< Mateo 15 >

1 Ipapo vanyori navaFarisi vakauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema uye vakamubvunza vachiti,
Then, there come unto Jesus from Jerusalem Pharisees and Scribes, saying—
2 “Sei vadzidzi venyu vachityora tsika dzavakuru? Havashambi maoko avo vasati vadya!”
Wherefore do thy disciples transgress the tradition of the elders? for they wash not their hands, when they eat bread!
3 Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu?
But, he, answering, said unto them—Wherefore do, ye also, transgress the commandment of God for the sake of your tradition?
4 Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’
For, God, said—Honour thy father and thy mother, and—He that revileth father or mother, let him, surely die!
5 Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari’,
But, ye, say—Whosoever shall say to his father or his mother—A gift! Whatsoever, out of me, thou mightest be profited,
6 haachafaniri ‘kukudza baba vake’ nacho? Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu.
in nowise, shall honour his father or his mother—and so ye have cancelled, the word of God, for the sake of your, tradition.
7 Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti:
Hypocrites! well prophesied concerning you, Isaiah, saying—
8 “‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.
This people, with the lips, do, honour, me, while, their heart, far off, holdeth from me;
9 Vanondinamata pasina; vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’”
But, in vain, do they pay devotions unto me, teaching, for teachings, the commandments of men.
10 Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise.
And, calling near the multitude, he said to them—Hear and understand!
11 Icho chinopinda mumuromo momunhu ‘hachimusvibisi’, asi chinobuda mumuromo make ndicho ‘chinomusvibisa’.”
Not that which entereth into the mouth, defileth the man, but, that which proceedeth out of the mouth, the same, defileth the man,
12 Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?”
Then, coming near, his disciples say unto him—Knowest thou, that the Pharisees, hearing the word, were caused to stumble?
13 Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa.
And, he, answering, said—Every plant which my heavenly Father hath not planted, will be uprooted:
14 Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.”
Let them alone! they are, blind leaders; and, if the, blind, lead the, blind, both, into a ditch, will fall.
15 Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.”
And Peter, answering, said unto him, Declare to us the parable.
16 Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa?
And, he, said, To this moment, are, ye also, without discernment?
17 Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze!
Perceive ye not that, every thing which entereth into the mouth, into the stomach, findeth way, and, into the draught, is passed;
18 Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu.
while, the things which proceed out of the mouth, out of the heart, come forth, and, they, defile the man.
19 Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu.
For, out of the heart, come forth wicked designs, —murders, adulteries, fornications, thefts, false testimonies, profane speakings:
20 Izvi ndizvo ‘zvinosvibisa’ munhu, asi kudya asina kushamba maoko ‘hazvimusvibisi’.”
these, are the things which defile the man, but, the eating with unwashed hands, doth not defile the man.
21 Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni.
And, going forth from thence, Jesus retired into the parts of Tyre and Zidon.
22 Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.”
And lo! a Canaanite woman, from those bounds, coming forth, began crying out, saying, Have mercy on me, Lord, Son of David! My daughter, is miserably demonized.
23 Jesu haana chaakapindura. Ipapo vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.”
But, he, answered her no a word. And his disciples, coming forward began requesting him, saying—Dismiss her, because she is crying out after us.
24 Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.”
But, he, answering, said, I was not sent forth, save unto the lost sheep of the house of Israel.
25 Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!”
And, she, coming, began bowing down to him, saying, Lord! help me.
26 Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.”
But, he, answering, said, It is, not seemly, to take the loaf of, the children, and cast, to the little dogs.
27 Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.”
And, she, said, True, Lord! [for], even the little dogs, eat of the crumbs which are falling from the table of, their masters.
28 Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo.
Then, answering, Jesus said to her—O woman! great, is, thy faith! Be it, done, for thee, as thou desirest. And her daughter was healed, from that hour.
29 Jesu akabvapo akatevedza gungwa reGarirea. Ipapo akakwira mugomo akagara pasi.
And, passing on from thence, Jesus came near the sea of Galilee, and, going up into the mountain, was sitting there.
30 Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa.
And there came unto him large multitudes, having with themselves the lame, the maimed, the blind, the dumb, and many others, —and they cast them near his feet, and he cured them;
31 Vanhu vakashamiswa kuona mbeveve dzichitaura, mhetamakumbo dzichitwasanudzwa, vakaremara vachifamba namapofu achiona. Vakarumbidza Mwari weIsraeri.
so that the multitude marvelled, seeing the dumb speaking, the lame walking, and the blind seeing, —and they glorified the God of Israel.
32 Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.”
But, Jesus, calling near his disciples, said—My compassions are moved towards the multitude, because [even now], three days, abide they with me, and they have nothing to eat, —and, to dismiss them fasting, I am not willing, lest by any means they faint in the way.
33 Vadzidzi vake vakapindura vachiti, “Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?”
And his disciples say unto him—Whence, to us, in a wilderness, loaves in such numbers as to fill a multitude, so great?
34 Jesu akabvunza akati, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe notuhove tushoma shoma.”
And Jesus saith unto them—How many, loaves have ye? And, they, said, —Seven, and a few small fishes.
35 Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi.
And, sending word to the multitude to recline upon the ground,
36 Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, akavonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose.
he took the seven loaves, and the fishes, and, giving thanks, brake, —and began giving to his disciples, and, the disciples, to the multitudes.
37 Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe.
And they all did eat and were filled, —and, the remainder of the broken pieces, took they up, seven hampers, full.
38 Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi.
And, they who did eat, were four thousand men, besides women and children.
39 Mushure mokunge Jesu aendesa vanhu vazhinji ava, akapinda mugwa ndokubva aenda kudunhu reMagadhani.
And, dismissing the multitudes, he went up into the boat, —and came into the bounds of Magadan.

< Mateo 15 >