< Mateo 13 >

1 Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa.
那一天,耶穌從家裏出來,坐在海邊上,
2 Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, vanhu vose vakamira kumahombekombe.
有許多群眾集合到衪跟前,衪只得上船坐下,群眾都站在岸上。
3 Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake.
衪就用比喻給他們講論了許多事,說:「看,有個撒種的出去撒種;
4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya.
他撒種的時候,有的落在路旁,飛鳥來把它吃了。
5 Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika.
有的落在石頭裏,那裏沒有多少土壤,因為所有的土壤不深,即刻發了芽;
6 Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.
但太陽一出來,就被曬焦;又因為沒有根,就枯乾了。
7 Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga.
有的落在荊棘中,荊棘長起來,便把它們窒息了。
8 Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa.
有的落在好地裏,就了實:有一百倍的,有六十倍的,有三十倍的。
9 Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
有耳的,聽吧!
10 Vadzidzi vakauya kwaari vakasvikomubvunza vachiti, “Ko, munotaurirei kuvanhu nemifananidzo?”
門徒前來對衪說:「為什麼你用比喻對他們講話﹖」
11 Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari.
耶穌回答他們說:「因為天國的奧妙,是給你們知道,並不是給他們知道。
12 Kune anazvo achapiwazve zvimwe, uye achava nezvakawanda. Asi ani naani asina kunyange nezvishoma zvaanazvo achazvitorerwa.
因為凡有的,還要給他,使他富足;但是沒有的,連他所有的,也要由他奪去。
13 Ndokusaka ndichitaura kwavari nemifananidzo: “Kunyange vachiona asi havaoni, kunyange vachinzwa asi havanzwi kana kunzwisisa.
為此,我用比喻對他們講話,是因為他們看,卻看不見;聽,卻聽不見,也不了解;
14 Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti: “‘Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi; muchangoramba muchiona asi musingaonesesi.
這樣正應驗了依撒依亞先知的預言說:『你們聽是聽,但不了解;看是看,但不明白,
15 Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu, havatombonzwi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvichida vangaona nameso avo, vakanzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakapinduka, uye ndikavaporesa.’
因為這百姓的心遲純了,耳朵難以聽見,他們閉了眼睛,免得眼睛看見,耳朵聽見,心裏了解而轉變,而要我醫好他們。』
16 Asi akaropafadzwa meso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.
但你們的眼睛有福,因為看得見,你們的耳朵有福,因為聽得見。
17 Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.
我實在告訴你們:有許多先知和義人相看你們所看見的,而沒有看到;想聽你們所聽到的,而沒有聽到。
18 “Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi:
那麼你們聽這撒種的比喻吧!
19 Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira.
凡聽天國的話,而不了解的,那惡者就來把撒在他心裏的奪去;這是指那撒在路旁的。
20 Uyo akagamuchira mbeu yakawira parukangarahwe, ndiye munhu anonzwa shoko, pakarepo origamuchira norufaro.
那撒在石頭地裏的,即是指人聽了話,立刻高興接受;
21 Asi nokuti haana mudzi, anongorarama naro kwechinguva chipfupi. Kana nhamo kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, anokurumidza kugumburwa.
但在人裏沒有根,不能持久,一旦為這話發生了艱難和迫害,就立刻跌倒了。
22 Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko. (aiōn g165)
那撒在荊棘中的,即是指人了聽了話,卻有世俗的焦慮和財富的迷惑,把話蒙往了,結不出果實 (aiōn g165)
23 Asi uyo anogamuchira shoko rakawira muvhu rakanaka ndiye munhu anonzwa shoko orinzwisisa. Ndiye anobereka mbeu inoburitsa zana, kana makumi matanhatu kana makumi matatu ezvakakushwa.”
那撒在好地裏的,即是指那聽了而了解的人,他當然結實,有結一百倍的,有結六十倍的,有結三十倍的。」
24 Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make.
耶穌給他們另設了一個比喻說:「天國好像一個人,在自己田裏撒了好種子;
25 Asi munhu wose avete, muvengi wake akauya akakusha sawi pakati pegorosi, ndokubva aenda.
但人在睡覺的時候,他的仇人來,在麥子中間撒上莠子,就走了。
26 Asi kuzoti gorosi ramera rikatumbuka, ipapo sawi rakaonekwawo.
苖在長起來,抽出穗的時候,莠子也顯出來子。
27 “Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’
家主的僕人,就來對他說:主人!你百是在你田裏撒了好種子嗎﹖那麼從哪裏來了莠子﹖
28 “Akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’ “Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’
主人對他說:這是仇人做的。僕人對他說:那麼,你願我們把莠子收集起來嗎。
29 “Akapindura akati, ‘Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo.
他卻說:不,免得你們收集莠子,把麥子休拔了出來。
30 Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’”
讓兩樣一起長到收割的時候好了;在收割時,我要對收割的人說:你們先收集莠子,把莠子捆成捆,好燃燒,把麥子卻收入我的倉庫裏。
31 Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make.
耶穌給他們另設一個比喻說:「天國好像一粒芥子,人把它撒在自己的田裏。
32 Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti wokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.”
它固然是各樣種子裏最小的,但當它長起來,卻比各種蔬菜都大,竟成了樹甚至天上的飛鳥飛來,在它的枝上棲息。」
33 Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, kusvikira yapinda muchikanyiwa chose.”
衪又給他們講了一個比喻:「天國好像酵母,女人取來藏在三斗麵裏,直到全部發了酵。
34 Jesu akataura zvinhu izvi zvose kuvanhu nemifananidzo. Haana chaakataura kwavari asingashandisi mifananidzo.
耶穌用比喻給群眾講解了這一切,不用比喻就不給他們講什麼;
35 Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi: “Ndichataura nemifananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.”
這樣應驗了先知所說的話:『我要開口說比喻,要說出由創世以來的隱密事。』
36 Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.”
那時,耶穌離開了群眾,來到家裏,衪的門徒就前來對衪說:「請把田間莠子的比喻給我們講解一下! 」
37 Akapindura akati, “Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu.
衪就回答說:「那撒好種子的,就是人子;
38 Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vanakomana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa,
田就是世界;好種子就是天國的子民,莠子就是邪惡的子民;
39 muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa. (aiōn g165)
那撒莠子的仇人,既是魔鬼;收薐時期,既是今世的終結;收割者既是天使。 (aiōn g165)
40 “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. (aiōn g165)
就如將莠子收集起來,用火焚燒;在今事終結時也將是如此: (aiōn g165)
41 Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa.
人子要差遣衪的天使,由衪的國內,將一切使人跌倒的事,及作惡的人收集起來,
42 Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.
扔到火窯裏;在那裏要有哀號和切齒。
43 Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
那時,義人要在他們父的國裏,發光如同太陽。有耳的,聽罷!」
44 “Umambo hwokudenga hwakafanana nepfuma yakavigwa mumunda. Mumwe murume akati aiwana, akaivigazve, uye ipapo mukufara kwake, akaenda akandotengesa zvose zvaaiva nazvo ndokutenga munda iwoyo.
「天國好像是藏在地裏的寶貝;人找到了,就把他藏起來,高興的去賣掉他所有的一切,買了那塊地。」
45 “Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka.
「天國又好像一個尋找完美珍珠的商人;
46 Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga.
他一找到一顆寶貴的珍珠,就去,賣掉他所有的一切,買了它。」
47 “Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove.
「天國又好像撒在海裏的網,網羅各種的魚。
48 Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa.
網一滿了,人就拉上岸來,坐下,撿好的,放在器皿裏;壞的,扔在外面。
49 Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, (aiōn g165)
在今世的終結時,也將如此:天使要出去,把惡人由義人中分開, (aiōn g165)
50 uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
把他們扔在火窯裏;在那裏要有哀號和切齒。
51 Jesu akabvunza akati, “Manzwisisa zvinhu izvi zvose here?” Vakapindura vakati, “Hongu.”
這一切你們都明白了嗎?」他們說:「是的」。
52 Akati kwavari, “Naizvozvo mudzidzisi mumwe nomumwe womurayiro akadzidziswa nezvoumambo hwokudenga akafanana nomuridzi weimba anoburitsa pfuma itsva netsaru muimba yake yokuchengetera zvinhu.”
他就對他們說:「為此,凡成為天國門徒的經師,就好像一個家主,從他的寶庫裏,提出新的和舊的東西。」
53 Jesu akati apedza mifananidzo iyi, akabvapo.
耶穌講完了這些比喻,就從那裏走了。
54 Akapinda muguta rokwake akatanga kudzidzisa vanhu musinagoge ravo, uye vakashamiswa nazvo. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi uchenjeri uhu namasimba ezvishamiso aya?
他來到自己的家鄉,在會堂裏教訓人,以致人們都驚訝說:「這人從那裏得了這樣的智慧和奇能?
55 Ko, haasi mwanakomana womuvezi here? Mai vake havasi Maria here, navanunʼuna vake havasi Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi?
這人不是那木匠的兒子嗎﹖他的母親不是叫瑪利亞,他的弟兄不是叫亞各伯,若瑟,西滿和猶達嗎?
56 Uye hanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu dzose here? Ko, zvino murume uyu akawanepi zvinhu zvose izvi?”
他的姊妹不是都在我們這裡嗎﹖那麼他的這一切是從那裏來的呢?」
57 Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muprofita haashayiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.”
它們就對他起了反感。耶穌卻對他們說:「先知除了在自己的本鄉本家外,沒有不受尊敬的」
58 Uye haana kuzoita zvishamiso zvizhinji imomo nokuda kwokusatenda kwavo.
他在那裏,因為他們不信,沒有多行奇能。

< Mateo 13 >