< Mateo 12 >

1 Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya.
En ce temps-là, Jésus traversait les champs de blé le jour du sabbat. Ses disciples, qui avaient faim, se mirent à arracher des épis et à manger.
2 VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari, “Tarirai, vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomusi weSabata.”
Mais les pharisiens, voyant cela, lui dirent: « Voici que tes disciples font ce qu'il n'est pas permis de faire le jour du sabbat. »
3 Akati kwavari, “Ko, hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vava nenzara?
Mais il leur dit: « N'avez-vous pas lu ce que fit David quand il eut faim, et ceux qui étaient avec lui:
4 Akapinda muimba yaMwari iye nevamwe vake vakadya chingwa chitsvene chavaisabvumirwa kudya, asi chaingodyiwa navaprista chete.
comment il est entré dans la maison de Dieu et a mangé le pain de proposition, qu'il ne lui était pas permis de manger, ni à ceux qui étaient avec lui, mais seulement aux prêtres?
5 Kana kuti hamuna kuverenga here muMurayiro kuti nomusi weSabata vaprista mutemberi vanosvibisa zuva iri asi vasingapiwi mhosva?
N'avez-vous pas lu dans la loi que, le jour du sabbat, les prêtres du temple profanent le sabbat et ne sont pas coupables?
6 Ndinokuudzai kuti mukuru kupfuura temberi ari pano.
Mais moi, je vous dis que quelqu'un de plus grand que le temple est ici.
7 Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva.
Mais si vous aviez su ce que cela signifie: « Je veux la miséricorde et non les sacrifices", vous n'auriez pas condamné les innocents.
8 Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”
Car le Fils de l'homme est le maître du sabbat. »
9 Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo,
Il partit de là et entra dans leur synagogue.
10 uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?”
Et voici, il y avait là un homme qui avait la main desséchée. Ils lui demandèrent: « Est-il permis de guérir le jour du sabbat? », afin de l'accuser.
11 Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here?
Il leur dit: « Quel est parmi vous l'homme qui a une brebis et qui, si celle-ci tombe dans une fosse le jour du sabbat, ne la saisit pas pour la retirer?
12 Ko, zvino munhu anokosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.”
Combien l'homme a-t-il plus de valeur qu'une brebis! Il est donc permis de faire du bien le jour du sabbat. »
13 Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe.
Alors il dit à l'homme: « Étends ta main. » Il l'étendit; et elle fut rendue entière, comme l'autre.
14 Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei.
Mais les pharisiens sortirent et conspirèrent contre lui, afin de le faire périr.
15 Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose.
Jésus, s'en étant aperçu, se retira de là. Une grande foule le suivit; il les guérit tous,
16 Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani.
et leur ordonna de ne pas le faire connaître,
17 Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti:
afin que s'accomplît ce qui avait été annoncé par Ésaïe, le prophète, en ces termes,
18 “Houno muranda wangu wandakasarudza, wandinoda, anondifadza; ndichaisa Mweya wangu paari, iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama.
« Voici mon serviteur que j'ai choisi, mon bien-aimé, en qui mon âme se complaît. Je mettrai mon Esprit sur lui. Il proclamera la justice aux nations.
19 Haazokakavari kana kuridza mhere; hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa.
Il ne luttera pas, il ne criera pas, personne n'entendra sa voix dans les rues.
20 Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori, nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi, kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda.
Il ne brisera pas un roseau meurtri. Il n'éteindra pas un lin qui fume, jusqu'à ce qu'il mène la justice à la victoire.
21 Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”
En son nom, les nations espéreront. »
22 Ipapo vakauya kwaari nomurume akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona.
Alors on lui amena un démoniaque, aveugle et muet, et il le guérit, de sorte que l'aveugle et le muet parlaient et voyaient.
23 Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?”
Toute la foule était stupéfaite et disait: « Est-ce là le fils de David? »
24 Asi vaFarisi pavakanzwa izvi, vakati, “NdiBheerizebhubhi chete, muchinda wamadhimoni, waanodzinga naye madhimoni.”
Mais les pharisiens, ayant entendu cela, dirent: « Cet homme ne chasse les démons que par Béelzébul, le prince des démons. »
25 Jesu akaziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hwose hunozvipesanisa huchaparara, uye guta ripi neripi kana imba ipi neipi inozvipesanisa haingamiri.
Connaissant leurs pensées, Jésus leur dit: « Tout royaume divisé contre lui-même est dévasté, et toute ville ou maison divisée contre elle-même ne peut subsister.
26 Zvino kana Satani achibudisa mumwe Satani, zvinoreva kuti anozvipesanisa. Saka umambo hwake hungamira sei?
Si Satan chasse Satan, il est divisé contre lui-même. Comment donc son royaume subsistera-t-il?
27 Zvino kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani?
Si c'est par Béelzébul que je chasse les démons, par qui vos enfants les chassent-ils? C'est pourquoi ils seront vos juges.
28 Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari zvinoreva kuti umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
Mais si c'est par l'Esprit de Dieu que je chasse les démons, alors le Royaume de Dieu est venu sur vous.
29 “Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake.
Ou bien, comment peut-on entrer dans la maison d'un homme fort et piller ses biens, si l'on ne lie d'abord l'homme fort? Alors il pillera sa maison.
30 “Uyo asineni anopesana neni, nouyo asingaunganidzi neni anoparadza.
« Celui qui n'est pas avec moi est contre moi, et celui qui n'assemble pas avec moi se disperse.
31 Uye naizvozvo ndinokuudzai kuti, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokumhura kwose asi kumhura Mweya hakuzoregererwi.
C'est pourquoi je vous le dis: tout péché et tout blasphème sera pardonné aux hommes, mais le blasphème contre l'Esprit ne sera pas pardonné aux hommes.
32 Ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu acharegererwa, asi ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMweya Mutsvene haazoregererwi, kunyange panguva ino kana inouya. (aiōn g165)
Quiconque parlera contre le Fils de l'homme, il lui sera pardonné; mais quiconque parlera contre le Saint-Esprit, il ne lui sera pardonné ni dans ce siècle, ni dans celui qui vient. (aiōn g165)
33 “Itai kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ichava yakanaka kana kuti itai kuti muti uve wakaipa, uye michero yawo ichava yakaipa, nokuti muti uchazivikanwa nemichero yawo.
« Ou bien faites que l'arbre soit bon et que son fruit soit bon, ou bien faites que l'arbre soit corrompu et que son fruit soit corrompu; car on reconnaît l'arbre à son fruit.
34 Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo.
Races de vipères, comment pouvez-vous, étant méchants, dire de bonnes choses? Car c'est de l'abondance du cœur que la bouche parle.
35 Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake.
L'homme bon, de son bon trésor, tire de bonnes choses, et l'homme mauvais, de son mauvais trésor, tire de mauvaises choses.
36 Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo.
Je vous le dis: toute parole oiseuse que les hommes prononcent, ils en rendront compte au jour du jugement.
37 Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva.”
Car c'est par vos paroles que vous serez justifiés, et c'est par vos paroles que vous serez condamnés. »
38 Ipapo vamwe vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chechishamiso kubva kwamuri.”
Alors quelques-uns des scribes et des pharisiens prirent la parole et dirent: « Maître, nous voulons voir un signe de ta part. »
39 Akavapindura akati, “Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona.
Mais il leur répondit: « Une génération méchante et adultère cherche un signe; mais il ne lui sera donné d'autre signe que celui du prophète Jonas.
40 Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu.
Car, de même que Jonas a passé trois jours et trois nuits dans le ventre d'un énorme poisson, de même le Fils de l'homme passera trois jours et trois nuits au cœur de la terre.
41 Vanhu veNinevhe vachamira pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye vacharupa mhosva; nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona, uye zvino mukuru kuna Jona ari pano.
Les hommes de Ninive se lèveront en jugement avec cette génération et la condamneront, car ils se sont repentis à la prédication de Jonas; et voici que quelqu'un de plus grand que Jonas est là.
42 Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye acharupa mhosva, nokuti akabva kumagumo enyika kuti azoteerera kuuchenjeri hwaSoromoni, uye zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.
La reine du Midi se lèvera au moment du jugement de cette génération et la condamnera, car elle est venue des extrémités de la terre pour entendre la sagesse de Salomon; et voici qu'il y a ici quelqu'un de plus grand que Salomon.
43 “Kana mweya wakaipa wabva pano munhu, unofamba-famba nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo asi unorishaya.
« Lorsqu'un esprit impur est sorti d'un homme, il passe par des lieux sans eau, cherchant le repos, et il ne le trouve pas.
44 Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Kana wasvika, unosvikowana imba iya isina ageremo, asi yakanyatsotsvairwa zvakachena nokunyatsorongedzwa zvakanaka.
Il dit alors: « Je vais retourner dans ma maison d'où je suis sorti »; et quand il est revenu, il la trouve vide, balayée et rangée.
45 Ipapo unobva waenda kundotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kukunda iwo, uye inopinda igogaramo. Uye kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Ndizvo zvazvichaita kurudzi urwu rwakaipa.”
Alors il va et prend avec lui sept autres esprits plus mauvais que lui, et ils y entrent et y demeurent. Le dernier état de cet homme devient pire que le premier. Il en sera de même pour cette génération mauvaise. »
46 Jesu paakanga achiri kutaura kuvanhu vazhinji, mai vake navanunʼuna vake vakamira panze vachida kutaura naye.
Comme il parlait encore à la foule, voici que sa mère et ses frères se tenaient dehors, cherchant à lui parler.
47 Mumwe akati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vamire panze, vari kuda kutaura nemi.”
Quelqu'un lui dit: « Voici ta mère et tes frères qui sont dehors et qui cherchent à te parler. »
48 Akamupindura akati, “Ko, mai vangu ndiani, navanunʼuna vangu ndivanaani?”
Mais il répondit à celui qui lui parlait: « Qui est ma mère? Qui sont mes frères? »
49 Achinongedzera vadzidzi vake akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu.
Il étendit la main vers ses disciples, et dit: « Voici ma mère et mes frères!
50 Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi yangu, namai vangu.”
Car quiconque fait la volonté de mon Père qui est dans les cieux, celui-là est mon frère, et ma sœur, et ma mère. »

< Mateo 12 >