< Mateo 11 >

1 Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea.
Yabha baada ya Yesu amale hubhaelekezye abhanafunzi bhakwe kumi na bhabhele asogoye hu plae abhale amanyizye na lombelele katika ikhaya zyawo,
2 Zvino Johani ari mutorongo, paakanzwa nezvamabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake
nu Yohana lwali mwigereza lwahevwezye lwalihumwanya yimbombo zya Klisiti, atumile uwujumbe abhilile abhanafunzi bhakwe,
3 kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanzi achauya here, kana kuti totarisira mumwe?”
na bhamozelezya, “Awe yoyola wawhenza au huliuwamwawo tiwhanziwa humwenyelezye?”
4 Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona:
U Yesu ajibu na yanje humwawo “Bhaji mumozye u Yohana gala gamuhugalola na gala gamuhugevwa.
5 Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.
Abhantu bhasabhalola, bhapata alole, iviwete bhajenda, abhakoma bhatakasiha, abhantu bhasaga bhawhevwa bhahevwa tena, abhantu bhabhafwiye bhazyoswa apate uwomi, na abhantu bhabhanza bhalombelewa ihabari inyinza.
6 Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.”
Na asayiwilwe ola wasagalola amashaka juu yane.
7 Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?
Humuda abhantu ebha lwabhasogola, u Yesu ahandile ayanje ni mpoga juu ya Yohana, “Mwabhulile awhenye iyenu whijangwa itete liyinzanywa ninkongu?
8 Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.
Ila yenu mwabhalile awhenye umuntu wakwete amenda amalayini? Lyoli, bhala bhabhakwata amenda amalaini bhakhala munyumba zishimwene.
9 Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura muprofita.
Ila mwasogoye alole iyenu- Ukuwe? Ee, ihumbwawozya ni zaidi ya Kuwe.
10 Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi: “Ndinotuma nhume yangu mberi kwako uye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.”
Ono yuyo wasimbiwilwe, 'Enya, ihutuma ujumbe wane whilongolela yimaso gakwe, wayi andaa idala iyaho whilongolela lyaho.
11 Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwokudenga mukuru kwaari.
Ane ihumbawozya ilyoli, kati ya bhapapwilwe na bhashe nomo waligosi kuliko u Yohana umozyaji. Ila walidodo katika umwene wa humwanya gosi ashile umwene.
12 Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.
Afume insiku zya Yohana umozyaji hadi isalezi, umwene wa humwanya wuli wengovo, na bhantu bhabhali bhengovo, bhahuwega hongovo.
13 Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani.
Afwatanaje akuwe ni ndajizyo, bhakuwilwe hadi wha Yohana.
14 Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.
Na nkesho mulitayari awheteshe, ono yu Eliya, ola wawhenza.
15 Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
Wali na makutu gawhevwe nayevwaje.
16 “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti:
Endanganisye ni yenu ishi papo eshi? Shi fano shabhana bhabhawhanga mumaeneo gisoko, bhabhakhala na kwizanye
17 “‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’
na yanje, 'Tabhakhomeye izomari na sagamwahanjile. Talilile na sagamwakholile.'
18 Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’
Afwataje u Yohana ahenzele bila alye amabumunda au amwele ihombwa, na bhabha bhayanga, 'Ali ni pepo.'
19 Mwanakomana woMunhu akanga achidya uye achinwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”
Umwana wa Adamu ahenzele alya na mwele na bhayanga 'Enya, muntu unylavi na ukholwe, rafiki wa sonkola uwushuru na bhimbibhi!' Ila injele iloleha humbombo zyakwe.”
20 Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka.
U Yesu ahandile huyikhalipile ikhaya ambamo baadhi yimbombo zyakwe zimayele zyatendebhe, afwatanaje bhuli sagabhutubule,
21 “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota.
Ahele waho, Kolazini, Ole waho Bethsaida! Nkesho imbombo ingosi gngwawombeshe hu Tiro na Husidoni gala gagawombeshe epa, andi bhatubule hale whakwate amagunila na hujipashe amalota.
22 Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi.
Ila yayibha ujivwi hu Tiro ni Sidoni isiku lilongwi kuliko hulliwe.
23 Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi. (Hadēs g86)
Aise, Kapernaum, ubheshele wayiwosewa hadi humwanya? Ndadi wayiwhiswa hadi pansi whilongo. Hansi hu Sodoma hungawombeshe matendo amagosi, hansi gagawombeshe huliwe andiileho hadi ilelo. (Hadēs g86)
24 Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.”
Eshi iyanga huliwe aje yayibha vyepesi honse yi Sodoma awhemelele whisiku lilongwi kuliko awe.
25 Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku.
Katika humuda ogo u Yesu ayanjile, “Ihutema awe, Baba, Gosi wahumwanya na panse, husababu wabhafisile amambo ega bhinjele vwelewa, na hugagubule whabhasaga bhali ni elimu, hansi abhana abhadodo.
26 Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai.
Baba afwatanaje yasongozewelwe esho pamaso gaho.
27 “Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire.
Amambo gonti impewilwe ane afume wha Baba. Na nomo wamenye u Baba ila umwana, na wowonti ambaye umwana ali ni hamu ya hugubulile.
28 “Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.
Enzi huline, amwe mwenti mumuyemba na wuwonelwa na mazigo amamwamu, nane imbahubhatozye.
29 Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.
Jiponyaji ijoko lyane na mumanyilaje afume huline, afwatanaje ane niwawhishe na mpole wimoyo na munza pate ulotoyo lwi nafsi zyenyu.
30 Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”
Afwatanaje ijoko lyane lilayini na izigo lyane lipoposu.

< Mateo 11 >