< Mateo 16 >

1 VaFarisi navaSadhusi vakauya kuna Jesu vakamuedza nokumukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.
יום אחד באו פרושים וצדוקים אל ישוע כדי לנסות אותו, וביקשו ממנו שיחולל למענם נס מהשמים.
2 Akavapindura achiti, “Panosvika nguva yamadekwana munoti, ‘Mamiriro okunze achange akanaka nokuti denga rakatsvuka.’
אולם ישוע ענה להם:”אתם יודעים היטב כיצד לפרש את סימני הטבע! אם, למשל, לפנות ערב השמים אדומים, אתם אומרים שלמחרת יהיה מזג אוויר נאה. ואם בבוקר השמים קודרים, אתם אומרים שמזג האוויר יהיה סוער, ואתם צודקים. אולם אינכם מבינים את משמעות העת שבה אנו חיים!
3 Uye mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchanaya mvura ine dutu nokuti denga rakatsvuka uye kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.
4 Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi hapana chichapiwa kwarwuri kunze kwechiratidzo chaJona.” Ipapo Jesu akavasiya, akaenda kumwe.
דור רע וכופר זה מבקש לו אות כלשהו מהשמים, אבל האות היחיד שינתן לו הוא זה של יונה הנביא!“וישוע הלך משם.
5 Pavakayambuka mhiri kwegungwa, vadzidzi vakakanganwa kutakura chingwa.
בהגיעם אל הגדה השנייה של הכינרת גילו התלמידים כי שכחו לקחת איתם אוכל.
6 Jesu akati kwavari, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.”
”היזהרו מהשאור של הפרושים והצדוקים!“הזהיר ישוע את תלמידיו.
7 Vakakurukura nezvenyaya iyi pakati pavo vakati, “Anodaro nokuti hatina kuuya nechingwa.”
הם חשבו שהוא אמר זאת משום ששכחו לקחת איתם לחם.
8 Achiziva izvi Jesu akavabvunza akati, “Imi vokutenda kuduku, ko, muri kutauriranei pakati penyu nezvokusava nechingwa?
ישוע ידע את מחשבותיהם, ולכן אמר:”חסרי־אמונה שכמוכם! מדוע אתם דואגים כל כך שאין לכם לחם?
9 Hamusati mava kunzwisisa here? Hamurangariri here zvingwa zvishanu zvavanhu vane zviuru zvishanu uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza?
האם לעולם לא תבינו? האם אינכם זוכרים כלל את חמשת־אלפים האנשים שהאכלתי בחמש ככרות לחם, ואת הסלים המלאים בשאריות?
10 Kana kuti zvingwa zvinomwe zvavanhu zviuru zvina uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza?
האם שכחתם את ארבעת־אלפים האנשים שהאכלתי, ואת סלי השאריות שנשארו?
11 Hamunzwisisi sei kuti ndanga ndisingatauri kwamuri nezvechingwa? Asi chenjererai mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.”
כיצד יכולתם להעלות על דעתכם שדיברתי על מזון? אולם אני חוזר ואומר: היזהרו מהשאור של הפרושים והצדוקים!“
12 Ipapo vakanzwisisa kuti ainge asingavaudzi kuti vachenjerere mbiriso inoshandiswa muchingwa, asi nezvedzidziso yavaFarisi navaSadhusi.
לבסוף הבינו התלמידים שבמילה”שאור“התכוון ישוע ללימודים של הפרושים והצדוקים.
13 Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiani?”
כשהגיע ישוע לקיסריה של פיליפוס, שאל את תלמידיו:”מה אומרים עלי האנשים? מי הם חושבים שאני?“
14 Vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwewo vanoti Eria, vamwewo vachiti Jeremia kana mumwe wavaprofita.”
”יש האומרים שאתה יוחנן המטביל, אחרים – שאתה אליהו, ואחדים אומרים שאתה ירמיהו או נביא אחר.“
15 Akabvunza akati, “Ko, imi munoti ndini ani?”
”ומי אתם חושבים שאני?“המשיך ישוע לשאול.
16 Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”
”אתה המשיח בן אלוהים חיים!“השיב שמעון פטרוס.
17 Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga.
”אשריך, שמעון בן־יונה, “אמר לו ישוע,”כי אבי שבשמים הוא זה שגילה לך את האמת הזאת, ולא בן אדם.
18 Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi. (Hadēs g86)
כשמך כן אתה: פטרוס – סלע; על סלע זה אבנה את קהילתי, וכל כוחות שאול לא יגברו עליה. (Hadēs g86)
19 Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokudenga; chose chaunosunga pano pasi chichasungwa kudenga, uye chose chaunosunungura pano pasi nokudenga chichasunungurwa.”
אני אתן לך את מפתחות מלכות השמים; כל מה שתסגור בארץ יהיה סגור בשמים, וכל מה שתפתח עלי אדמות יהיה פתוח בשמיים!“
20 Ipapo akayambira vadzidzi vake kuti vasaudze ani zvake kuti iye ndiye Kristu.
לאחר מכן הזהיר ישוע את תלמידיו שלא יספרו לאיש כי הוא המשיח.
21 Kubva panguva iyoyo Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema kundotambudzwa kwazvo pamaoko avakuru navaprista vakuru navadzidzisi vemirayiro uye kuti anofanira kuurayiwa nokumutswazve pazuva retatu.
מאותה עת ואילך החל ישוע לספר לתלמידיו שהוא עומד לעלות לירושלים, שיסבול שם מידי זקני העם והכוהנים הגדולים והסופרים, שייהרג, ושלאחר שלושה ימים יקום לתחייה מן המתים.
22 Petro akamutora padivi akatanga kumutsiura achiti, “Hazviitiki, Ishe. Izvi hazvisi kuzoitika kwamuri!”
פטרוס לקח את ישוע הצידה והוכיח אותו:”אל תדבר כך! אסור שיקרה לך דבר כזה!“
23 Jesu akatendeukira kwaari akati, “Enda shure kwangu Satani! Uri chigumbuso kwandiri nokuti hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako asi zvavanhu.”
”סור ממני, שטן שכמוך!“אמר לו ישוע.”אתה מכשול בדרכי; אתה מסתכל על הדברים מנקודת ראות אנושית, ולא מנקודת ראותו של אלוהים.“
24 Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
ישוע פנה לתלמידיו ואמר:”מי שרוצה ללכת בעקבותיי עליו להתכחש לעצמו, לשאת את צלבו וללכת אחרי.
25 Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.
כי מי שמנסה להציל את חייו – יאבד אותם, ואילו מי שיוותר על חייו למעני – ימצא אותם.
26 Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
שהרי מה התועלת לאדם המרוויח את העולם כולו, אולם מפסיד חיי־נצח? האם יש משהו שאפשר להשוות לחיי נצח?
27 Nokuti Mwanakomana woMunhu achauya ari mukubwinya kwaBaba vake aine vatumwa vake, ipapo achapa mubayiro kuno mumwe nomumwe maererano namabasa ake.
”בן־האדם ישוב עם מלאכיו בתפארת אביו, וישפוט כל אדם לפי מעשיו.
28 Ndinokuudzai chokwadi kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona Mwanakomana woMunhu achiuya muumambo hwake.”
ואני אומר לכם שאחדים מכם, העומדים כאן עכשיו, לא ימותו לפני שיזכו לראות את בן־האדם בא במלכותו!“

< Mateo 16 >