< Mako 2 >

1 Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha.
Some days later, when Jesus came back to Capernaum, the news spread that he was in a house there;
2 Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari.
and so many people collected together, that after a while there was no room for them even around the door; and he began to tell them his message.
3 Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana.
Some people came, bringing to him a paralyzed man, who was being carried by four of them.
4 Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo.
They were unable to get him near to Jesus, because of the crowd, so they removed the roof above Jesus, and, when they had made an opening, they let down the mat on which the paralyzed man was lying.
5 Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, “Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa.”
When Jesus saw their faith, he said to the man, “Child, your sins are forgiven.”
6 Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vakafunga mumwoyo yavo vachiti,
But some of the teachers of the Law who were sitting there were debating in their minds,
7 “Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?”
“Why does this man speak like this? He is blaspheming! Who can forgive sins except God?”
8 Pakarepo Jesu akazviziva mumweya wake kuti ndizvo zvavakanga vachifunga mumwoyo yavo, uye akati kwavari, “Seiko muchifunga zvinhu izvi?
Jesus, at once intuitively aware that they were debating with themselves in this way, said to them, “Why are you debating in your minds about this?
9 Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe’?
Which is easier? – to say to the paralyzed man, ‘Your sins are forgiven’? Or to say ‘Get up, and take up your mat, and walk’?
10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kuna akanga akafa mutezo,
But so you may know that the Son of Man has power to forgive sins on earth” – here he said to the paralyzed man –
11 “Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba.”
“To you I say, Get up, take up your mat, and return to your home.”
12 Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Hatina kumboona chinhu chakadai!”
The man got up, and immediately took up his mat, and went out before them all; at which they were amazed, and, as they praised God, they said, “We have never seen anything like this!”
13 Ipapo Jesu akabudazve akaenda kugungwa. Vanhu vazhinji zhinji vakauya kwaari uye akatanga kuvadzidzisa.
Jesus went out again to the sea; and all the people came to him, and he taught them.
14 Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifeasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera.
As he went along, he saw Levi, the son of Alphaeus, sitting in the tax office, and said to him, “Follow me.” Levi got up and followed him.
15 Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru pamba paRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera.
Later on he was in his house having dinner, and a number of tax collectors and outcasts took their places at the table with Jesus and his disciples; for many of them were following him.
16 Vadzidzisi vomurayiro, ivo vaFarisi, vakati vachimuona achidya na“vatadzi” navateresi, vakabvunza vadzidzi vake vakati, “Seiko achidya navateresi na‘vatadzi’?”
When the teachers of the Law belonging to the party of the Pharisees saw that he was eating in the company of such people, they said to his disciples, “Why does he eat with the tax collectors and outcasts?”
17 Anzwa izvozvo, Jesu akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
Hearing this, Jesus said, “It is not those who are healthy who need a doctor, but those who are ill. I did not come to call the religious, but the outcast.”
18 Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachitsanya. Vamwe vanhu vakauya vakabvunza Jesu vakati, “Sei vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya, asi venyu vasingatsanyi?”
Now John’s disciples and the Pharisees were fasting, and people came and asked Jesus, “Why is it that John’s disciples and the disciples of the Pharisees fast, while yours do not?”
19 Jesu akapindura akati, “Shamwari dzechikomba dzingatsanya seiko kana iye achinavo? Havangadaro, kana iye achinavo.
Jesus answered, “Can the groom’s friends fast, while the groom is with them? As long as they have the groom with them, they cannot fast.
20 Asi nguva ichasvika ichabviswa chikomba kwavari, uye pazuva iroro vachatsanya.
But the days will come, when the groom will be taken away from them, and they will fast then – when that day comes.”
21 “Hakuna munhu anoisa chigamba chitsva panguo tsaru. Kana akadaro, chigamba chitsva chichabvarura chitsaru, zvoita kuti buri racho rinyanye kukura.
“No one ever sews a piece of unshrunk cloth on an old garment; if they do, the patch tears away from it – the new from the old – and a worse tear is made.
22 Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo dzamatehwe tsaru. Kana akaita izvozvo, waini ichaputitsa matehwe, uye zvose waini nedehwe rewaini zvichaparara. Kwete, anodira waini itsva muhombodo itsva.”
And no one ever puts new wine into old wine-skins; if they do, the wine will burst the skins, and both the wine and the skins are lost. But new wine is put into fresh skins.”
23 Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achipfuura nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakanga vachifamba naye, vakatanga kutanha hura dzezviyo.
One Sabbath, as Jesus was walking through the cornfields, his disciples began to pick the ears of wheat as they went along.
24 VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, seiko vachiita zvisingatenderwi nomusi weSabata.”
“Look!” the Pharisees said to him, “why are they doing what is not allowed on the Sabbath?”
25 Akapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vashayiwa zvokudya uye vonzwa nzara?
“Have you never read,” answered Jesus, “what David did when he was in need and hungry, he and his companions –
26 Mumazuva aAbhiatari muprista mukuru, akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakatsaurwa, chinongotenderwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo vamwe vaaiva navo.”
how he went into the house of God, in the time of Abiathar the high priest, and ate the consecrated bread, which only the priests are allowed to eat, and gave some to his comrades as well?”
27 Ipapo akati kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata.
Then Jesus added, “The Sabbath was made for people, and not people for the Sabbath;
28 Saka Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe kunyange weSabata.”
so the Son of Man is lord even of the Sabbath.”

< Mako 2 >