< Mateo 11 >

1 Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea.
AND it came to pass, when Jesus had finished his injunctions to his twelve disciples, he departed thence to teach and preach in their cities.
2 Zvino Johani ari mutorongo, paakanzwa nezvamabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake
Then John, having heard in prison the works of Christ, sent two of his disciples,
3 kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanzi achauya here, kana kuti totarisira mumwe?”
and said unto him, Art thou he that cometh, or should we expect another?
4 Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona:
And Jesus answering said unto them, Go, and tell John what things ye hear and see.
5 Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.
The blind receive sight, and the lame walk, the lepers are cleansed, and the deaf hear, the dead are raised, and the poor have the gospel preached to them.
6 Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.”
And blessed is he whosoever shall not be offended at me.
7 Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?
And when they were gone, Jesus began to speak to the multitudes concerning John, What went ye out into the wilderness to see? A reed shaken with the wind?
8 Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.
But what went ye out to see? A man clothed in delicate garments? Lo! they who wear delicate garments are in the houses of kings.
9 Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura muprofita.
Yet what went ye out to see? A prophet? Yes, I tell you, and abundantly more than a prophet.
10 Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi: “Ndinotuma nhume yangu mberi kwako uye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.”
For this is he of whom it is written, “Behold, I send my messenger before thy face, who shall prepare thy way before thee.”
11 Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwokudenga mukuru kwaari.
Verily I say unto you, There hath not arisen, from those born of women, a greater than John the Baptist: yet he that is the least in the kingdom of God is greater than he.
12 Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.
But from the days of John the Baptist unto the present, the kingdom of heaven is assaulted by violence, and the invaders forcibly seize upon it.
13 Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani.
For all the prophets and the law until John, foretold this.
14 Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.
And if ye will receive it, this is Elias who was to come.
15 Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
He that hath ears to hear, let him hear.
16 “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti:
But to whom shall I resemble this generation? it is like little boys sitting in the places of concourse, and calling to their companions,
17 “‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’
and saying, We have piped to you, and ye have not danced; we have sung mournful ditties to you, and ye have not beat your breasts.
18 Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’
For John came neither eating nor drinking, and they say, He hath a devil:
19 Mwanakomana woMunhu akanga achidya uye achinwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”
the Son of man is come eating and drinking, and they say, Behold, what a man! a glutton and a wine-bibber, a friend of publicans and sinners: though wisdom hath been justified by her children.
20 Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka.
Then began he to upbraid the cities in which the chief of his miracles had been wrought, because they repented not:
21 “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota.
Wo unto thee, Chorazin! wo unto thee, Bethsaida! for if the miracles which had been wrought in you had been done in Tyre and Sidon, long since would they have repented in sack-cloth and ashes.
22 Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi.
Wherefore I say unto you, It shall be more tolerable for Tyre and Sidon in the day of judgment than for you.
23 Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi. (Hadēs g86)
And thou, Capernaum, who hast been exalted unto heaven, shalt be cast down to hell: for if the miracles which have been wrought in thee had been done in Sodom, it had remained unto this day. (Hadēs g86)
24 Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.”
Wherefore I say unto you, That it shall be more tolerable for the land of Sodom in the day of judgment than for thee.
25 Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku.
At that time Jesus spake and said, I thank thee, O Father, Lord of heaven and earth, that thou hast hid these things from the wise and the intelligent, and hast revealed them to babes:
26 Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai.
yes, Father! since such is thy good pleasure.
27 “Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire.
All things are delivered up to me by my Father: and no person knoweth the Son but the Father; neither knoweth any person the Father but the Son, and he to whom the Son is pleased to reveal him.
28 “Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.
Come to me, all who labour hard, and sustain heavy burdens, and I will give you relief.
29 Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.
Take my yoke upon you, and learn of me; for I am meek and lowly in heart: and ye shall find rest to your souls.
30 Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”
For my yoke is easy, and my burden is light.

< Mateo 11 >