
24 Jesu navadzidzi vake vakati vasvika muKapenaume, vateresi vomutemberi vakauya kuna Petro vakabvunza vachiti, “Ko, mudzidzisi wenyu haaripi mutero womutemberi here?”
בבואם אל כפר־נחום ניגשו אל פטרוס גובי מס מחצית השקל של המקדש ושאלו אותו:”האם אין הרב שלך משלם את המס?“
25 Akapindura akati, “Hongu, anoripa.” Petro paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura achiti, “Unofungei, Simoni? Madzimambo enyika anotora mutero kuvana vavo here kana kuti kuna vamwe?”
”ודאי שהוא משלם“, השיב פטרוס. לאחר מכן נכנס פטרוס אל הבית כדי לשוחח על כך עם ישוע, אולם עוד לפני שהספיק לפתוח את פיו שאל אותו ישוע:”מה דעתך, פטרוס? ממי דורשים המלכים מס, מבני העם שלהם או מזרים?“
26 Petro akapindura akati, “Kuna vamwe.” Jesu akati, “Saka vana vakasununguka.
”מהזרים, כמובן“, השיב פטרוס.”אם כן, הבנים פטורים מכך.“אמר ישוע.”אולם היות שאיננו רוצים לפגוע באנשים האלה, לך אל הים והשלך חכה למים. פתח את פיו של הדג הראשון שתצוד, ותמצא בו מטבע. במטבע זה שלם את המס עבור שנינו.“
27 Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape.”

< Mateo 17 >