< Mako 6 >
1 Jesu akabva ipapo akaenda kuguta rokwake, vadzidzi vake vachimutevera.
Jesus left and went home to Nazareth with his disciples.
2 Sabata rakati rasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, uye vazhinji vakamunzwa vakashamiswa. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi zvinhu izvi? Uchenjeri hupi uhu hwaakapiwa hwokuti anotoita zvishamiso?
On Sabbath he began teaching in the synagogue, and many of those who were listening were surprised. “Where does he get these ideas?” they asked. “What's this wisdom he's been given? Where does he get the power to do miracles?
3 Ko, haasiye muvezi here? Ko, haasiye mwanakomana waMaria here nomukoma waJakobho, Josefa, Judhasi naSimoni? Ko, hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Uye vakagumburwa naye.
Isn't this the carpenter, Mary's son—the brother of James, Joseph, Judas and Simon? Don't his sisters live here among us?” They were offended and rejected him.
4 Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.”
“A prophet is treated with respect except in his home town, among his relatives, and within his own family,” Jesus told them.
5 Haana kugona kuita zvishamiso zvipi zvazvo imomo, kunze kwokuisa maoko ake pamusoro pavanhu vashoma vairwara uye nokuvaporesa.
The result was that Jesus could not do any miracles there, except to heal a few sick people.
6 Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo Jesu akapota nemisha achidzidzisa.
He was amazed at their lack of trust. Jesus traveled around the villages, teaching as he went.
7 Akadana kwaari vane gumi navaviri akavatuma vari vaviri vaviri uye akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa.
He called together the twelve disciples, and began sending them out two by two, giving them authority over evil spirits.
8 Akavarayira achiti, “Musatora chinhu parwendo kunze kwetsvimbo; musatora chingwa, kana hombodo, kana mari muzvikwama zvenyu.
He told them not to take anything with them except a walking stick—no bread, no bag, and no money in their belts.
9 Mupfeke shangu asi kwete nguo yechipiri.
They could wear sandals, but they were not to take an extra shirt.
10 Pose pamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabva muguta iroro.
“When you're invited into a home, stay there until you leave,” he told them.
11 Uye kana pane nzvimbo icharamba kukugamuchirai kana kukuteererai, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva, chive chapupu pamusoro pavo.”
“If you're not welcomed and not listened to, then shake the dust from your feet as you leave as a sign you have given up on them.”
12 Vakabuda vakaenda kundoparidza kuti vanhu vatendeuke.
So they went around telling people to repent.
13 Vakadzinga madhimoni mazhinji uye vakazodza mafuta vanhu vazhinji vairwara uye vakavaporesa.
They drove out many demons, and healed many who were sick by anointing them with oil.
14 Mambo Herodhi akanzwa nezvazvo, nokuti zita raJesu rakanga rozivikanwa kwazvo. Vamwe vakanga vachiti, “Johani Mubhabhatidzi akamutswa kubva kuvakafa; uye ndokusaka zviratidzo zvesimba zvichiitika.”
King Herod got to hear about Jesus since he had become well-known. Some said, “This is John the Baptist risen from the dead. That's why he has such miraculous powers.”
15 Vamwe vakati, “NdiEria.” Uye vamwezve vakati, “Ndiye muprofita, akaita somumwe wavaprofita vekare.”
Others said, “It's Elijah.” Still others said, “He's a prophet, like one of the prophets of the past.”
16 Asi Herodhi akati anzwa izvozvo, akati, “Johani, murume wandakagura musoro, akamutswa kubva kuvakafa!”
But when Herod heard about it, he said, “It's John, the one I beheaded! He's come back from the dead!”
17 Nokuti Herodhi pachake akanga arayira kuti Johani asungwe, uye akaita kuti asungwe nengetani uye aiswe mutorongo. Akaita izvi nokuda kwaHerodhiasi mukadzi womununʼuna wake Firipi waakanga awana.
For Herod had given orders to arrest and imprison John because of Herodias, his brother Philip's wife, whom Herod had married.
18 Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hazvitenderwi kuti utore mukadzi womununʼuna wako.”
John had been saying to Herod, “It's against the law to marry your brother's wife.”
19 Saka Herodhiasi akachengeta ruvengo mumwoyo make pamusoro paJohani uye akada kumuuraya. Asi akanga asingakwanisi kuita izvozvo,
So Herodias had a grudge against John and wanted him killed. But she wasn't able to arrange it
20 nokuti Herodhi aitya Johani uye akamudzivirira, achimuziva somunhu akanga akarurama uye ari mutsvene. Herodhi akati anzwa Johani, akakanganisika zvikuru; asi akanga achifarira kumuteerera.
because Herod knew John was a holy man who did what was right. Herod protected John and though what John said was very disturbing to him, he was still happy to hear what he had to say.
21 Pakupedzisira mukana wakazovapo. Pazuva rokuberekwa kwake, Herodhi akaitira vabati vake vakuru, navakuru vamauto uye navarume vaitungamirira muGarirea mabiko.
Herodias had her opportunity on Herod's birthday. He gave a banquet for the nobles, military officers, and important leaders of Galilee.
22 Mwanasikana waHerodhiasi akati apinda akatamba, akafadza Herodhi navakanga vakokwa kuzodya. Mambo akati kumusikana, “Ndikumbire chipi zvacho chaunoda, uye ndichakupa chinhu ichocho.”
Herodias' daughter came in and danced for them. Herod and those eating with him were delighted at her performance, so he told the girl,
23 Uye akamuvimbisa nemhiko achiti, “Chose chauchakumbira ndichakupa chinhu ichocho, kusvikira pahafu youmambo hwangu.”
“Ask me for whatever you like, and I'll give it to you.” He confirmed his promise with an oath, “I'll give you up to half my kingdom.”
24 Akabuda kunze akandoti kuna mai vake, “Ndichakumbireiko?” Ivo vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
She went out and asked her mother, “What should I ask for?” “The head of John the Baptist,” she replied.
25 Pakarepo musikana akamhanya akapinda kuna mambo nechikumbiro akati, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino musoro waJohani Mubhabhatidzi mundiro umu.”
The girl hurried back in and said to the king, “I want you to give me right now the head of John the Baptist on a plate.”
26 Mambo akatambudzika zvikuru, asi nokuda kwemhiko yake uye nokuda kwevaakanga achidya navo, haana kuda kumurambira.
The king was very upset, but because of the oaths he'd made in front of his guests, he didn't want to refuse her.
27 Saka pakarepo akatuma murwi akarayira kuti vauye nomusoro waJohani. Murume akaenda akandogura musoro waJohani mutorongo,
So he immediately sent an executioner to bring him John's head. After beheading him in the prison,
28 akadzoka nomusoro wake uri mundiro. Akaupa kumusikana, uye musikana akaupa kuna mai vake.
the executioner brought John's head on a plate and gave it to the girl, and the young girl handed it to her mother.
29 Vadzidzi vaJohani vakati vanzwa izvi vakauya vakatora mutumbi wake vakauviga mubwiro.
When John's disciples heard what had happened they came and took his body and placed it in a tomb.
30 Vapostori vakaungana pana Jesu vakamuudza zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa.
The apostles returned and gathered around Jesus. They told him all they had done and what they had taught.
31 Zvino nokuda kwokuti vanhu vazhinji vakanga vachingouya nokuenda zvokuti havana kugona kuwana kunyange mukana wokudya, akati kwavari, “Handei tose, imi neni chete, kunzvimbo yakanyarara kuti mumbondozorora.”
“Come with me, just yourselves. We'll go to a quiet place, and rest for a while,” Jesus told them, because there was so much coming and going that they didn't even have time to eat.
32 Saka vakaenda voga mugwa kunzvimbo yakanyarara.
So they went by boat to a quiet place to be alone.
33 Asi vazhinji vakavaona vakavaziva uye vakamhanya netsoka vachibva kumaguta ose vakavatangira kusvikako.
But people saw them leaving and recognized them. So people from all the surrounding towns ran ahead and got there before them.
34 Jesu akati aburuka uye achiona vanhu vazhinji zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asina mufudzi. Saka akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
When Jesus got off the boat he saw a huge crowd, and he felt pity for them, because they were like sheep without a shepherd. So he began to teach them about many things.
35 Zvino zuva rava kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Nzvimbo ino irenje, uye kwava kudoka.
It was getting late in the day and Jesus' disciples came to him. They told him, “We're miles from anywhere, and it's really late.
36 Itai kuti vanhu vaende kumaruwa nemisha yakapoteredza kuti vandozvitengera zvokudya.”
You should tell the people to go and buy themselves something to eat in the villages and countryside nearby.”
37 Asi iye akapindura akati, “Imi vapei zvokudya.” Vakati kwaari, “Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?”
But Jesus replied, “You give them something to eat.” “What? We'd need more than six month's pay to buy bread to feed all these people,” the disciples replied.
38 Akati, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mundotarisa.” Vakati vazviona, vakati, “Zvishanu, nehove mbiri.”
“Well, how much bread do you have?” Jesus asked. “Go and see.” They went and checked, and told him, “Five loaves, and a couple of fish.”
39 Ipapo Jesu akavarayira kuti vagarise vanhu vose pasi mumapoka pauswa hunyoro.
Jesus told everyone to sit down in groups on the green grass.
40 Saka vakagara pasi mumapoka ane zana uye neane makumi mashanu.
They sat in groups of hundreds and fifties.
41 Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose.
Then he took the five loaves and the two fish. Looking up to heaven he blessed the food and broke the bread into pieces. Then he handed the bread to the disciples to give to the people, and he divided the fish up between all of them.
42 Vose vakadya vakaguta,
Everyone ate until they were full.
43 uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri.
Then they collected up the leftovers of the bread and fish—twelve basketfuls.
44 Varume vakanga vadya vaisvika zviuru zvishanu.
A total of five thousand men plus their families ate the food.
45 Pakarepo Jesu akaita kuti vadzidzi vake vakwire mugwa uye kuti vafanotungamira kuBhetisaidha, iye achiri kuendesa vanhu vazhinji.
Immediately after this Jesus instructed his disciples to get back into the boat. They were to go on ahead to Bethsaida on the other side of the lake while he sent the people on their way.
46 Akati aonekana navo, akakwira mugomo kundonyengetera.
Once he'd said goodbye to them he went up into the hills to pray.
47 Ava madekwana, igwa rakanga rava pakati pegungwa, uye iye aiva oga kunyika.
Late that evening the boat was in the middle of the lake while Jesus was alone, still on land.
48 Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura,
He could see them being buffeted about as they rowed hard because the wind was blowing against them. In the early morning hours Jesus came to them, walking on the water. He would have passed them,
49 asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzangaradzimu. Vakadanidzira,
but when they saw him walking on the water they thought he was a ghost. They screamed out
50 nokuti vose vakamuona vakatya. Pakarepo akataura kwavari akati, “Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya.”
because they could all see him and were absolutely terrified. Jesus told them right away: “Don't worry, it's me. Don't be afraid!”
51 Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru,
He went over to them and climbed into the boat, and the wind died down. They were totally shocked,
52 nokuti vakanga vasati vanzwisisa nezvezvingwa, mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.
for they hadn't understood the meaning of the feeding miracle due to their stubborn, hard-hearted attitude.
53 Vakati vayambuka mhiri, vakasvika paGenesareti vakamisa igwa ipapo.
After crossing the Sea they arrived at Gennesaret and moored the boat.
54 Vakati vachingobuda mugwa, vanhu vakaziva Jesu.
As they climbed out, the people immediately recognized Jesus.
55 Vakamhanya nomunyika iyo yose vakatakura vanorwara pamaponde vachienda navo kwavakanga vanzwa kuti ndiko kwaari.
They ran everywhere around the whole area to bring in all the sick on their mats to where they'd heard Jesus was.
56 Uye pose paakaenda mumisha, mumaguta kana mumaruwa, vakaisa varwere mumisika. Vakamukumbira kuti avabvumire kubata kunyange mupendero wejasi rake, uye vose vakamubata vakaporeswa.
Wherever he went, in the villages, in the towns, or in the countryside, they put the sick in the marketplaces and begged Jesus to let the sick touch just the edge of his clothes. Everyone who touched him was healed.