< Mateo 12 >

1 Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya.
安息日那天,耶稣走过麦田,门徒们饿了,就摘了些麦穗来吃。
2 VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari, “Tarirai, vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomusi weSabata.”
法利赛人看到便对耶稣说:“你看,你的门徒做了安息日不可做的事。”
3 Akati kwavari, “Ko, hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vava nenzara?
但耶稣对他们说:“大卫和他的人在饥饿时做什么,你们没有念过吗?
4 Akapinda muimba yaMwari iye nevamwe vake vakadya chingwa chitsvene chavaisabvumirwa kudya, asi chaingodyiwa navaprista chete.
他走进上帝的上帝殿,吃下了只有牧师才能吃的圣饼,而他们其实并不允许这样做。
5 Kana kuti hamuna kuverenga here muMurayiro kuti nomusi weSabata vaprista mutemberi vanosvibisa zuva iri asi vasingapiwi mhosva?
律法书中写道:‘在安息日,在殿里供职的牧师即使触犯了安息日规定,也不算有罪。’你们也没有读过吗?
6 Ndinokuudzai kuti mukuru kupfuura temberi ari pano.
让我告诉你们,这里有一位比圣殿更伟大之人。
7 Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva.
经文中说:‘我要的是怜悯,不是献祭。’如果你明白这句话的意思,就不会认为无罪之人有罪。
8 Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”
因为人子是安息日的主。”
9 Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo,
然后耶稣离开,来到他们的会堂。
10 uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?”
会堂里有个人的一只手已经残疾。有人问耶稣:“在安息日治病可以吗?”但他这样问,只是想找理由控诉耶稣。
11 Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here?
耶稣回答:“假设你有一只羊,在安息日掉进坑里,你难道不把它抓住拉上来吗?
12 Ko, zvino munhu anokosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.”
难道你不觉得人比羊更贵重吗?所以,在安息日行善是允许的。”
13 Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe.
然后他对那残疾之人说:“伸出手来!”手残之人一伸手就复原了,和另一只手别无二致。
14 Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei.
但法利赛人却走出去,开始密谋如何杀掉耶稣。
15 Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose.
耶稣知道了,就离开那里,大批民众都跟随他。他医好所有人,
16 Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani.
但嘱咐他们不可张扬他所做的一切。
17 Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti:
这就应验了以赛亚先知所说:
18 “Houno muranda wangu wandakasarudza, wandinoda, anondifadza; ndichaisa Mweya wangu paari, iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama.
“这便是上帝所选的仆人, 是我所爱之人,让我心生喜悦之人。 我会把我的灵赐给他, 他必向异教徒宣扬正道。
19 Haazokakavari kana kuridza mhere; hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa.
他不争论,不喧嚷,街上无人能听见他的声音。
20 Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori, nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi, kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda.
他不会折断残破的芦苇, 不会吹灭将残的灯芯, 但他终会证明使他的审判为正道。
21 Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”
异教徒都要对他寄以厚望。”
22 Ipapo vakauya kwaari nomurume akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona.
有人带来一个被鬼附体、又瞎又哑之人来到耶稣这里。耶稣医好他,让他能够说话,能够看到。
23 Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?”
众人都很惊奇地说:“难道他真的就是大卫的子孙?”
24 Asi vaFarisi pavakanzwa izvi, vakati, “NdiBheerizebhubhi chete, muchinda wamadhimoni, waanodzinga naye madhimoni.”
但法利赛人听说这一切,便说:“他不过是利用魔鬼之王的力量驱赶魔鬼而已。”
25 Jesu akaziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hwose hunozvipesanisa huchaparara, uye guta ripi neripi kana imba ipi neipi inozvipesanisa haingamiri.
耶稣知道他们的心思,就对他们说:“如果一个国家四分五裂,必定毁灭,任何城镇或家庭若四分五裂,必会毁灭。
26 Zvino kana Satani achibudisa mumwe Satani, zvinoreva kuti anozvipesanisa. Saka umambo hwake hungamira sei?
如果让撒旦驱除撒旦,他就是在驱逐自己。他的王国又怎能存在?
27 Zvino kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani?
我若靠魔鬼之王的力量驱鬼,你们又以谁之名驱鬼呢?这样,你们就是自证错误。
28 Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari zvinoreva kuti umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
我若以上帝之灵驱鬼,这就代表天国已降临你们的身边!
29 “Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake.
如果你闯进猛士家中,想要夺其财物,难道不是要先将其捆绑起来?只有这样做,你才能拿走他家中的一切。
30 “Uyo asineni anopesana neni, nouyo asingaunganidzi neni anoparadza.
未与我站在一起之人,即反对我,不与我聚在一起,即被散落孤立。
31 Uye naizvozvo ndinokuudzai kuti, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokumhura kwose asi kumhura Mweya hakuzoregererwi.
所以让我告诉你们,人所犯的一切罪过和亵渎行为都可以赦免,但亵渎圣灵将无法被宽恕。
32 Ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu acharegererwa, asi ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMweya Mutsvene haazoregererwi, kunyange panguva ino kana inouya. (aiōn g165)
你在说话间得罪人子可以赦免,但得罪圣灵,今生来世均无法得到赦免。 (aiōn g165)
33 “Itai kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ichava yakanaka kana kuti itai kuti muti uve wakaipa, uye michero yawo ichava yakaipa, nokuti muti uchazivikanwa nemichero yawo.
种下好树便结好果子,种坏树便结坏果子,凭结果就能认出树的好坏。
34 Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo.
你是毒蛇的后代,你这邪恶之人又怎能口中良善?因为你心中所思,必会脱口而出。
35 Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake.
良善之人行善事就会带来良善,人行恶事就会带来邪恶。
36 Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo.
我告诉你们,在审判之日,人们必会对所说的无心之语负起责任。
37 Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva.”
因为你所说之语将被证明为正义或有罪。”
38 Ipapo vamwe vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chechishamiso kubva kwamuri.”
这时,一些宗教老师和法利赛人对耶稣说:“老师,想请你显化一个上帝神迹给我们看看。”
39 Akavapindura akati, “Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona.
但耶稣说:“只有不相信上帝的邪恶之人,才会想要寻找上帝的神迹,但他们只能看到约拿先知的上帝神迹。
40 Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu.
就像约拿曾在大鱼腹中待上三日三夜,人子也要在土中待上三日三夜。
41 Vanhu veNinevhe vachamira pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye vacharupa mhosva; nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona, uye zvino mukuru kuna Jona ari pano.
待到审判日那天,尼尼微人将会崛起,与这代人一起判定这代人的罪,因为他们在听了约拿的传道后便悔改了。你看,这里有一位是比约拿更伟大之人。
42 Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye acharupa mhosva, nokuti akabva kumagumo enyika kuti azoteerera kuuchenjeri hwaSoromoni, uye zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.
在审判日那天,南方女王要崛起,与这代人一起判定这个世界的罪,因为她来自大地的尽头,来此便是为聆听所罗门的智慧。你看,这里有一位是比所罗门更伟大之人。
43 “Kana mweya wakaipa wabva pano munhu, unofamba-famba nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo asi unorishaya.
待一个邪灵离开人体,它会在荒芜之地游荡,寻找栖身之所,却遍寻不得。
44 Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Kana wasvika, unosvikowana imba iya isina ageremo, asi yakanyatsotsvairwa zvakachena nokunyatsorongedzwa zvakanaka.
然后他说:‘我将回到之前离开的地方。’当它回来时,发现这个地方是空的,一切都很干净整洁。
45 Ipapo unobva waenda kundotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kukunda iwo, uye inopinda igogaramo. Uye kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Ndizvo zvazvichaita kurudzi urwu rwakaipa.”
他于是带了另外七个比他更邪恶的恶灵来,全部住了进去。那人后来的情况比以前更糟糕。邪恶的世界必将如此。”
46 Jesu paakanga achiri kutaura kuvanhu vazhinji, mai vake navanunʼuna vake vakamira panze vachida kutaura naye.
耶稣在对民众讲话的时候,他的母亲和弟弟站在外面,要和他对话。
47 Mumwe akati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vamire panze, vari kuda kutaura nemi.”
有人告诉耶稣:“你的母亲和弟弟站在外面,有话要跟你说。”
48 Akamupindura akati, “Ko, mai vangu ndiani, navanunʼuna vangu ndivanaani?”
他回答那人:“谁是我的母亲?谁是我的兄弟?”
49 Achinongedzera vadzidzi vake akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu.
他伸手指着门徒说:“看啊,他们就是我的母亲,我的兄弟!
50 Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi yangu, namai vangu.”
凡是遵行天父旨意者,就是我的兄弟姐妹和母亲!”

< Mateo 12 >