< Mako 5 >
1 Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGerase.
Then they came to the other side of the sea, to the region of the Gadarenes.
2 Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye.
And when He got out of the boat, right away a man with an unclean spirit met Him, coming from the tombs.
3 Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani.
—He had his dwelling among the tombs. No one could bind him, not even with chains,
4 Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda.
because he had often been bound with shackles and chains, only to have had the chains torn apart by him, and the shackles broken in pieces; no one had been strong enough to tame him.
5 Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo.
Always, night and day, in the tombs and in the mountains, he was crying out and cutting himself with stones.—
6 Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira namabvi ake mberi kwake.
When he saw Jesus from a distance, he ran and kneeled down to Him,
7 Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!”
and with a loud cry he said: “What do you want with me, Jesus, Son of the Most High God? I implore you by God, don't torment me!”
8 Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!”
Because He was saying to him, “You unclean spirit, come out of the man!”
9 Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.”
Then He asked him, “What is your name?” And he answered, saying, “Legion is my name, because we are many.”
10 Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo.
He started begging Him repeatedly that He would not send them out of that region.
11 Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi.
Now a large herd of pigs was feeding there on the hillside.
12 Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.”
So all the demons begged Him saying, “Send us into the pigs, so that we may enter them.”
13 Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo.
And forthwith Jesus gave them permission; and coming out the unclean spirits went into the pigs (there were about two thousand); but the herd rushed down the steep bank into the sea, and they were drowned by the sea.
14 Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika.
So those who were tending the pigs ran off and reported it in the town and the countryside. And they went out to see what it was that had happened.
15 Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya.
They came to Jesus and observed the man who had been demonized, who had the legion, sitting and clothed and in his right mind; and they were afraid.
16 Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga ambobatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo.
Those who had seen it related to them how it happened to the demonized man, and about the pigs.
17 Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo.
Then they began to implore Him to depart from their borders.
18 Jesu paakanga opinda mugwa, munhu akanga akabatwa namadhimoni akakumbira zvikuru kuti aende naye.
Well upon His getting into the boat, the man who had been demonized started begging Him that he might be with Him.
19 Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.”
But Jesus did not permit him, but said to him, “Go home to your family and report to them how much the Lord has done for you; and He had mercy on you.”
20 Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa.
So he departed and began to proclaim in Decapolis how much Jesus had done for him; and all were marveling.
21 Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa.
Now when Jesus had crossed over again by boat to the other side, a large crowd gathered to Him; and He was by the sea.
22 Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake
And then, one of the synagogue rulers, named Jairus, comes, and upon finding Him he falls at His feet
23 uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro pake kuti agoporeswa uye ararame.”
and pleads earnestly with Him, saying, “My little daughter is at the point of death; do come and lay your hands on her so that she may be saved, and she will live.”
24 Saka Jesu akaenda naye. Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.
So He went with him. A large crowd was also following Him, and they were pressing around Him.
25 Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri.
Now a certain woman—who had been bleeding for twelve years,
26 Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara.
and had suffered many things under many doctors, and had spent all that she had, yet instead of getting better she grew worse—
27 Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake,
when she heard about Jesus, she came from behind in the crowd and touched His garment.
28 nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.”
(She had kept saying, “If I can just touch His clothes, I will be healed.”)
29 Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.
Immediately the flow of her blood was dried up, and she knew in her body that she was healed from the affliction.
30 Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?”
And instantly Jesus perceived within Himself that some power had gone out of Him, and turning around in the crowd He said, “Who touched my clothes?”
31 Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’”
So His disciples said to Him, “You see the crowd pressing around you, yet you say, ‘Who touched me?’?”
32 Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo.
But He kept looking around to see who had done it.
33 Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose.
So the woman, fearing and trembling, knowing what had happened to her, came and fell down before Him and told Him the whole truth.
34 Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”
And He said to her: “Daughter, your faith has saved you. Go into peace and be healed from your affliction.”
35 Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?”
While He was still speaking, they came from the synagogue ruler's house saying: “Your daughter died. Why trouble the teacher further?”
36 Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.”
But immediately upon hearing the spoken message Jesus said to the synagogue ruler, “Don't be afraid; just believe!”
37 Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani mununʼuna waJakobho.
He allowed no one to follow Him except Peter, James, and John, the brother of James.
38 Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru.
Then He came to the synagogue ruler's house and found a commotion—weeping and loud wailing.
39 Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.”
So upon entering He said to them: “Why are you making such a commotion and weeping? The child is not dead, but is asleep.”
40 Asi vakamuseka. Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana.
But they started ridiculing Him. After He put them all out, He took the child's father and mother, and those with Him, and went in where the child was lying.
41 Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”)
And taking the child by the hand He said to her, “Talitha koumi,” which is translated, “Little girl, I say to you, get up!”
42 Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru.
Immediately the girl got up and started walking around (she was twelve years old). And they were overcome with great amazement.
43 Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya.
He gave them strict orders that no one should know about it, and said to give her something to eat.