< Mako 8 >
1 Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaunganazve. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati,
In those days the crowd once again became very large, and they had nothing to eat. Jesus called the disciples to Him and said,
2 “Ndine urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya.
“I have compassion for this crowd, because they have already been with Me three days and have nothing to eat.
3 Kana ndikavaendesa vane nzara kumisha yavo, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure.”
If I send them home hungry, they will faint along the way. For some of them have come a great distance.”
4 Vadzidzi vake vakati, “Asi munhu angawanepiko murenje muno zvingwa zvavangapiwa vakaguta?”
His disciples replied, “Where in this desolate place could anyone find enough bread to feed all these people?”
5 Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe.”
“How many loaves do you have?” Jesus asked. “Seven,” they replied.
6 Akaudza vanhu vazhinji ava kuti vagare pasi. Akati atora zvingwa zvinomwe uye akavonga, akazvimedura akazvipa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavanhu, uye vakaita saizvozvo.
And He instructed the crowd to sit down on the ground. Then He took the seven loaves, gave thanks and broke them, and gave them to His disciples to set before the people. And they distributed them to the crowd.
7 Vakanga vane hove duku shoma shoma zvakare; uye akavongazve akaudza vadzidzi kuti vadzigovere kuvanhu.
They also had a few small fish, and Jesus blessed them and ordered that these be set before them as well.
8 Vanhu vakadya uye vakaguta. Shure kwaizvozvo vadzidzi vakanonga matengu manomwe azere ezvimedu.
The people ate and were satisfied, and the disciples picked up seven basketfuls of broken pieces that were left over.
9 Pakanga pane varume vangangosvika zviuru zvina. Uye akati avaendesa,
And about four thousand men were present. As soon as Jesus had dismissed the crowd,
10 akapinda mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta.
He got into the boat with His disciples and went to the district of Dalmanutha.
11 VaFarisi vakasvika ndokutanga kubvunza Jesu. Kuti vamuedze, vakamukumbira chiratidzo chaibva kudenga.
Then the Pharisees came and began to argue with Jesus, testing Him by demanding from Him a sign from heaven.
12 Akagomera zvikuru akati, “Seiko rudzi urwu ruchikumbira chiratidzo? Ndinokuudzai chokwadi, hakuna chiratidzo chichapiwa kwarwuri.”
Jesus sighed deeply in His spirit and said, “Why does this generation demand a sign? Truly I tell you, no sign will be given to this generation.”
13 Ipapo akavasiya, akadzokera mugwa akayambukira kuno rumwe rutivi.
And He left them, got back into the boat, and crossed to the other side.
14 Vadzidzi vakanga vakanganwa kuuya nechingwa, kunze kwechimwe chete chavakanga vanacho mugwa.
Now the disciples had forgotten to take bread, except for one loaf they had with them in the boat.
15 Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai. Ngwarirai mbiriso yavaFarisi neyaHerodhi.”
“Watch out!” He cautioned them. “Beware of the leaven of the Pharisees and of Herod.”
16 Vakataurirana vachiti, “Imhaka yokuti hatina chingwa.”
So they began to discuss with one another the fact that they had no bread.
17 Achiziva zvavaitaurirana, Jesu akavabvunza akati, “Seiko muchitaura pamusoro pokuti hamuna chingwa? Heya, muchigere kuona kana kunzwisisa nhai? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu nhai?
Aware of their conversation, Jesus asked them, “Why are you debating about having no bread? Do you still not see or understand? Do you have such hard hearts?
18 Heya, mune meso asi hamuoni, uye mune nzeve asi hamugoni kunzwa nhai? Uye hamurangariri here?
‘Having eyes, do you not see? And having ears, do you not hear?’ And do you not remember?
19 Pandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu zvingwa zvishanu, makazadza matengu mangani ezvimedu zvakasara?” Vakati, “Gumi namaviri.”
When I broke the five loaves for the five thousand, how many basketfuls of broken pieces did you collect?” “Twelve,” they answered.
20 “Uye pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makazadza matengu mangani ezvimedu?” Vakapindura vakati, “Manomwe.”
“And when I broke the seven loaves for the four thousand, how many basketfuls of broken pieces did you collect?” “Seven,” they said.
21 Akati kwavari, “Hamunzwisisi nazvino here?”
Then He asked them, “Do you still not understand?”
22 Vakasvika kuBhetisaidha, uye vamwe vanhu vakauya nomurume akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate.
When they arrived at Bethsaida, some people brought a blind man and begged Jesus to touch him.
23 Akabata murume akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, “Pane zvauri kuona here?”
So He took the blind man by the hand and led him out of the village. Then He spit on the man’s eyes and placed His hands on him. “Can you see anything?” He asked.
24 Iye akatarisa kumusoro akati, “Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba.”
The man looked up and said, “I can see the people, but they look like trees walking around.”
25 Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka.
Once again Jesus placed His hands on the man’s eyes, and when he opened them his sight was restored, and he could see everything clearly.
26 Jesu akamuendesa kumba achiti, “Usapinda mumusha.”
Jesus sent him home and said, “Do not go back into the village.”
27 Jesu navadzidzi vake vakapfuurira kumisha yakapoteredza Kesaria Firipi. Vari munzira akavabvunza achiti, “Vanhu vanoti ndini aniko?”
Then Jesus and His disciples went on to the villages around Caesarea Philippi. On the way, He questioned His disciples: “Who do people say I am?”
28 Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi; vamwe vanoti Eria; vamwezve vanoti mumwe wavaprofita.”
They replied, “Some say John the Baptist; others say Elijah; and still others, one of the prophets.”
29 Iye akati, “Asi imi munoti kudini? Munoti ndini aniko?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu.”
“But what about you?” Jesus asked. “Who do you say I am?” Peter answered, “You are the Christ.”
30 Jesu akavayambira kuti vasaudza munhu nezvake.
And Jesus warned them not to tell anyone about Him.
31 Akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji uye agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye kuti anofanira kuurayiwa, uye shure kwamazuva matatu agomukazve.
Then He began to teach them that the Son of Man must suffer many things and be rejected by the elders, chief priests, and scribes, and that He must be killed and after three days rise again.
32 Akataura pachena pamusoro pazvo, uye Petro akaenda naye parutivi akatanga kumutsiura.
He spoke this message quite frankly, and Peter took Him aside and began to rebuke Him.
33 Asi Jesu akati atendeuka akatarira kuvadzidzi vake, akatsiura Petro achiti, “Enda shure kwangu, Satani! Iwe hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako, asi zvinhu zvavanhu.”
But Jesus, turning and looking at His disciples, rebuked Peter and said, “Get behind Me, Satan! For you do not have in mind the things of God, but the things of men.”
34 Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, “Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera.
Then Jesus called the crowd to Him along with His disciples, and He told them, “If anyone wants to come after Me, he must deny himself and take up his cross and follow Me.
35 Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa.
For whoever wants to save his life will lose it, but whoever loses his life for My sake and for the gospel will save it.
36 Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake?
What does it profit a man to gain the whole world, yet forfeit his soul?
37 Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
Or what can a man give in exchange for his soul?
38 Kana munhu achinyadziswa neni uye namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadziswawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.”
If anyone is ashamed of Me and My words in this adulterous and sinful generation, the Son of Man will also be ashamed of him when He comes in His Father’s glory with the holy angels.”