< Mako 16 >

1 Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu.
Et cum transisset sabbatum, Maria Magdalene, et Maria Iacobi, et Salome emerunt aromata ut venientes ungerent Iesum.
2 Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira,
Et valde mane una sabbatorum, veniunt ad monumentum, orto iam sole.
3 uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?”
Et dicebant ad invicem: Quis revolvet nobis lapidem ab ostio monumenti?
4 Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa.
Et respicientes viderunt revolutum lapidem. Erat quippe magnus valde.
5 Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka.
Et introeuntes in monumentum viderunt iuvenem sedentem in dextris, coopertum stola candida, et obstupuerunt.
6 Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.
Qui dicit illis: Nolite expavescere: Iesum quaeritis Nazarenum, crucifixum: surrexit, non est hic, ecce locus ubi posuerunt eum.
7 Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’”
Sed ite, dicite discipulis eius, et Petro quia praecedet vos in Galilaeam: ibi eum videbitis, sicut dixit vobis.
8 Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya.
At illae exeuntes, fugerunt de monumento: invaserat enim eas tremor et pavor: et nemini quidquam dixerunt: timebant enim.
9 (note: The most reliable and earliest manuscripts do not include Mark 16:9-20.) Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.
(note: The most reliable and earliest manuscripts do not include Mark 16:9-20.) Surgens autem Iesus mane, prima sabbati, apparuit primo Mariae Magdalene, de qua eiecerat septem daemonia.
10 Akaenda akandoudza vaya vaimbova naye, vakanga vachiungudza uye vachichema.
Illa vadens nunciavit his, qui cum eo fuerant, lugentibus, et flentibus.
11 Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda.
Et illi audientes quia viveret, et visus esset ab ea, non crediderunt.
12 Shure kwaizvozvo Jesu akaonekwazve neimwe nzira navaviri vavo pavakanga vachifamba kuruwa.
Post haec autem duobus ex his ambulantibus ostensus est in alia effigie, euntibus in villam:
13 Ava vakadzoka vakandozivisa vakasara; asi naivowo havana kuvatenda.
et illi euntes nunciaverunt ceteris: nec illis crediderunt.
14 Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.
Novissime autem recumbentibus illis undecim apparuit: et exprobravit incredulitatem eorum et duritiam cordis: quia iis, qui viderant eum resurrexisse, non crediderunt.
15 Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.
Et dixit eis: Euntes in mundum universum praedicate Evangelium omni creaturae.
16 Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.
Qui crediderit, et baptizatus fuerit, salvus erit: qui vero non crediderit, condemnabitur.
17 Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva;
Signa autem eos, qui crediderint, haec sequentur: In nomine meo daemonia eiicient: linguis loquentur novis:
18 vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora.”
serpentes tollent: et si mortiferum quid biberint, non eis nocebit: super aegros manus imponent, et bene habebunt.
19 Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari.
Et Dominus quidem Iesus postquam locutus est eis, assumptus est in caelum, et sedet a dextris Dei.
20 Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo, akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera.
Illi autem profecti praedicaverunt ubique Domino cooperante, et sermonem confirmante, sequentibus signis.

< Mako 16 >