< Mateo 13 >

1 Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa.
The same day went Jesus out of the house, and sat by the sea side.
2 Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, vanhu vose vakamira kumahombekombe.
And great multitudes were gathered together to him, so that he went into a ship, and sat; and the whole multitude stood on the shore.
3 Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake.
And he spoke many things to them in parables, saying, Behold, a sower went forth to sow;
4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya.
And when he sowed, some seeds fell by the way side, and the fowls came and devoured them up:
5 Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika.
Some fell on stony places, where they had not much earth: and immediately they sprung up, because they had no deepness of earth:
6 Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.
And when the sun was up, they were scorched; and because they had no root, they withered away.
7 Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga.
And some fell among thorns; and the thorns sprung up, and choked them:
8 Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa.
But other fell into good ground, and brought forth fruit, some an hundred times, some sixty times, some thirty times.
9 Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
Who has ears to hear, let him hear.
10 Vadzidzi vakauya kwaari vakasvikomubvunza vachiti, “Ko, munotaurirei kuvanhu nemifananidzo?”
And the disciples came, and said to him, Why speak you to them in parables?
11 Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari.
He answered and said to them, Because it is given to you to know the mysteries of the kingdom of heaven, but to them it is not given.
12 Kune anazvo achapiwazve zvimwe, uye achava nezvakawanda. Asi ani naani asina kunyange nezvishoma zvaanazvo achazvitorerwa.
For whoever has, to him shall be given, and he shall have more abundance: but whoever has not, from him shall be taken away even that he has.
13 Ndokusaka ndichitaura kwavari nemifananidzo: “Kunyange vachiona asi havaoni, kunyange vachinzwa asi havanzwi kana kunzwisisa.
Therefore speak I to them in parables: because they seeing see not; and hearing they hear not, neither do they understand.
14 Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti: “‘Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi; muchangoramba muchiona asi musingaonesesi.
And in them is fulfilled the prophecy of Isaiah, which says, By hearing you shall hear, and shall not understand; and seeing you shall see, and shall not perceive:
15 Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu, havatombonzwi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvichida vangaona nameso avo, vakanzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakapinduka, uye ndikavaporesa.’
For this people’s heart is waxed gross, and their ears are dull of hearing, and their eyes they have closed; lest at any time they should see with their eyes and hear with their ears, and should understand with their heart, and should be converted, and I should heal them.
16 Asi akaropafadzwa meso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.
But blessed are your eyes, for they see: and your ears, for they hear.
17 Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.
For truly I say to you, That many prophets and righteous men have desired to see those things which you see, and have not seen them; and to hear those things which you hear, and have not heard them.
18 “Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi:
Hear you therefore the parable of the sower.
19 Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira.
When any one hears the word of the kingdom, and understands it not, then comes the wicked one, and catches away that which was sown in his heart. This is he which received seed by the way side.
20 Uyo akagamuchira mbeu yakawira parukangarahwe, ndiye munhu anonzwa shoko, pakarepo origamuchira norufaro.
But he that received the seed into stony places, the same is he that hears the word, and immediately with joy receives it;
21 Asi nokuti haana mudzi, anongorarama naro kwechinguva chipfupi. Kana nhamo kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, anokurumidza kugumburwa.
Yet has he not root in himself, but endures for a while: for when tribulation or persecution rises because of the word, by and by he is offended.
22 Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko. (aiōn g165)
He also that received seed among the thorns is he that hears the word; and the care of this world, and the deceitfulness of riches, choke the word, and he becomes unfruitful. (aiōn g165)
23 Asi uyo anogamuchira shoko rakawira muvhu rakanaka ndiye munhu anonzwa shoko orinzwisisa. Ndiye anobereka mbeu inoburitsa zana, kana makumi matanhatu kana makumi matatu ezvakakushwa.”
But he that received seed into the good ground is he that hears the word, and understands it; which also bears fruit, and brings forth, some an hundred times, some sixty, some thirty.
24 Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make.
Another parable put he forth to them, saying, The kingdom of heaven is likened to a man which sowed good seed in his field:
25 Asi munhu wose avete, muvengi wake akauya akakusha sawi pakati pegorosi, ndokubva aenda.
But while men slept, his enemy came and sowed tares among the wheat, and went his way.
26 Asi kuzoti gorosi ramera rikatumbuka, ipapo sawi rakaonekwawo.
But when the blade was sprung up, and brought forth fruit, then appeared the tares also.
27 “Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’
So the servants of the householder came and said to him, Sir, did not you sow good seed in your field? from where then has it tares?
28 “Akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’ “Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’
He said to them, An enemy has done this. The servants said to him, Will you then that we go and gather them up?
29 “Akapindura akati, ‘Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo.
But he said, No; lest while you gather up the tares, you root up also the wheat with them.
30 Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’”
Let both grow together until the harvest: and in the time of harvest I will say to the reapers, Gather you together first the tares, and bind them in bundles to burn them: but gather the wheat into my barn.
31 Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make.
Another parable put he forth to them, saying, The kingdom of heaven is like to a grain of mustard seed, which a man took, and sowed in his field:
32 Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti wokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.”
Which indeed is the least of all seeds: but when it is grown, it is the greatest among herbs, and becomes a tree, so that the birds of the air come and lodge in the branches thereof.
33 Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, kusvikira yapinda muchikanyiwa chose.”
Another parable spoke he to them; The kingdom of heaven is like to leaven, which a woman took, and hid in three measures of meal, till the whole was leavened.
34 Jesu akataura zvinhu izvi zvose kuvanhu nemifananidzo. Haana chaakataura kwavari asingashandisi mifananidzo.
All these things spoke Jesus to the multitude in parables; and without a parable spoke he not to them:
35 Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi: “Ndichataura nemifananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.”
That it might be fulfilled which was spoken by the prophet, saying, I will open my mouth in parables; I will utter things which have been kept secret from the foundation of the world.
36 Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.”
Then Jesus sent the multitude away, and went into the house: and his disciples came to him, saying, Declare to us the parable of the tares of the field.
37 Akapindura akati, “Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu.
He answered and said to them, He that sows the good seed is the Son of man;
38 Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vanakomana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa,
The field is the world; the good seed are the children of the kingdom; but the tares are the children of the wicked one;
39 muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa. (aiōn g165)
The enemy that sowed them is the devil; the harvest is the end of the world; and the reapers are the angels. (aiōn g165)
40 “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. (aiōn g165)
As therefore the tares are gathered and burned in the fire; so shall it be in the end of this world. (aiōn g165)
41 Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa.
The Son of man shall send forth his angels, and they shall gather out of his kingdom all things that offend, and them which do iniquity;
42 Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.
And shall cast them into a furnace of fire: there shall be wailing and gnashing of teeth.
43 Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
Then shall the righteous shine forth as the sun in the kingdom of their Father. Who has ears to hear, let him hear.
44 “Umambo hwokudenga hwakafanana nepfuma yakavigwa mumunda. Mumwe murume akati aiwana, akaivigazve, uye ipapo mukufara kwake, akaenda akandotengesa zvose zvaaiva nazvo ndokutenga munda iwoyo.
Again, the kingdom of heaven is like to treasure hid in a field; the which when a man has found, he hides, and for joy thereof goes and sells all that he has, and buys that field.
45 “Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka.
Again, the kingdom of heaven is like to a merchant man, seeking goodly pearls:
46 Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga.
Who, when he had found one pearl of great price, went and sold all that he had, and bought it.
47 “Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove.
Again, the kingdom of heaven is like to a net, that was cast into the sea, and gathered of every kind:
48 Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa.
Which, when it was full, they drew to shore, and sat down, and gathered the good into vessels, but cast the bad away.
49 Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, (aiōn g165)
So shall it be at the end of the world: the angels shall come forth, and sever the wicked from among the just, (aiōn g165)
50 uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
And shall cast them into the furnace of fire: there shall be wailing and gnashing of teeth.
51 Jesu akabvunza akati, “Manzwisisa zvinhu izvi zvose here?” Vakapindura vakati, “Hongu.”
Jesus says to them, Have you understood all these things? They say to him, Yes, Lord.
52 Akati kwavari, “Naizvozvo mudzidzisi mumwe nomumwe womurayiro akadzidziswa nezvoumambo hwokudenga akafanana nomuridzi weimba anoburitsa pfuma itsva netsaru muimba yake yokuchengetera zvinhu.”
Then said he to them, Therefore every scribe which is instructed to the kingdom of heaven is like to a man that is an householder, which brings forth out of his treasure things new and old.
53 Jesu akati apedza mifananidzo iyi, akabvapo.
And it came to pass, that when Jesus had finished these parables, he departed there.
54 Akapinda muguta rokwake akatanga kudzidzisa vanhu musinagoge ravo, uye vakashamiswa nazvo. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi uchenjeri uhu namasimba ezvishamiso aya?
And when he was come into his own country, he taught them in their synagogue, so that they were astonished, and said, From where has this man this wisdom, and these mighty works?
55 Ko, haasi mwanakomana womuvezi here? Mai vake havasi Maria here, navanunʼuna vake havasi Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi?
Is not this the carpenter’s son? is not his mother called Mary? and his brothers, James, and Joses, and Simon, and Judas?
56 Uye hanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu dzose here? Ko, zvino murume uyu akawanepi zvinhu zvose izvi?”
And his sisters, are they not all with us? From where then has this man all these things?
57 Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muprofita haashayiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.”
And they were offended in him. But Jesus said to them, A prophet is not without honor, save in his own country, and in his own house.
58 Uye haana kuzoita zvishamiso zvizhinji imomo nokuda kwokusatenda kwavo.
And he did not many mighty works there because of their unbelief.

< Mateo 13 >